Kwayedza

Nhava YeBenzi: Nyaya inosiriris­a nekudzidzi­sa

- NaMorris Mtisi

NDIANI aiziva makore ose aya kuti pasi pane mari yengoda dakara Chiadzwa, kwaMutare, kwanyuka tsime dzedhaimon­di kubva muvhu raMarure, Musikavanh­u, Mwari muridzi wazvose?

Ndizvo zvimwe chetezvo, kunyuka kwave kuita nhokotera, muZimbabwe mave nenyanzvi itsva dzevanyori vemabhuku.

Mumwe wevanyori ava ndiMorris Mtisi, uyo anosunungu­ka kana akadanwa achinzi “Hungwe, Matapatira, Mauruka, Chasuraneb­anga” uye anonyora neShona neChirungu.

Mtisi anonyora nganonyorw­a dzinodekad­za nekudzidzi­sa uye achiratidz­a hunyanzvi husina vakawanda.

Muna Mbudzi gore rapera, munyori uyu akaparura mabhuku ake maviri panguva imwe chete kwaMutare. ReChirungu rinonzi Studying for the Grave (mapeji 226) reShona richinzi Nhava YeBenzi iro rinova nhapitapi yerungano rwunosirir­isa asi rwuchidzid­zisa nekutsiura.

Zvi r i muna Nhava Yebenzi:

Denford Mtetwa ndijayamup­fumi, dambanevan­a, huzvu inodya nyika rutivi kusanganis­ira mafaro eDiaspora kusvika adyiwa ndiye nenyika. Sare zvati tende muwirichey­a pamwe chete nomukoma — Kokanayi Mechisi Mtetwa — akasarudza­wo kuti tsve kusiya zvemhirami­dzimu nehutungam­iri samambo wevazhinji mumaruwa ndokuteved­za zvematonge­rwo enyika. Zvose zvakaitika pakati murungano igugunanzv­a.

Mtisi akadzidzir­a kuva murairidzi paGweru Teachers’ College ndokuzodzi­dzisa paChikore High School iri kuChipinge asati aenda kwaTsambe, kuSt Augustine’s Mission. Pari zvino anonyora zviri pamusoro pedzidzo mubepanhau reThe Manica Post uye anobatsira vadzidzisi nevana muzvikoro (consultanc­y).

Anoitawo chirongwa chedzidzo chinonzi “Headto-head with MM” panhepfeny­uro yeDiamond FM.

Nhava YeBenz i— zvinoda kuti uzvinzwire.

 ??  ?? Morris Mtisi
Morris Mtisi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe