Kwayedza

‘Zvekuimba zviri mudzinza’

- Abel Ndooka

VAVERENGI, tinoda kuti mufembere, mutiudze kuti muimbi uyu, uyo anova mushakabvu uye aive shasha zvakare munyaya dzemitambo yemadhiram­a, ndiani.

Musapfuurw­e neKwayedza resvondo rinouya kuti mugoziva kuti munhu uyu ndiani.

Tumi r a i mhinduro dzenyu panhamba dzinoti 0714 200 007. MUSHAKABVU James “The Bindura Lion” Chimombe muimbi aive nemukurumb­ira zvikuru munyika yeZimbabwe.

Chimombe akazvarwa mugore ra1951 kuChivhu asi ndokuzokur­ira kuHighfiel­d muguta reHarare uko kwaakatang­a kudzidzira kuridza gitare panguva yaaienda kuchikoro.

Achitanga kupinda munyaya dzemhanzi, Chimombe akashanda nezvikwata zvakasiyan­a zvinosanga­nisira Pop Settlers, Acid Band, Ocean City Band, Ok Success neHarare Mambos.

Akamboita kanguva achishanda neReal Sounds of Africa vachiimba musambo weRhumba uyo aifarira zvakanyany­a uye panguva iyi ndipo paakaburit­sa kambo kake kanonzi Chigwaya.

Tarenda raChimombe rekunyora nziyo nekuimba rakatanga kuonekwa paaive kuOK Success apo paakanyora kambo kanonzi George Mudiwa ako kakanetsa zvikuru.

P a n g u va ya a i v e kuchikwata ichi, vakawana mukana wekuridza munzvimbo dzakasiyan­a uye vakambopih­wa kondirakit­i paMushandi­rapmwe Hotel, kwaMachipi­sa kuHighfiel­d kwemakore matatu.

Mugore ra1983, akapinda muchikwata cheOcean City Band ndokutanga kuchitunga­mira achimba pamwe nekuridza gitare.

Ari kuchikwata ichi, Chimombe akaita mukurumbir­a ndokutsiki­sa nziyo dzinosanga­nisira Cecilia, Siya Waoneka, Mavanga uye naJikinya.

Mugore ra1988, Chimombe akabva kuOcean City Band ndokuvamba chikwata chake cheHuchi Band apo akatsikisa madambaref­u maviri.

Panguva yaaiimba, Chimombe aizivikanw­a sa ‘The Bindura Lion’ kuburikidz­a nekambo kake kanonzi Bindura ako kakaita mukurumbir­a zvikuru.

Muchinda uyu akazoshaik­a mugore ra1990 mushure mekunge arwara kwenguva ndefu.

Akaimbawo nziyo dzinoti Siya Waoneka nedambaref­u - Jemedza.

Pana Jemedza, akaimba pamusoro pezvevadzi­mu vake kumusha kwake kwaakabva kuChivhu.

Vanhu vazhinji vaiziva Chimombe ari muimbi asi muchinda uyu akange ari murairidzi zvakare wemimhanzi kuchikoro cheZimbabw­e College of Music.

Mwanakoman­a waChimombe - Freddy - akambozama kusimudzir­a mhanzi yababa vake.

Zvisinei, Freddy akakwanisa kutsikisa dambarefu rimwe chete ndokuzosha­ya mugore ra2012

Mwanasikan­a waChimombe - Tendai - ndiye parizivino ave kutungamir­a chikwata cheHuchi Band. Mugore ra2015, akaburitsa dambarefu rake rekutanga rinonzi Tribute to the Legendary - James Chimombe.

Zvakadai, muhurukuro neKwayedza, Tendai anoti baba vake vakadzidzi­ra zvekuimba apo vaitevera matsimba asekuru vavo - Tarwiraush­e - avo vaiimba vachiridza mbira.

Anoti kambo kababa vake kakanetsa zvikuru kainzi Jikinya kari pamusoro pasekuru vavo ava vanonzi vakapfuma pamwe nekuvaka imba nemari yekutamba jikinya.

“Chandinozi­va ndechekuti sekuru vedu VaTarwirau­she - avo vaive sekuru vababa vangu - vaiimba uye vachiridza mbira. Saka zvinogona zvirizvo zvakatuma baba vangu kuti vatange kuimba. Nekuti mukanyatso­tereresa kambo kavo kainzi Jikinya kanotaura zvikuru pamusoro pasekuru vedu VaTarwirau­she,” anodaro.

Chimombe pakambo Jikinya anoimba nemashoko anotevera: “Sekuru vangu Tarwiraush­e varume woye vakapfuma nekutamba jikinya.

Vakavaka musha wavo varume hoyee hoyee nemari yekutamba jikinya.

Vakazondir­erawo varume hoye hoye nemari yekutamba jikinya.

Regai zvangu nditambe jikinya. Chokwadi hazvimbony­adzisa.”

Tendai nguva pfupi yadarika akatsikisa zvakare kambo katsva kanonzi Chava Chirungu ako akaimba naChief Hwenje.

Zvakadai, anoti baba vake munhu aive nerudo nemhuri yavo uye chinhu chaive chakavakos­hera kuona mhuri yavo yakagara zvakanaka.

“Baba vangu kuti vazoita z vemag i t a re pamwe nekufundis­a mhanzi munhu aishanda nesimba kuti vatiririti­re kuti isu tigorarama hupenyu hwakanaka uhwo ivo vakakundik­ana kuwana pakukura kwavo,” anodaro Tendai.

Nziyo dzakaita mukurumbir­a dzakatsiki­swa naChimombe dzinoti: Mukuwasha Muchiti Mugere Zvaitika

Siya Wawoneka Jemedza

Zviwuya Zviri mberi Kudakwashe Chawana Mumwe Cecilia Zvakaoma Bindura Munakandaf­a Masutu [5] Muchiti Mugere Jemedza

Siya Waoneka Mukuwasha Mavanga

Nherera

 ??  ??
 ??  ?? Tendai Chimombe
Tendai Chimombe
 ??  ?? James Chimombe
James Chimombe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe