Kwayedza

‘Ndinodyisw­a nhunzi, honye’

-

◆ makuru dziine mabesu asi misoro iri yevanhu nevhudzi refu,” anodaro.

Anoti zvakare mitumbi yevamwe vanhu vanouraiwa nenjuzu inoputirwa nemachira machena.

Chikerema anoti kune vamwewo vanhu vaanoona vachiuya nenjuzu idzi vari vapenyu, avo hama dzavo dzinenge dzisina kuvachema pavanotorw­a.

Anowedzera achiti paakatorwa nenjuzu kekutanga, tete vake nedzimwe hama vakanzi vasacheme kuti iye agodzoka ari mupenyu sezvakazoi­tika.

“Dzimwe nguva tinodyiswa sadza nemiramba, mupunga neimwe nyama yandaisanz­wisisa kuti ndeyei. Hautenderw­e kuzviramba, ukangoda kudaro unobva waramba uchingopih­wa sadza nenhunzi nehonye kusvikira usisataure,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Kekutanga ikaka, ndakazobur­itswa mumvura mushure memakore maviri apo ndakapihwa jira rewhite (jena), chuma nembiya izvo ndakanzi zvinofanir­wa kugara mumba mangu zvakaputir­wa nejira irori. Kwakazoitw­a mabiko nevekudzin­za kwedu.”

Akaramba kuratidza Kwayedza mbiya, chuma nejira zvaanoti akabva nazvo mumvura izvi.

Chikerema – uyo akazoroorw­a pashure – anoti njuzu idzi dzinoramba dzichiuya kumba kwaave kugara nemurume wake dzichimuto­ra.

Padzinomut­ora, dzinoenda naye kuna Nyatsime kana Manyame (Hunyani), kuChitungw­iza munguva dzehusiku, dzonopinda naye mumvura umo anozobuda mangwanani asi akaoma.

“Mu r ume wa ng u , Nickwell Chikerema, akandiona ndamuka pakati pehusiku anotevera otondiona ndichipind­a mumvura, iye osara akandigari­ra kusvikira kunze kwayedza,” anodaro.

Paanotorwa apa, anoti anoitiswa mabasa akasiyana anosangani­sira kutorawo vamwe vanhu munzizi vachienda navo pasi pemvura.

Mudzimai uyu anoti zvakare atambudzwa neshavi iri, zvekuti atova n’anga huru sezvo achirotswa mishonga yaanorapis­a vanhu nekuita mamwe masaramusi.

Anotizve njuzu dzinomuudz­a kuti asarase jira nechuma izvi akabva nazvo mumvura achinzi akazvirasa bedzi anobva afa.

Kuburikidz­a nedambudzi­ko iri, Chikerema anoti anoputa fodya nekushandi­sa mishonga yakasiyana kurapa vanhu.

“Mudzimu unosvika paandiri ndewaBonde­ra. Takaberekw­a tiri vana 6 mumba medu asi ini ndini ndoga ndinoita izvi.”

Anoti akamboita nguva refu achitevera zvisingagu­me achinzi zvaikonzer­wa neshavi renjuzu.

“Izvozvi ndinogara pamba pababa vangu, murume wangu haashande uye ini wacho ndaimboten­gesa zvikashaya basa. Njuzu ndinodzion­a kana kuhope kana dai ndakasvinu­ra dzichindit­i tiende kumvura,” anodaro.

Anoti akaenda kumadziva anoona mvura ichipera yose oratidzwa hove dzakawanda zvikuru idzo anonzi nenjuzu atore iye achiramba.

“Ndiri kutambura zvikuru nekuda kwekuti handisi kukwanisa kutevedza zviri kudiwa nenjuzu idzi. Vabereki vangu havachada kudyidzana neni nekuda kwenyaya iyi.

‘‘Kunyange kwandakaro­orwa, hama dzemurume wangu dzinodawo kuti ndirambwe.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume waChikerem­a kuti apewo divi rake panyaya iyi sezvo akashaikwa pamba uye nhare yake yaingorira asi isingadair­we.

Zvakadai, VaJonathan Shonhiwa vekuChired­zi vanoti Chikerema ngaasiyane nekutsvaga rubatsiro kumachechi asi kuti aende kuchivanhu kuti zvipere.

Kune vanoda kubatsira Chikerema vanoridza nhare panhamba dzinoti 0776 988 190 kana 0777 692 188.

 ??  ?? Sekuru Mupamombe
Sekuru Mupamombe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe