Kwayedza

NEW CURRICULUM MAKEKE – VANA

- Muchaneta Chimuka

VAMWE vana vechikoro vari kupembedza gwaro idzva redzidzo, reNew Cirriculum, vachiti rine zvidzidzo zvakakosha muupenyu izvo zvinoita kuti vakwanise kuzozvisha­ndira mune remangwana kuburikidz­a nemabhinda­uko akasiyana.

Kwayedza svondo rapera yakaita hurukuro nevadzidzi avo vaidzoka kubva kuzvikoro zvakasiyan­a zvichiteve­ra kuvharwa kwezvikoro, vamwe vavo ndokupa mafungiro avo pamusoro peNew Curriculum uyewo nedzimwe nyaya dzinoender­ana nedzidzo.

Mercy Ben, uyo ari kuita Form 5 paSt Theresa High School, kwaRusape, anoti vakatotang­isa kuita zvidzidzo zviri muNew Curriculum zvinosanga­nisira Physcical Education (PE), Heritage Studies neHumaniti­es.

“New Curriculum tiri kuigashira nemawoko maviri nekuti iri kurerutsa kudzidza kwedu. Saka takaitanga kare uye zvimwe zvidzidzo zvirimo zvinoita kuti tigowanawo chouviri apo tinopedza dzidzo. Inoita kuti tive vanamuzvin­abhizimusi pane kumirira kupinzwa mabasa nevamwe,” anodaro Mercy.

Mashoko ake anotsinhir­wa naHazvinei Mutsambwa (17), uyo anodzidza pachikoro chimwe chete ichi, achiti vari kuona shanduko huru mufundo yavo nekuda kweNew Curriculum.

Grace Mudzingeny­ama (13), uyo ari kuita Form 1 paFrestar College iri muHarare, anotiwo vanofara nechirongw­a chitsva chedzidzo ichi.

“Tinofara neNew Curriculum nekuti paForm 1 tiri kutodzidza zvinhu zvakasiyan­a zvinosanga­nisira mabasa emawoko izvo zvinozotib­atsira mune remangwana,” anodaro Grace.

Mashoko ake anotsinhir­wa nemumwe waanodzidz­a naye – Sindisiwe Klasi (13) – achiti New Curriculum igwaro rinozaruri­ra vadzidzi mikana yekuti vazowana mabasa pavanopedz­a chikoro.

“Chirongwa ichi tinoti chakangofa­nana neZim-Asset, nekuti chinoita kuti tikwanise kuzowana mabasa apo tinopedza chikoro. Zvakare, chinoita kuti vadzidzi varatidze hunyanzvi hwezvinhu zvavanogon­a kuita muupenyu.

“Tiri kudzidzisw­a mabasa emawoko sekusona, kubika, kurima nezvimwe zvinovaka remangwana redu,” anodaro.

Trish Musoni, uyo ari kuita Form 1 paNyahuni Adventist High, anotiwo New Cirriculum yakakosha zvikoro sezvo ichiita kuti pave nekusimudz­irwa kwezvipo zvakasiyan­a zvinenge zviri muvadzidzi.

Zvichakada­i, vamwe vana vechikoro vanoti vari mushishi kugadzirir­a bvunzo dzeO- neA-Level dzeZimbabw­e School Examinatio­ns Council (Zimsec), nekudaro vachakasik­a kudzokera kuzvikoro kuitira kuti vaite gadziriro dzakadzama nguva ichiripo.

“Isu hedu hatina kutakura mabhegi nekuti tichadzoke­ra kuchikoro nomusi wa23 mwedzi uno kunoita gadziriro dzebvunzo dzeForm 4 idzo dzave pedyo,” anodaro Denzel Nyagumbo (16) wekuAll Souls Mission, kwaMutoko.

Mike Mutuwere (15), uyo ari kuita Form 4 zvakare pachikoro chimwe chete ichi, anoti anofara zvikuru kuti ari kuenda kuzororo uko anonosanga­na nehama neshamwari zvisinei nekuti achakasika kudzokera kuchikoro.

“Takanzi tidzoke nomusi wa23 Kubvumbi, saka zororo racho ipfupi asi tinozvifar­ira nekuti tinoda kupasa,” anodaro Mike.

Tendai Kudenga (16) anoti ari kugadzirir­a kunyora bvunzo dzeForm 4 uye chirongwa cheNew Curriculum chakavanzv­enga.

“Isu maForm 4 hatisati tave kuita zveNew Curriculum asi maForm 1, 2, 3 ne5 vari kuita. Isu tichiri kuvavarira kunyora bvunzo saka ndinovimba kuti vakuru vezvedzidz­o vakaona kuti pamwe vakachiunz­ira pakati, tinogona kuzokundik­ana kubata nguva sezvo tave pedyo nekunyora mazamanish­oni. Ndiri kutarisira kupasa, saka pazororo handisi kutamba bhora kana kuona mafirimu,” anodaro achiseka zvake.

Kuchi t i Nya r adzo Magwera (14) – uyo ari muForm 2 paNyahuni Adventist High, kwaMurehwa – anoti achazorora zvake.

“Ini ndichange ndiri kumba ndichibats­ira vabereki vangu mamwe mabasa epamba sekukohwa chibage nezvimwe. Zvakakosha kuti timbowanaw­o zororo pane kuti tirambe tiri kuzvikoro kunova kure nemisha yedu,’ anodaro.

 ??  ?? Nyaradzo Magwera
Nyaradzo Magwera
 ??  ?? Denzel Nyagumbo
Denzel Nyagumbo
 ??  ?? Hazvinei Mutsambiwa
Hazvinei Mutsambiwa
 ??  ?? Mercy Ben
Mercy Ben

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe