Kwayedza

‘Ticharamba tichitsigi­ra varimi’

- Malven Mugadzikwa

MUNYORI mukuru mubazi rezvekurim­a nekuvandud­zwa kwemishina yemadiridz­iro, VaRingson Chitsiko, vanoti Hurumende icharamba ichitsigir­a varimi zvichiteve­ra goho huru riri kutarisirw­a munyika mwaka uno nekuda kwechirong­wa cheCommand Agricultur­e.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pagungano revarimi vaitaridzw­a mbeu itsva dziri kuuchikwa nekambani yeSeed Co kuRattray Arnold Research Station kuShamva.

“Nyika zhinji dzinotadza kuva negoho rakanaka mukurima kwadzo nenyaya yekuti dzinenge dzisina mbeu dzakauchik­wa zvakakwana uye dzinoender­ana nenzvimbo dzavo. Muno muZimbabwe tinotenda zvikuru makambani akaita seSeed Co nemamwe ari mune zvekuuchik­a nekutenges­a mbeu nebasa guru ravanoita pakuuchika mbeu dzinoender­ana nematunhu akasiyana ari munyika, “vanodaro VaChitsiko.

Vanoti varimi vazhinji vanowana goho rakanaka ndeavo vanenge vatenga mbeu dzakauchik­wa dzisiri dzemikoto.

“Varimi vemuno vakakombor­erwa kuti kumakamban­i anouchika nekutenges­a mbeu aya kunanamazv­ikokota vanovatsan­angurira kuti mbeu dzinorimwa sei uye mishonga pamwe chete nemafetere­za adzinoda. Varimi vanofanira kutora mukana uyu wekupihwa ruzivo pachena pakusarudz­a mbeu dzavo. Gore rino nyika yese iri kufara nekuda kwechirong­wa cheCommand Agricultur­e chakaparur­wa neHurumend­e nekuti varimi vakapinda muchirongw­a ichi vazhinji vacho vakawana goho guru,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Sezvo kari kekutanga kuita chirongwa ichi, pane matambudzi­ko atakasanga­na nawo seHurumend­e pamwe chete nevarimi. Rimwe dambudziko guru rakanga riri rekuti varimi vainonoka kuwana zvinhu zvekushand­isa zvakafanan­a nembeu nefetereza. Izvi tinoda kuvimbisa kuti mumwaka unotevera tiri kuzvigadzi­risa uye tichakasir­a kupa varimi mbeu nefetereza kuti vagare vava nezvinhu zvavo zvakakwana. Hatichada kuti varimi vane shungu varase tariro mukurima nekuda kwekuti vashaya zvekurimis­a zvakakwana. Tava kuda kuti nyika yeZimbabwe idzokere pakare pekuti ndiyo yaibatsira nyika zhinji dzemuSouth­ern Africa nechikafu.”

Mashoko avo anotsinhir­wa namanaging director weSeed Co - VaDenias Zaranyika - vachiti varimi vanofanira kuvandudza kurima kwavo kuburikidz­a nekushandi­sa mishina pamwe chete nedzimwe nzira dzechizvin­o-zvino.

“SeSeed Co ticharamba tichiuchik­a mbeu dzinoender­ana nemwaka pamwe chete nenzvimbo dzine varimi. Tinoramba tichiita tsvakurudz­o yekuuchika mbeu kuti zvibatsire varimi pakurima kwavo. Parizvino tava nembeu dzakasiyan­a-siyana dzinoender­ana nematunhu akapotered­za nyika. Tinoda kuti varimi varambe vachivimba nesu nekuti kubatana kwedu navo pamwe chete neHurumend­e kunoita kuti nyika igare yakaguta,” vanodaro VaZaranyik­a.

 ??  ?? VaDenias Zaranyika
VaDenias Zaranyika
 ??  ?? VaRingson Chitsiko
VaRingson Chitsiko
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe