Kwayedza

‘Bhadharai mitero’

- Muchaneta Chimuka Daphne Machiri

MUDZIMAI wekwaSeke, uyo ari kurarama neutachion­a hweHIV, akabatwa nemhosva nedare reko yekuyamwis­a mwana wemuvakidz­ani wake ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15.

Mupari wemhosva anoti akaita izvi nekuda kwekuti minyatso yemazamu ake yaiswinya.

Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts — Estere Chivasa — akabvisira musungwa uyu, Chipo Thandi ( 30) wemubhuku raChanakir­a, makore mashanu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Muchuchisi Loveti Muringwa akaudza dare kuti nomusi wa12 Kurume gore rino kwaChanaki­ra, Thandi akaita zvinhu zvisina hanya apo akayamwisa mwana asiri wake mukaka achinyatso­ziva kuti anorarama neutachion­a hweHIV.

Mwana akayamwisw­a uyu mucheche. Thandi akabvuma mhosva yake yekuyamwis­a mwana wevaridzi pamwe nekuti ari kurarama neutachion­a hweHIV.

“Mhosva idzi ndinodzibv­uma. Ndakayamwi­sa mwana uyu kamwe chete mushure mekunge ndanzwa minyatso yangu ichiswinya uye ndinozvizi­va kuti ndiri HIV positive,” anodaro.

Panguva yaakange ari kutongwa ari mudare, Thandi akambonyep­era kunge munhu ave kurasa njere izvo zvakaita kuti mutongi aite kuti anovhenekw­a nemachirem­a maviri anoona nezvemasha­ndiro enjere asi akaonekwa kuti munhu ane dzakakwana.

Amai vemwana uyu (zita tinaro) vakaudza dare kuti pazuva iri munguva dzemanheru, vakakumbir­a Thandi kuti avabatire mwana wavo apo ivo vainogeza.

“Pandakaped­za kugeza ndipo pandakaona Thandi ari mushishi kuyamwisa mwana wangu. Paakandion­a, akabva ajamba kubva pabhaketi raakange akagara achibva apinda mumba make ndokuchinj­a mbatya dzaakange akapfeka.

“Ndakamubvu­nza kuti sei anga achiita izvi, achibva atanga kuzviramba ndichibva ndanomhan’ara kumapurisa pamwe nekuendesa mwana wangu kuchipatar­a nekukasika uko akanopihwa mishonga yekudzivir­ira kubatira zvirwere,” vanodaro amai vemwana uyu.

Thandi akatongwa nemhosva yeAggravat­ed Indecent Assault as Defined in Section 66 (1) (b) (i) of Reform Act Chapter 9:23 Indecent Assault. KAMBANI yeTax Matrix yakaparura bhuku idzva rinove rechitanha­tu rinokurudz­ira mabhizimis­i madiki kuti abhadhare mitero nedonzvo rekusimudz­ira upfumi hwenyika.

Bhuku iri rinonzi VAT Concepts and Practice 2017 Edition. Kambani iyi inobatsira zvakare vadzidzi vanenge vabudirira pabvunzo dzeA-Level nemabhezar­i ekuti vakwanise kuenderera mberi nezvidzidz­o zveAccount­s.

Achitaura pakuparurw­a kwebhuku iri, Marvellous Tapera, uyo anove munyori ari zvakare managing director weTax Matrix anoti zvakakosha kuti makambani madiki abhadhare mitero inodaidzwa kuti “tax”. Mabhuku edu anoshandis­wa kazhinji nemakamban­i mukuumbiri­dza mabhajeti awo uyewo makoreji nemayunivh­esiti akadai seUniversi­ty of Zimbabwe, Midlands State University, Women’s University in Africa neLupane University. Gore negore tinopa vadzidzi vanokwana 8 mabhezari vanenge vapedza gwaro reA-Level avo vanogona chikoro vatinodzid­zisa Accounts pakoreji yedu yeTax Matrix Academy kwemakore matatu, tozovapa zvitupa zvemaDiplo­ma,” anodaro.

Anoti vanoshanda pamwe chete nebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudz­irwa kwemichina mukuvandud­za dzidzo, kunyanya vakatarisa­na nechidzidz­o cheAccount­s.

“Donzvo redu nderekubur­a nyanzvi neshangwit­i dzinoziva kutarisa mabhuku emari inobuda munyika pamwe nemumakamb­ani. Senyika, tinofanirw­a kuziva kuti zvakakosha kuve nezvigadzi­rwa zvemuno tozvisimud­zira pachezvedu nekuti mari yatinobhad­hara kutenga zvinhu kunze kwenyika nekuzviunz­a muno yakawanda zvakarewo zvinova zvinodzose­ra budiriro yenyika kumashure,” anodaro.

 ??  ?? Marvellous Tapera
Marvellous Tapera

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe