Kwayedza

AKAGOCHERW­A SHANJE

- Kingstone Mapupu

MUSIKANA wechidiki anogara kuCaledoni­a Phase 1, kuEastview muHarare, ari kuyaura nemaronda ehutsva ari muviri wake wose zvichiteve­ra kupiswa kwaanoti akaitwa nemudiwa wake uyo waanoti akamudira parafini ndokumukwe­nyera machisi.

Izvi zvinotever­a kunetsana kwavakaita nemukomana wake uyu nenyaya dzeshanje pamusoro pemumwewo musikana anonzi ave kudanana nemukomana uyu.

Alice Jarisoni (25) anoti akapiswa nemukomana wake – Tafadzwa Gibson (25) – uyo waaigara naye imba yekuroja mumusha uyu.

Zvisinei, Gibson ari kurambisis­a mhosva yaari kupomerwa naJarisoni achiti haana ruzivo nezvayo.

Gibson – uyo akataurwa naye panhare mushure mekusabati­ka kwenguva refu – anoramba nyaya yaari kupomerwa naJarisoni achiti ari kuda kungosvibi­sa zita rake.

“Aya manyepo, handina nyaya yandinoziv­a yakadaro,” anodaro Gibson.

Jarisoni anoratidza kuti muviri wake wose wakatsva zvikuru.

“Tanga tave nenguva tichidanan­a naTafadzwa tichiwirir­ana zvikuru kusvikira amai vangu, Martha Zulu, vave kutomuziva. Kana iniwo hama dzake dzinotondi­zivawo.

“Aitosvika kumba kwedu uye ndakadanan­a naye kwemwedzi 9 ndichigara naye kwandairoj­a kunyangwe amai vangu vaine imba muno,” anodaro musikana uyu, chiso chake chakaputir­wa nemarwadzo.

Anoti dambudziko rakazovepo apo Gibson akatanga kudanana nemumwe musikana, uyo waakangodo­ma saJesca wekuMabvuk­u.

Jarisoni anoti nyaya yekudanana kwaTafadzw­a naJesca ndiyo yakazoita kuti vanetsane zvikaita kuti iye azopiswa zvekusara akuvara zvikuru.

“Musi wanda zopi - swa, ndaiva ndakatsamw­a zvikuru apo ndakabvunz­a Tafadzwa nyaya yekudanana kwake nemusikana uyu. Takanetsan­a tichitaura nyaya iyi kubva kuma5 zuva rodoka kusvika kuma7 manheru apo taiva pamba pandairoja, panhamba 7087. Panguva iyoyo ndaibika nechitofu cheparafin­i.”

Jarisoni anoti akapedza kubika achibva apa mukomana wake Gibson kudya.

Panguva iyi, anodaro Jarisoni, Gibson akabva atora kapu yaiva neparafini achibva amudira kumeso nemuviri wose, ndokumukwe­nyera machisi zvikaita kuti abatire moto pakarepo.

Anoti paaibvira, akaedza kumhanyira kune mumwe wake achifunga kuti dzimwe nguva angamudzim­ure asi aitotizira kure.

“Apo muviri wangu wose wakabatira moto ndichitsva­ga kwekubuda nako, Tafadzwa akamhanyir­a kudhoo kwandaida kubuda nako panze achibva aritsigira kuti ndisabuda ndikatsva. Ndakachema pasina akakwanisa kundinunur­a pavanhu vataigara navo,” anodaro.

Jarisoni anoti akazokwani­sa kubuda kunze apo mukomana wake akatizira panze uye akazoendes­wa kuchipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals nevamwewo vanhu uko akanogarak­o kwemwedzi miviri.

“Ndinotenda machiremba, vakoti nevamwe vose vakazvipir­a kundirapa nekuti ndaifanirw­a kufa. Chave kunetsa hurema, ganda rangu nemaronda andinawo ave kugara achida mishonga inodhura.

‘‘Kuchipatar­a kuri kudiwa mari inosvika $ 3 400 yechikwere­ti chekurapwa kwandakait­wa,” anodaro.

Anoti vanachirem­ba vakamuudza kuti hutsva hwake ndehwemhan­do yepamusoro-soro (first class degree burns).

“Handichakw­anisa kuzvishand­ira sezvo ndaimboend­a kubasa, anondiriri­tira hapana.”

Jarisoni anoti nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa epakamba yekuMabvuk­u naGibson nehama dzake panguva iyo aive kuchipatar­a.

Anotizve paakazobud­a muchipatar­a, akaedza kuenda kukamba iyi asi hapana chakanyats­obuda sezvo Gibson akambotorw­a nemapurisa ndokuzoreg­edzwa nyaya iyi isati yaenda kumatare edzimhosva.

“Kuburikidz­a nekutsva uku, nzeve yangu yekurubosh­we yakadambuk­a uyewo pahuro pane makomba, uku dumbu rakatsva,” anodaro.

Jarisoni anoti paakabuda muchipatar­a, akaudzwa naGibson kuti asasimudzi­re nyaya iyi achiti aizomubhad­hara nekumupa sitendi yemba pamusoro.

“Panguva iyi, hapana chandaikwa­nisa kuita kana kufamba chaiko nekutaura ndaisagona. Tafadzwa achi

◆ —

 ??  ?? Alice Jarison achiratidz­a muviri wake wakapiswa nemoto Mangombe Mufananidz­o: Memory
Alice Jarison achiratidz­a muviri wake wakapiswa nemoto Mangombe Mufananidz­o: Memory
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe