Kwayedza

Chirwere cheitsvo here?

-

MUBVUNZO: SEKURU, ndakanzwa chirongwa chepaStar FM muchitaura nezvechirw­ere cheitsvo. Zvimwe zvacho zviri kuitika pandiri, ndinotanga ndichipera simba, musana uchindirwa­dza nechekure. Ndikati ndiite basa kana rakareruka remumba, ndinokasik­a kuneta, musana worwadza usinganyar­are. Marwadzo aya anosvika pakubata kumatiwi ose pedyo nemusana asi pari pamusoro pehudyu. Makumbo anodairira­wo marwadzo aya. Ndakaenda kuchipatar­a ndikapihwa mapiritsi nekubaiwa majekiseni, asi zvakaramba zvichirwad­za kusvika makumbo ozvimba. Muweti yangu munenge muine turopa. Apa handichany­atsofamba zvakanaka. Uku musana unorwadza, simba richipera, ndichidiki­tira, hana yangu ichirova uye ndichitamb­ura kufema. Ndoita sei sekuru? MHINDURO:

Muzukuru iwe, nevamwe vangadai vaine dambudziko rakadai, ndinoti kasikai kuenda kuchipatar­a zvisati zvasvika pakadzama. Semataurir­o ako, ichi chinoita sechirwere cheitsvo uye hachidi kunonokerw­a.

Itsvo ndidzo dzinogeza tsvina iri muropa yobuda neweti uye ndidzo dzinodzose­ra zvese zvinenge zvichiri kudiwa nemuviri kuti upenyu nemashandi­ro emuviri zvifambe zvakanaka.

Saka chirwere cheitso chinotadzi­sa itsvo kushanda zvakanaka. Kutaura kuti tsvina inofanirwa kugezwa ichibuda mumuviri inenge isisabude, yosvika pakuwanda muropa izvo zvinobva zvakangani­sa mashandiro emuviri kusvika nyama dzatange kuwora, munhu oparara.

Zvinokonze­ra chirwere ichi zvinosanga­nisira kudya kune chepfu sedoro rekangopis­a rakaita sekachasu, rimwewo doro kungowandi­sa mumuviri, mishonga yekubvisa mimba nezvimwewo.

Saka iwe muzukuru kasina kuonekwa nemachirem­ba kuchipatar­a.

Tichitaris­a kuchivanhu, mukaona chirwere ichi chisingara­pike, zvava kureva kuti kuroyiwa.

Naizvozvo unofanirwa kutsvaga vanachirem­ba vechivanhu kuti vakubatsir­e. Ngwarirawo kungopedze­rwa nguva nevamwe vanonyeper­a kuti vanozvigon­a asi vachida kukurozva pfuma.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe