Kwayedza

Nzwisiso inoda nguva

- Ticha Danga

MUKUEDZA kutsvaga chaita kuti musoro uteme, donzvo redu rinenge riri pakuda kuwana nzira dzekupedza nadzo dambudziko. Ongororo yemapepa akanyorwa inotibatsi­ra kuti tione pane mhosho uye tigogadzir­a mhosho idzodzo zvigofamba mutserende­nde.

Taramba vana vanopinda mumirwi yezvibodzw­a zvisina maturo nekuda kwechiShon­a. Kotoro (temu) yapera zvikoro zvizhinji zvakanyora bvunzo, chero zvazvo vamwe vasina. Ongororo ino ndeyepepa rekutanga ( paper 1) iro rinotakura zvibodzwa makumi mana (40 marks).

Iri pepa rinopa zvakare vana dambudziko kunyanya vaya vanosema nekutarisi­ra chiShona pasi nekuti rinobata-bata twakawanda.

Pepa rino, iro rakanyorwa mune chimwe chikoro chikuru muZimbabwe, rakatanga nenzwisiso iyo yaida kuti vana vanyore mhinduro kumibvunzo misere mushure mekuvereng­a. Chakakosha apa kuti mwana ange achigona kuverenga nokunzwisi­sa nekuti hatitarisi­ri vana kupotsa kana kudonhedza zvibodzwa panzwisiso nekuti mutauro ndiwo unotogozha apo vana vanogona kusangana nezvinhu zvavasinga­tozive.

Mibvunzo yose iri misere yanga yakapfava kusara kwemumwe chete wakabvunza kuti “Chinonzi “mhumbu” mundima chii? Vana vaitadza kupa mhinduro yakakwana asi chaidiwa apa kutora mhinduro kubva mumashandi­ndisirwo akaitwa zita mundima (contextual use).

Kugona kutora zvinoreva izwi kubva mumashandi­sirwo zvinotodzi­dziswa vana nekudaro vanofanirw­a kupota vachipiwa mibvunzo yakadaro kuti vajaire. Apa chinonzi “mhumbu” ihove.

Kupera kwenzwisis­o kwakanga kune kachikamu kadiki kaiva kemutauro apo paiva nemubvunzo mumwe chete wakanetsa vashoma uyo waida kuti vana vadzidze matauriro edu chaiwo akadzama tichishand­isa tsumo kana madimikira.

Mabvunzi rwo akaitwa mubvunzo uyu anogona kupusisa vaya vajaira kuungana netsumo dzinoda kuzadziswa kana kutsanangu­dzwa. Apa pava kudiwa kushandisw­a zvakadzidz­wa (applicatio­n of knowledge).

Pakange pakanzi, “Kana munhu akashaya mhuka yekuuraya aenda kunovhima anoti — (A) sango rinopa waneta ( B) mudzimu wakombora (C) sango idema (D) murombo haarovi chinenguwo. Mhinduro yakanaka ndi (C) sango idema.

Chikamu chakatever­a chaiva chenzwisis­o zvakare. Nzwisiso iyoyo yakatakura zvakare mubvunzo misere. Izvi zvinobva zvaratidza zvakakoshe­ra kuita nzwisiso nekuti ndiyo iri kutakura pepa rese. Hapana zvekare mubvunzo wanga wakaoma asi kuti waitofanir­wa kukohwa zvibodzwa zvose zviri zvinomwe.

Mushu r e menzwi - siso kunotevera zvakare mutauro uyo wakabata mazwi anoreva zvakafanan­a, tsumo dzinoreva zvakafanan­a, mazwi anoreva zvakapesan­a nemazita. Zvoreva izvo kuti gumbeze rakaputira mutauro rakakura chose uye rinoda munhu ane chido chekuita tsvagurudz­o dzakadzama.

Paidiwa kupa izwi rinoreva zvakafanan­a namuboora rinova mutikiti uye tsumo inoenderan­a natotenda dzanwa dzaswera nebenzi. Iyi tsumo yaida kudyidzani­swa natotenda maruva tadya chakata. Gengezha mukombe hazvienzan­i nekunwira mudemhe inoenderan­a neinoti ane ganda ane nyama hazvienzan­i neasina.

Kuchipedza izvozvo kwakanga zvekare kuine nzwisiso nemibvunzo mitanhatu iyo yainge yakati pfavei kunyanya kune avo vanogona kuverenga.

Zvikamu zvekupedze­sesa pepa zvaiva zvetsumo, madimikira uye kunyora kwakanaka. Mamiriro epepa aya anoratidza kuti tinofanirw­a kupa nzwisiso nguva huru muzvidzidz­o zvedu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe