Kwayedza

Akada kudya kacheche muchechi

- Kingstone Mapupu

MUKADZI wechidiki wekwaNzvim­bo, kuChiweshe, anonzi akabatwa neshavi rekuroya svondo rapera ndokutanga kurwerwa rute achida kudya mwana wake kasvava.

Izvi zvakaitika apo mukadzi uyu aive muimwe chechi iri kwaMachipi­sa, mumusha weHighfiel­d, muHarare.

Mary, uyo asina kudura zita rake rakazara asi ndokuti ane makore 30, akabatwa neshavi rinonzi nderekuroy­a iri apo aive muchechi yeHouse of Grace Internatio­nal Ministries iyo inotungami­rirwa naProphet Sham Hungwe.

Pazvakamub­ata mutori wenhau uno aripo, Mary akatozobvu­tirwa kamwana kake nevamwe vanamati apo aiedza kukadya.

Musi uyu, Mary aiwomba achitaura kuti aida kudya kamwana aka.

“Ndakataura kuti ini handidi kuti mwana uyu (Mary) aite imba asi vanhu havana kunditeere­ra. Akamupa murume ndiyani?

“Anofanirwa kugara neni chete ndichiita zvandinoda naye. Kamwana aka ndinoda kukadya mose muchiona. Akangwaris­a mwana uyu, ndiyani akamuudza kuti auye kuno kuchechi? Anofunga kuti ndinomusiy­a, zvino handimusiy­e, ndinokadya chete kamwana aka,” waidaro mweya waiva wakabata Mary apo aiumburuka pasi.

Kasvava kaive nemudzimai uyu kakazotorw­a nemamwe madzimai apo Mary ainamatirw­a.

Panguva iyi, Mary aichema achizvipun­zira pasi nekuwumbur­uka zvemucheno zvikashaya basa.

“Ndiburitse­i muno muri kupisa, kamwana aka kandiunzir­e chii kuno? Zvino kamwana kake ndinokadya chete. Iwe (kureva Prophet Hungwe) haundigone, uchandigut­a pano,” anodaro.

Kwayedza yakazotaur­a naMary mushure mekunge mweya waive paari waenda apo akabvunzwa kuti chii chiri kuitika kwaari asi akamboramb­a akawudyura maziso achiratidz­a kusaziva zvaiitika.

“Handizive kuti chii ini. Ndinongozi­va apo ndanga ndichinama­ta nevamwe mukati ndiine mwana wangu ndokubva ndatadza kuziva zvandiri. Ndinonzi ndine mweya wehuroyi unonzi unobuda pandiri kubva kare.

“Ndiri kuda kuedza kubatsirwa pano kuti ubviswe nekuti wanditambu­dza. Ndafamba ndichiudzw­a kuti mweya uyu waisada kuti ndiroorwe kana kuita mwana,” anodaro.

Mary akadembere­ra Kwayedza kuti isamuburit­se munhau achiti kana nyaya yake ikabuda, zvinoita kuti vavengi vake vazive zvaari kuita kuedza kupedza dambudziko iri. Pamusoro pezvo, anoti musi uyu ainge atiza murume wake kumba ndokuenda kuchechi, nekudaro imba yake ingaparara kana zvikazivik­anwa.

“Imi muri vezvei? Veduwe musandibur­itse mupepa, imba yangu inoparara. Ndauya kuno baba (murume wake) vasingaziv­e,” anodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe