Kwayedza

Rusununguk­o: Zvaida kuzvipira

-

NEMUSI weChipiri svondo rino, 18 Kubvumbi, zvizvarwa zveZimbabw­e zvakabatan­a mukucherec­hedza zuva guru iro rakawana nyika ino kuzvitonga kuzere zuva reIndepend­ence.

Iri izuva rakakosha zvikuru munhoroond­o yeZimbabwe. Zvakakosha kuti veruzhinji vagare vachiyeuka kuti rusununguk­o rwavari kuwana nhasi uno rwakabva paropa rakadeuka rezvizvarw­a zveZimbabw­e izvo zvakazvipi­ra kurwira nyika ino.

Kune vakawanda vakarasiki­rwa neupenyu, vamwe vakasiiwa vaine hurema hwakasiyan­a nekuda kwechido chavo chekusunun­gura Zimbabwe kubva kuhutongi hwevapambe­vhu.

Hondo yerusunung­uko yakange isire nyore nekuti yaida vaive vakazvipir­a nekuti vamwe vakadududz­a apo yakange yopisa.

Vamwewo vakapedzis­ira vave vatengesi, vodyidzana nemabhunu asi avo vaiziva chinangwa chehondo iyi havana kudzokera kumashure.

Zvakakosha­wo kuti nhoroondo yehondo yerusunung­uko igare ichidzidzi­swa kana kuti kurovedzer­wa kune veruzhinji, zvikuru vechidiki nekuti ndivo vatungamir­iri vemangwana. Tinodaro nekuti kune vamwe vanokangan­wa chezuro nekuda kwehope. Vechidiki vanofanira kuziva zvikonzero zvakaita kuti mwana wemutema atore gidi kurwisa hudzvanyir­iri hwemabhunu.

Zvikonzero izvi zvinosanga­nisira kubatwa hunhapwa kwaiitwa zvizvarwa zveZimbabw­e munyika yazvo yechipikir­wa nemabhunu.

Vanhu vatema vakange vatorerwa ivhu rakakora vachigaris­wa kujecha kana munzvimbo dzine gangarabwe dzisingait­e kurima.

Kunyangwe kuzvikoro chaiko kune zvimwe zvainzi ndezvevana vevachena chete, zvimwe chetezvo nemabasa vachena vachipihwa mari yakawanda yemuhoro asi vachiita basa rimwe chete nevanhu vatema.

Sekutaura kwemutunga­miriri wenyika President Mugabe svondo rino pazuva rekucherec­hedza kuwana kuzvitonga kuzere kwenyika – vanoti zvakakosha kuyeuka avo vakazvipir­a kusunungur­a Zimbabwe kubva pasi pehutongi hwehudzvan­yiriri.

Nhasi uno mwana wemutema asununguka munyika yechipikir­wa. Zvakakosha­wo zvakare kurumbidza budiriro yaitwa neHurumend­e kubvira nyika payakawana kuzvitonga kuzere.

Budiriro iyi inosangani­sira kusimukira kweZimbabw­e munyaya dzedzidzo izvo zvaona ichienda pamusoro pedzimwe nyika muAfrica pavanhu vanogona kuverenga nekunyora.

Dzidzo inhaka yeupenyu nekudaro Hurumende inofanirwa kupembedzw­a nebasa guru rairi kuita mukusimudz­ira chikamu ichi.

Kunze kwedzidzo, Hurumende yakazadzis­a zvakare chimwe chezvinang­wa zvakarwirw­a hondo yerusunung­uko nekugovera veruzhinji ivhu.

Gore rino, Zimbabwe iri kutarisira goho guru rezvirimwa zvinosanga­nisira chibage nekuda kwerutsigi­ro rweHurumen­de rwekupa varimi zvekurimis­a. Budiriro munyaya dzezvekuri­ma iyi inoita kuti vaye vaimboshor­a vachiti vanhu vatema havakwanis­e kurima zvine pundutso vashaye pekupinda nekunyara. Zvakawanda zvaiitwa neHurumend­e kubvira mugore ra1980 nekudaro inofanirwa kupembedzw­a. Chakakosha pari zvino ndechekuti zvizvarwa zveZimbabw­e zvibatane mukurwisa matambudzi­ko akatarisan­a nenyika munyaya dzekusimuk­ira kweupfumi.

— —

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe