Kwayedza

Nyaya iri kuferefetw­a neZRP

- Kingstone Mapupu

MAGWARO ane Kwayedza enyaya yemusikana wekuti akapiswa muviri wose nemukomana wake anoratidza kuti yakamhan’arwa kumapurisa eZimbabwe Republic Police ekuMabvuku, muHarare nenhamba dzinoti RRB- 2832523 uye iri kuferefetw­a.

“Nyaya iyi ndakanoimh­an’ara ndoga ndabuda muchipatar­a ndokuzonzi ndiunze medical report affidavit iyo ndakaendes­a kumapurisa ekuMabvuku ndikanopa Sgt Bonde. Ndakavimbi­swa kuti nyaya yangu yaizoenda kudare redzimhosv­a munguva pfupi yaitevera,” anodaro Jarisoni.

Anoti akazodzoke­rako ashevedzwa apo anoti akanoona mukuru wekamba iyi, uyo akamuvimbi­sa kuti kuferefetw­a kwenyaya yake kuri kuenderera mberi.

Jarisoni, uyo anogara panhamba 1105 kuEast View Phase 6, anoti akapiswa naTafadzwa Gibson uyo pashure waanoti akazomuvim­bisa kumupa sitendi yakavakwa imba ine cottage yasvika pahwaro hwave kuiswa mahwindo nemotokari yake yerudzi rweBMW kuti akanzurise nyaya iyi kumapurisa izvo akaramba.

“Handina kukanzuris­a nyaya iyi sekutaurwa kwazvinoit­wa nevamwe vanhu,” anodaro.

Anoti akatoshami­swa achinzwa achiridzir­wa nhare nevanhu vaiti vashandi vekudare reHarare Magistrate­s’ Courts kuRotten Row, muHarare, vachiti sei airambira negwaro rekukuvara kwaakaita zvisinei kuti anoti akariendes­a kumapurisa kumavambo emwedzi waKurume gore rino.

Jarisoni anoti vakamuridz­ira nhare ava vakati kushaikwa kwegwaro rekukuvara kwake ndizvo zviri kumisa kutongwa kwenyaya yake.

Amai vake, Mai Martha Zulu (77), vanotsinhi­ra nyaya yekuti Gibson nehama dzake vakaenda kumba kwavo vachikumbi­ra kuti nyaya iyi ibviswe kumapurisa izvo vanoti vakaramba.

“Vanoti vaida kupa Alice sitendi yakavakwa cottage chidimbu nekumupa motokari, kuzomupa zvekudya nekumurapi­sa asi isu tikaramba,” vanodaro.

Zvakadai, Gibson akatsvagwa zvakare neKwayedza nemusi weChitatu svondo rino kumba kwake kuTafara pamwe nekuridzir­wa nhare asi haana kubatika.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitend­ent Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekuongoro­ra mafambiro akaita nyaya iyi.

 ??  ?? Chief Supt Nyathi
Chief Supt Nyathi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe