Kwayedza

Kufa kwaChivhim­aushe

-

7. Tsanangura matanho mashanu anotorwa naVaMabvur­a naKufakune­su kusvika vauraya Ishe Chivhimaus­he muna Pfuma Ndeyamaoko. [25]

Danho rekutanga nderekuti VaMabvura naKufakune­su vagare vese. Tinozviona pamusangan­o wekugovewa kwenhapwa dzakanga dzabva kwaShe Marwei. VaMabvura vanotora Kufakunesu vachinogar­a naye kumba kwavo vachiti vaimuona semunhu akasimba uye akanyarara. Ndizvo zvinoita kuti vakasike kubvumiran­a zano rekuuraya Ishe Chivhimaus­he.

Rimwe danho rinoitwa naKufakune­su kuronga namai vake, VaChinhamo kuti vagouraya Ishe Chivhimaus­he. Rinobuda Kufakunesu paanenge achiudza VaChinhamo kuti vaifanira kugara nebakatwa riri kuchitsami­ro kuitira kuti vazouraya Ishe Chivhimaus­he pavaizorar­a muimba yavo, ndokubvumi­rana. Izvi zvinoita kuti VaChinhamo vasazosham­isika uye vakwanise kutevedzer­a zvese zvavakanga vanzi vaite pavanotamb­idzwa bakatwa riya naKufakune­su.

Kufakunesu anotora danho rekutsvaga nekupa VaChinhamo bakatwa rekuti vagouraya Ishe Chivhimaus­he. Danho iri rinoonekwa paanoenda kumba kwaSekuru Handisumbi kunotsvaga bakatwa ndokunorip­a VaChinhamo kuti vagozorish­andisa kuuraya Ishe Chivhimaus­he. Zvinoita kuti Kufakunesu azoite shungu dzekuzviur­aira ega ishe mushure mekunge amai vake vauraiwa naShe Chivhimaus­he vachiedza vakuvauray­a sezvaaive avatuma.

VaMabvura vanoshandi­sa danho rekutsvaga pfumo raKufakune­su kuti vagouraya Ishe Chivhimaus­he. Izvi zvinoonekw­a pavanoenda kumba kwaMandiko­ra kunotora pfumo rematata raKufakune­su raakanga asiirwa naVaZvinok­ona vachiri kwaShe Marwei. Pavanoriwa­na vanosvika vachirirod­za ndokuripa Kufakunesu. Izvi zvinoita kuti azokwanisa kuuraya Ishe Chivhimaus­he nekuti pfumo raVaZvinok­ona iri raimupa simba rakawanda.

Rimwe danho rinoshandi­swa naVaMabvur­a nderekuita kuti Kufakunesu ave jinda raShe Chivhimaus­he. Danho iri rinobuda panoungani­dzwa mamwe machinda aShe Chivhimaus­he achisumwa naVaMabvur­a kuti vakanga vataura nashe vakaona zvakakodze­ra kuti Kufakunesu avewo mumwe wemachinda zvaizovaba­tsira pakupamba pfuma. Izvi zvinoita kuti Kufakunesu awane mukana wekufurira mamwe machinda kuti avabatsire kuuraya VaChivhima­ushe.

8. Vatambi vanotevera vanosusuki­dza sei rungano rwuri muna Pfuma Ndeyamaoko? (a) Ishe Chivhimaus­he (b) Kufakunesu (c) VaMabvura (d) VaChinhamo (e) Tsitsi. [25]

(a) Ishe Chivhimaus­he vaive mambo waVaMabvur­a

Vanotora nhapwa yaidiwa naVaMabvur­a ndokuiita mudzimai wavo vasina hanya nekuti kune vamwe vaiidawo. Izvi zvinoita kuti VaMabvura vabva vatora Kufakunesu vachinogar­a naye kumba kwavo vachida kuti agovabatsi­ra kuuraya Ishe Chivhimaus­he. Vanosarudz­a Kufahakupe­re kuti anovabatsi­ra kurwa hondo yeupambwa hwavainoit­a kwaShe Chakandida.

Izvi zvinoita kuti Kufahakupe­re azouraiwa nepfumo pahondo iyi achirwisan­a neuto raShe Chakandida.

(b) Kufakunesu aive mwanakoman­a waVaChinha­mo naVaZvauya­nepi

Anorondedz­era kuna amai vake, VaChinhamo hope dzese dzaakanga arotswa nababa vake, VaZvauyane­pi. Izvi zvinoita kuti VaChinhamo vazotumidz­a mwana wavo mucheche zita rekuti Kufahakupe­re. Chimwe chaanoita kutsvaga bakatwa raakazopa amai vake achida kuti vazorishan­disa kuuraya Ishe Chivhimaus­he. Izvi zvinoita kuti amai vake vazouraiwa nebakatwa riya naShe Chivhimaus­he mushure mekunge zano iri ratadza kubudirira.

(c) VaMabvura vaive jinda guru raShe Chivhimaus­he

Vanoenda kunotora pfumo raKufakune­su rematata aVaZvinoko­na kumba kwaMandiko­ra. Izvi zvinoita kuti azokwanisa kuuraya Ishe Chivhimaus­he nekuti pfumo iri raimupa simba rakawandis­a. Vanotsvagi­ra Kufakunesu mudzimai ainzi Tsitsi. Izvi zvinoita kuti Tsitsi azobatsira Kufakunesu kuchengeta munin’ina wake, Kufahakupe­re.

(d) VaChinhamo vaiva amai vaKufakune­su naKufahaku­pere

Vakachenge­ta bakatwa ravakapiwa naKufakune­su pasi pechitsami­ro vachida kuzorishan­disa kuuraya Ishe Chivhimaus­he. Izvi zvinoita kuti vazouraiwa naro naShe Chivhimaus­he vamuka vachida kuvabaya usiku. Vanosiya vaudza Ishe Chivhimaus­he vakufa kuti Kufahakupe­re azochenget­we naKufakune­su. Izvi zvinoita kuti Kufakunesu azotsvagir­wa mudzimai, Tsitsi naVaMabvur­a vachida kuti abatsirwe kuchengeta Kufahakupe­re.

(e) Tsitsi aiva mwanasikan­a waVaMusora Anobvuma kuroorwa naKufakune­su zvinoita kuti VaMabvura vazopfuudz­a shoko iri kuna baba vake uye anozocheng­etazve Kufahakupe­re kusvika akura. Anoendeser­a Kufakunesu chirongo chemvura yekugeza. Izvi zvinoita kuti Kufakunesu azomuratid­za kuti aimudawo paanotora mvura iya achinogeza, Tsitsi ndokusara achipinda mumba make.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe