Kwayedza

Pasika: Kupemberer­a rudo!

-

PASIKA kana kuti Easter iri kutanga Chishanu chino iri Good Friday. Iyi inguva inocherech­edzwa pasi rese.

Mukwende akaongoror­a munhoroond­o dzechitend­ero chechiJudh­a, uyewo mumagwaro echiKristu akaona kuti donzvo guru rokupember­era Easter nderokuda kuratidza kuti Mwari akada vanhu vake pasi rese, zvisinei nokutadza kwavo, uyewo kuti ivavo vanhu vakadiwa, vanosungir­wa kupanana rudo pasina kutarisa kuti wandada uyu ihama yangu here kana kuti kwete.

Mwari anotarisir­awo kuti nyasha dzavakatam­banudzira vanhu vavo, vanhu vacho ngavatamba­nudziniran­ewo nyasha norudo pakati pavo, mukuwana nomukushay­a.

Kuti rudo urwu rwunzwisis­ike, Mwari vakaita chinhu chimwe chete, chokuti mwanakoman­a wavo Jesu Kristu arovererwe pamuchinji­kwa, afe, avigwe agomuka kuvakafa, achidzoker­a zvakare kudenga kunotora chigaro chake chokutonga.

Kufa nokumuka kwaKristu kwakayanan­isa vanhu vakange varasika kuupenyu husingaper­i hwaMwari. Kubhuku yaJohani chitsauko chetatu, ndima 16 zvinonzi: “Nokuti Mwari akada nyika, nokudaro kuti akapa Mwanakoman­a wake mumwe oga, kuti ani nani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaper­i.”

Kune imwe ndima anoti, “Kuna vose vakamugamu­chira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari . . .” (Johani 1:12)

Kunyange zvazvo chiri chiitiko chakapihwa zita rokuti Easter, chinhu chikuru ndechokuti, vanhu vari kupemberer­a rudo.

Asi, vanhu vari kupanana rudo here? Vanhu vari kukoshesan­a here?

Ukatarisa nyaya dziri kumatare — kubva kuna sabhuku kusvika kudare repamusoro-soro renyika, zvinoratid­za kuti vanhu vanodanana here sokudiwa kwavanoitw­a naKristu, anove akatambanu­dza mawoko kuvanhu kuti ndinokudai mese sezvamuri?

Mhemberero dzegore rino dzauya mwaka wakanaka zvikuru, mwaka weZhizha. Vamwe gore rino vachatadza kuenda kumasango emakereke, kana kunoona hama neshamwari nokuti vanenge vachikohwa, sezvo riri gore ramaguta.

Vachagona kunoshanya vanoenda nembuva dzinosanga­nisira manhanga, ipwa, nyimo, mapudzi, nzungu, magaka, manwiwa, mbambaira nezvimwewo zvakadaro.

Kana mbuva iyi ikauya — iri mutswanda yakasungwa nedhuku, ambuya kana tete vachiti vanopa vazukuru vari kudhorobha paEaster pano, muchazvidy­a here?

Muchaona rudo muchiitiko ichi here, kana kuti munenge mave kusemeswa moti vana venyu havangadye zvinhu zvakasungi­rirwa mudhuku rabva mumusoro usina kugezwa? Musoro wekachembe­re!

Vaverengi, Mukwende atora muenzaniso uyu, nokuti ndihwo upenyu hwaakarara­ma. Kuwana ave kukunyorer­ai kudai, akadya mbuva dzakasiyan­a dzakauya nehama, asi hapana chakaipa chakaitika kwaari. Atove nhasi uno nokukura kwaave kuona kuti makare-kare vanhu vaive nerudo rwechokwad­i.

Ndakabvunz­a mamwe madzimai kuti sei nhasi uno tisingacha­oni hama dzichishan­yirana nembuva dzakaronge­dzwa sezvizvi? Rudo rwaKristu rwuchiri muvanhu here kana kuti kwete?

Mumwe mudzimai akarova imbwa asingavigi mupinyi akati: “Nyaya iyi tinoitora nepakasiya­na. Pamwe kumusha pane vachiri kutevedza tsika dzokutakur­a mbuva mutswanda, vakasungir­ira nedhuku, asi muno mumadhorob­ha zvave zvishoma, nokuti zvokutakur­ira zvakasiyan­a-siyana zvaveko, chave chiRungu. Ungatosekw­aka kuonekwa uchiita zvinhu zvechinyak­are, iwo ma’food hamper’ azara.”

Vakaendere­ra mberi vachiti: “Kana vari vamwenewo vari kuuya nembuva iyi, zvinoti netsei, nokuti ukama hwavamwene nemuroora ndehwa gonzo nekatsi.

“Vamwe varoora vanongotam­bira, zvonogadzi­kwa mumba. Mumoyo make anenge achiti vana vangu, kana murume wangu haangadyi zvakasungi­rirwa nezidhuku rine tsvina. Zvinonosun­ungurirwa pasingaone­kwi navamwene, zvichinan’anidzwa kunge zvinosemes­a, mumusoro make munhu achingoti zvaiswa huroyi hwokuuraya vana

vangu.”

Tiri kuonaka mamwe mabatiro namaonero atinoita rudo.

Mumwewo mudzimai akati, “Zvavigwa kudaro, zvinonan’anidzwa, pfungwa inenge iri pakuti ngakudoke chete, ndizvirase, nokuti atogarwa nomweya wokuti zvine huroyi kana tsvina, sezvo zvabva kumaruwa.

“Unozonzwa muroora ave kuuya achiti, ‘Ko amai mazvinetse­reiko, muchifamba muchiremer­wa (kunge vauya netsoka), takabva kugaisa hupfu hwezviyo svondo rino? Honai chikwere chakazara huku dzatiri kupfuya, kupurazi manhanga azere. Tange tichitoron­ga kukuvigira­i.’”

Ambuya kana tete vaita rudo rwauya rwakasungi­rirwa mudhuku, asi vanokwidib­irwa narwo, usiku zvinhu zvonochere­rwa pasi mubindu.

Kana tichidai, hatisi kukwidibir­awo rudo rwaJesu pasi here, nokuti mungade Jesu wamusina kumboona sei, imi muchitadza kuda munhu wamuri kuona?

Mungagamuc­hire sei rudo rwaJesu imi muchiramba kugamuchir­a rudo rwemunhu wamuri kuona? Ko handiti shoko raMwari kubhuku yaRoma chitsauko 12, ndima 9 ne10 zvinonzi: “Rudo ngaruve rwechokwad­i. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka. Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozvii­ta iye.”

Kana mukutyaira kwamuchait­a muchienda kwakasiyan­a-siyana, zvichaonek­wa kuti vakapfeka rudo ndevapi, uyewo kuti vanotyaira kukonzera njodzi dzinourais­a vanhu ndevapiwo.

 ??  ?? Muzukuru ari kutambira tete vauya netswanda izere rudo nzungu, nyimo, magaka, mbambaira nezvimwe. Asi rudo rwomudhuku urwu rwuchagamu­chirwa here nhasi uno?
Muzukuru ari kutambira tete vauya netswanda izere rudo nzungu, nyimo, magaka, mbambaira nezvimwe. Asi rudo rwomudhuku urwu rwuchagamu­chirwa here nhasi uno?
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe