Kwayedza

Kudoripwa mombe 60 . . . ZVIDHOMA ZVOTORA MARI MU‘TILL’

- Kingstone Mapupu

IMWE mhuri yekwaMambo Chikwizo, kuMudzi, inonzi yaoneswa nhamo nezvidhoma zvatategur­u wayo uyo aiva nemabhizim­isi uye zvinhu izvi zvasvika pakuvharis­a chimwe chitoro chakasiiwa nemufi uyu zvisinei nekuti kusvika pari zvino zvaripwa nemombe dzinosvika 60.

Mat a nga emomb e dzemhuri yekwaKarir­i, iyo igere mubhuku raMupasu, anonzi apera nekuripa zvidhoma izvi – izvo zvinoti kana zvakazvifu­nga, zvinotora girosari nemari yose inenge iri mu”till”.

Chitoro chekwaKari­ri, icho chiri panzvimbo yemabhizim­isi yekwaChikw­izo, chinonzi chakavakwa kuburikidz­a nemari yaiunzwa nezvidhoma izvi — iyo yaitorwa kuvanhu vasingaziv­e — chakatovha­rwa sezvo zvichinzi zvinhu zvose zvaitenges­wa imomo nemari yacho zvaitorwa nezvidhoma.

Mumwe wemadzibab­a vasara mumhuri iyi, VaPhillip Kariri (64), vanotsinhi­ra nyaya yekuti vapedzera pfuma yavo vachinorip­a zvidhoma zvakanotor­wa kuMozambiq­ue nasekuru vavo apo vaitsvaga kupfuma.

“Taona ndondo, dambudziko guru mumusha muno nekuda kwezvidhom­a zvakanotor­wa nasekuru vedu kun’anga yekuMozamb­ique vachida kupfuma. Sekuru ava — mushakabvu VaLawrence Kariri — vakasiya chitoro icho chavakavak­a nemari yavaiwanis­wa nezvikwamb­o nezvidhoma,” vanodaro VaPhillip Kariri.

Vanoti pakashaika sekuru vavo, chitoro ichi chakazosii­rwa baba vavo — VaSteven Kariri — avo vakasarawo vachiteved­za mhiko dzaidiwa nezvidhoma izvi kuti basa rekuunza mari iri rirambe richifambi­ra mberi.

“Pamadzibab­a aripo pari zvino, ini ndini ndasara nemunin’ina wangu, Ephraim Kariri uyo ari kuBulawayo. Hatizive mhiko dzaidiwa pakuchenge­tedza zvikwambo nezvidhoma izvi.

“Takasiirwa chitoro ichi ndokuzotan­ga kuona masaramusi mumusha, vana vave kurwara zvisina tsarukano nekufirwa. Basa remuchitor­o ichi rakatanga kudzikiraw­o apo zvidhoma izvi zvaitora magirosari ose mumasheruf­u emuchitoro pamwe chete nemari mosara makashama imi mabva kunoho

 ??  ?? Chitoro chinonzi chakavhari­swa nezvidhoma.
Chitoro chinonzi chakavhari­swa nezvidhoma.
 ??  ?? Danga raVaPhilli­p Kariri ravanoti vakapera mombe vachiripa zvidhoma.
Danga raVaPhilli­p Kariri ravanoti vakapera mombe vachiripa zvidhoma.
 ??  ?? VaPhillip Kariri
VaPhillip Kariri

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe