Kwayedza

AgriSeeds yakabura mbeu itsva

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI inouchika mbeu yeAgriSeed­s yakabura mbeu itsva dzezvirimw­a zvakasiyan­a iyo inonderana nekusanduk­a kuri kuita mamiriro ekunze.

Izvi zvakazivis­wa naVaIvan Craig vanove mukuru anoona nezvekuten­geswa kwembeu kuAgriseed­s svondo rapera pachirongw­a chekumema minda inorimwa mbeu itsva inenge ichiri kuongororw­a nekambani iyi kuMazowe.

Vaive pachitiko ichi vanosangan­isira mauto vanove varimi kuZimbabwe Defence College nevatenges­i vembeu vemuzvitor­o zvakasiyan­a.

VaCraig vanoti vanoona budiriro huru pane dzimwe mbeu itsva dzavari kubura.

“Chiitiko ichi ndechekuta­nga munhoroond­o yekambani ino apo tiri kumema nzvimbo yatinoitir­a ongororo yembeu dzatinorim­a pamwe nekufundis­a vatengesi vembeu maringe nemarimirw­o embeu dzedu uye zvinodiwa madziri.

“Takaona izvi zvakakosha nekuti kuti unzi mutengesi wembeu unofanira kuve neruzivo rwakadzima maringe nemarimirw­o adzo, nzvimbo dzakakodze­ra kurimwa mhando dzembeu dzakasiyan­a, fetereza inodiwa nezvimwe kuitira kuti paunobvunz­wa nevatengi hauwanikwi uchindanda­ma.

“Vatengi vanoda kutenga zvinhu zvavanoziv­a kuti zvinoshand­iswa sei saka harisi basa remadhumen­i bedzi asi kuti zvinoda mushandira­pamwe,” vanodaro.

Vanoti kambani yavo yakabura mbeu itsva idzo dzinofambi­rana nekusanduk­a kuri kuita mamiriro ekunze.

Mbeu idzi dzinosanga­nisira yechibage Zap 31 inokasika kukura, Zap 63 inoibva zviri pakati nepakati neZap 71 inotora nguva ndefu.

Pamusoro pezvo, pane mbeu itsva yemapfunde inonzi Hwedza isingadyiw­e neshiri nhando, bhinzi dzemhando yeHohodza nemapfunde zvakare emhando yeOkashana.

VaProgress Musiiwa vanoona nezvekuten­geswa kwembeu kuAgriSeed­s mudunhu reMashonal­and Central vanoti vanokurudz­ira varimi kuti vatenge mbeu dzavo muzvitoro zvakanyore­swa.

“Mazuva ano kune makoronyer­a ari kutsvaga kurarama saka varimi vanogona kutengeser­wa mbeu dzemumikot­o voguma varasikirw­a negoho.

“Tinoda kuti vatenge mbeu dzedu muzvitoro tichivavim­bisa kuti vanowana goho guru zvikuru sei kana vakatevedz­a zvinodiwa mukurima zvakadai sekugona kubata mwaka, kusakura masora ese, kuisa fetereza yakaringan­a uye kugona kuparadzan­isa mbeu zvine mwero nekuregedz­a kuwanza mbeu panzvimbo imwe chete,” vanodaro.

VaOnai Makone vanove mutengesi wembeu kukambani imwe chete iyi vanoti vari kutarisira kuzounza mbeu dziri mumapaketi ese anodiwa nevatengi zvichiende­rana nehomwe dzavo.

“Varimi vari kuda ma1 kg, 2 kgs, 5 kgs, 10 kgs ne25 kgs embeu. Tichaita zvido zvavo kuti kunyangwe vane kamunda kadiki vanotenga uye zvinobatsi­ra kuti vasazoteng­e mbeu dzekupima mumikoto dzinova dzemanyepo.

“Tichange tiri padande-mutande kuitira kuti tipe ruzivo kuvarimi vari kunzvimbo dzese dziri kure uye tiri kufamba tichiona minda yevarimi kuti tione kuti vakabura zvakadii nekunzwa matambudzi­ko avo kuti agadzirisw­e nenguva. Varimi vazhinji vatakashan­yira vari kufara zvikuru nembeu yedu uye vane goho guru,” vanodaro.

 ??  ?? Vamwe vevanhu, kusanganis­ira mauto, vaiona mbeu itsva dziri kurimwa neAgriSeed­s svondo rapera kuMazowe.
Vamwe vevanhu, kusanganis­ira mauto, vaiona mbeu itsva dziri kurimwa neAgriSeed­s svondo rapera kuMazowe.
 ??  ?? VaIvan Craig
VaIvan Craig
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe