‘Ndinodyiswa nhunzi, honye’
◆ makuru dziine mabesu asi misoro iri yevanhu nevhudzi refu,” anodaro.
Anoti zvakare mitumbi yevamwe vanhu vanouraiwa nenjuzu inoputirwa nemachira machena.
Chikerema anoti kune vamwewo vanhu vaanoona vachiuya nenjuzu idzi vari vapenyu, avo hama dzavo dzinenge dzisina kuvachema pavanotorwa.
Anowedzera achiti paakatorwa nenjuzu kekutanga, tete vake nedzimwe hama vakanzi vasacheme kuti iye agodzoka ari mupenyu sezvakazoitika.
“Dzimwe nguva tinodyiswa sadza nemiramba, mupunga neimwe nyama yandaisanzwisisa kuti ndeyei. Hautenderwe kuzviramba, ukangoda kudaro unobva waramba uchingopihwa sadza nenhunzi nehonye kusvikira usisataure,” anodaro.
Anoenderera mberi achiti, “Kekutanga ikaka, ndakazoburitswa mumvura mushure memakore maviri apo ndakapihwa jira rewhite (jena), chuma nembiya izvo ndakanzi zvinofanirwa kugara mumba mangu zvakaputirwa nejira irori. Kwakazoitwa mabiko nevekudzinza kwedu.”
Akaramba kuratidza Kwayedza mbiya, chuma nejira zvaanoti akabva nazvo mumvura izvi.
Chikerema – uyo akazoroorwa pashure – anoti njuzu idzi dzinoramba dzichiuya kumba kwaave kugara nemurume wake dzichimutora.
Padzinomutora, dzinoenda naye kuna Nyatsime kana Manyame (Hunyani), kuChitungwiza munguva dzehusiku, dzonopinda naye mumvura umo anozobuda mangwanani asi akaoma.
“Mu r ume wa ng u , Nickwell Chikerema, akandiona ndamuka pakati pehusiku anotevera otondiona ndichipinda mumvura, iye osara akandigarira kusvikira kunze kwayedza,” anodaro.
Paanotorwa apa, anoti anoitiswa mabasa akasiyana anosanganisira kutorawo vamwe vanhu munzizi vachienda navo pasi pemvura.
Mudzimai uyu anoti zvakare atambudzwa neshavi iri, zvekuti atova n’anga huru sezvo achirotswa mishonga yaanorapisa vanhu nekuita mamwe masaramusi.
Anotizve njuzu dzinomuudza kuti asarase jira nechuma izvi akabva nazvo mumvura achinzi akazvirasa bedzi anobva afa.
Kuburikidza nedambudziko iri, Chikerema anoti anoputa fodya nekushandisa mishonga yakasiyana kurapa vanhu.
“Mudzimu unosvika paandiri ndewaBondera. Takaberekwa tiri vana 6 mumba medu asi ini ndini ndoga ndinoita izvi.”
Anoti akamboita nguva refu achitevera zvisingagume achinzi zvaikonzerwa neshavi renjuzu.
“Izvozvi ndinogara pamba pababa vangu, murume wangu haashande uye ini wacho ndaimbotengesa zvikashaya basa. Njuzu ndinodziona kana kuhope kana dai ndakasvinura dzichinditi tiende kumvura,” anodaro.
Anoti akaenda kumadziva anoona mvura ichipera yose oratidzwa hove dzakawanda zvikuru idzo anonzi nenjuzu atore iye achiramba.
“Ndiri kutambura zvikuru nekuda kwekuti handisi kukwanisa kutevedza zviri kudiwa nenjuzu idzi. Vabereki vangu havachada kudyidzana neni nekuda kwenyaya iyi.
‘‘Kunyange kwandakaroorwa, hama dzemurume wangu dzinodawo kuti ndirambwe.”
Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume waChikerema kuti apewo divi rake panyaya iyi sezvo akashaikwa pamba uye nhare yake yaingorira asi isingadairwe.
Zvakadai, VaJonathan Shonhiwa vekuChiredzi vanoti Chikerema ngaasiyane nekutsvaga rubatsiro kumachechi asi kuti aende kuchivanhu kuti zvipere.
Kune vanoda kubatsira Chikerema vanoridza nhare panhamba dzinoti 0776 988 190 kana 0777 692 188.