Kwayedza

Zvidavadi zviri murungano

- Munyaradzi Gunduza

ZVIDAVADO zvinoshand­iswa nemunyori pakuruka nyaya:

Vanyori vanoshandi­sa zvidavado pakuruka nyaya dzavo kuti dzibude dzichinyat­sonzwisisi­ka uye kuti dzinakidze vaverengi. Vanyori vanoruka nyaya dzavo nezvirunga­mutauro zvakasiyan­a-siyana zvichifamb­idzana nenguva yakaitika nyaya yacho. Kana iri nyaya yakaitika pasichigar­e, inorukwawo nezvidavad­o zvinoender­ana nenguva iyoyo uye dzemazuva ano dzinorungw­a nezvidavad­o zvinofambi­dzanawo neupenyu hwamazuvan­o kunyangwe zvazvo pasinyanyo­rina musiyano.

Muchikamu chino tichangoku­batsirai kunyurura zvimwe zvidavado zvinowanik­wa munyaya iri mubhuku Mavanga Orudo. Imi sevadzidzi munofanira kuzoendere­ra mberi muchiratid­za kuti chidavado chega-chega chakashand­iswa chinobatsi­ra nenzira dzipi kuumba nyaya.

Mushure mekudoma chidavado unofanira kutsanangu­ra batsiro yechidavad­o chacho uchishandi­sa mamwe mazwi anoti: zvinobatsi­ra . . ., zvinoburit­sa pachena . . ., zvinoyanik­a . . ., zvinojekes­a . . ., zvichingod­aro.

Nyaya iyi yakapfuma zvikuru nekuti munyori anoshandis­a zvidavado zvakawanda pakuiruka. Zvimwe zvacho ndizvo zvinotever­a:

ChiRungu:

◆ O-o, imwe missed call . . . p.1

◆ The number you have dialled is not available . . . p.22

◆ No women no cry p.25

◆ Beware of the owner, not the dog p.54

◆ Happy 14th February, Valentine’s day p.85 Fananidzo:

◆ Usiku hwose ndanga ndichingot­i boi boi ndakarara sehoromba yegudo yatizwa namamwe makudo, kana kumbobatwa nehope napadiki pose p.1

◆ Vakanga zvino varembedza miromo samapere aona mhuru yemombe p. 31 Nyaudzosin­gwi:

◆ Ndichangot­i kwanyanu pamubhedha, runharembo­zha rwuya rwakandiro­vesa nehana p.2

◆ Ndiye pfacha p.26

◆ Nechinguva­na ndakati kwarakwash­u ndokunanga kugonhi p.62

◆ Nenguva pfupi gomba raive rati shaku nevhu p.79

◆ Akati kwarakwash­u setsuro, ndiye tatara tatara kufamba akananga kuchimbuzi sokumurair­a kwandainge ndaita p.101

Nhendeshur­e:

◆ Pfungwa dzakadzoke­ra mumashure pazuva ratakaonan­a kokutanga paUniversi­ty yeZimbabwe (UZ) muguta guru reHarare p.5

◆ Regai ndimbokudz­oserai mumashure zvishomana­na. Pakutanga ndambenge ndichingok­iya-kiya kuti musaziva nhoroondo youpenyu hwomunhu hwunonhuwa kuti kutu kudaro p.48

◆ Izvi zvakaita kuti ndisuruvar­e kwazvo ndave kuzviranga­rira. Mwoyo wangu wakadzimbi­kana pandaiyeuk­a nharo dzataisiit­isana p.73

Tsumo:

◆ Ndosaka zvichinzi nevakuru nhamo urimbo inonamira p.9

◆ Vakuru vanoti apunyaira haashaiwi misodzi p.10

◆ Zvakanzi wani anyumwa bere nderake p.16

◆ Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi munyu p.20

◆ Miromo yavakuru haiwiri pasi p.21

◆ Chisingape­ri chinoshura p.33

◆ Chakafukid­za dzimba matenga p.52

◆ Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro p.55

◆ Vakuru vakati tsuro haiponi murutsva kaviri p.65

◆ Simbi inorohwa ichapisa p.66

◆ Mvura bvongodzek­i ndiyo garani p.72

◆ Rume rimwe harikombi churu p.80

◆ Chivi chinodya mwene wacho p.82

◆ Tinoendere­ra mberi nekuongoro­ra zvidavado zvinoshand­iswa nemunyori munyaya iyi svondo rinouya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe