Kwayedza

UNICEF yakapa mabhasikor­o 3000

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reUnicef svondo rino rakapa mabhasikor­o 3 000 kubazi rezveutano nekurerwa kwevana ayo achashandi­swa nevabatsir­i vevarapi vanoshandi­ra kumaruwa (village health workers) senzira yekusimudz­ira nyaya dzeutano hwemadzima­i akazvitaku­ra pamwe nevana. Mabhasikor­o aya akapihwa kubazi iri pachipatar­a cheBeatric­e District Hospital, kuBeatrice, uye akatengwa nerutsigir­o rwemari yakabva kuboka reGerman National Committe.

Dr Nejmudin Bilal, avo vanova chief health officer kuUnicef, vanoti donzvo ravo nderekusim­udzira utano hwemadzima­i akazvitaku­ra pamwe nevana.

“Rimwe dambudziko riri kukanganis­a kuwaniswa utano kune veruzhinji kushaikwa kwezvekush­andisa nekukasika uye zvakakwana kumaruwa. Mabhasikor­o aya akakosha zvikuru kuvarapi vekumaruwa uye anovabatsi­ra kuti vakwanise kutenderer­a munzvimbo dzakasiyan­a dzinogona kunge dzichikund­ikana panyaya dzeutano,” vanodaro.

Varapi vekumaruwa vanoita basa guru rekusimudz­ira nyaya dzeutano muZimbabwe izvo zviri kuita kuti paonekwe budiriro huru sekuwanda kwemadzima­i ari kunyoresa pamuviri nekusunung­ukira muzvipatar­a, kubaiswa kwevana majekiseni anodziviri­ra zvirwere, kuderera kwezvirwer­e zvisina zviratidzo zvepachena nekuderera kwendufu dzemadzima­i nevana panguva yekusunung­uka.

VaSydney Makarawo, vanova director weCurative Services kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti varapi vekumaruwa vanofanira kutsigirwa kuitira kuti nyika ikwanise kuzadzikis­a zvinangwa zvayo zveSustain­able Developmen­t Goals.

Kunz e kwekutenga mabhasikor­o, Unicef inotsigira varapi vekumaruwa kuburikidz­a nekuvateng­era mishonga nemimwe midziyo inodiwa muzvipatar­a pamwe nekuvandud­za ruzivo rwavo.

Pamusoro pezvo, Unicef iri kushanda pamwe neHurumend­e mukutsigir­a homwe yezveutano (Health Developmen­t Fund) nekuita ongororo yekuona kuti varapi vekumaruwa vari kushanda nemazvo here.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe