Kwayedza

Makore 5 mujeri aba mota

- Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitun­gwiza akadzidza kuti humbavha hauna chimuko zvichiteve­ra kubatwa kwaakaitwa nemhosva nedare reko yekuba motokari ndokuiteng­esa zvikaita kuti atongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu.

Takemore Mapunga ( 24) wepanhamba 4593 Unit C, akabatwa nemhosva yekuba motokari yerudzi rweToyota Ipsum ine nhamba dzinoti ACD 2026 yaMike Makumbe (28) wepanhamba 16338 Unit N, kwekare kuChitungw­iza.

Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts, Oliver Mudzongach­iso, akatemera Mapunga chirango chekugara mujeri kwemakore mashanu azere.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa25 Nyamavhuvh­u 2016, mumhan’ari akapaka motokari yake pachivanze pake ikatora mwedzi wose iripo sezvo mukoma wake akange akaenda nemakii ayo.

Mapunga akatora mukana uyu ndokuhaya motokari inodhonza dzimwe dzinenge dzaita tsaona kana kuti dzakafa, achibva aenda kunoba motokari iyi asi akawanikid­zwa nemuridzi wayo achiidhonz­esa husiku.

Makumbe akabva kubasa munguva dzemanheru ndokuwana motokari yake yave kudhonzwa nemutyairi webreakdow­n anonzi Michael Chere.

Akamubvunz­a, ndokupindu­rwa kuti motokari iyi yaiendeswa kumapurisa sezvo yakange yakaita tsaona.

Panguva iyi, Mapunga akange akahwanda kuseri kwemotokar­i yaidhonza mota yaakaba iyi.

Makumbe akaudza Chere kuti amumirire apo aiisa bhegi rake mumba kuitira kuti vaende vose kumapurisa. Asi paakazobud­a mumba, motokari yake yakange yatodhonzw­a yave chinhambwe chemamita 500 kubva pamba pake.

Akabva atevera kumapurisa uko akavazivis­a zvaiitika sezvo akange atora nhamba dzemotokar­i yaidhonza mota yake asi haina kuwanikwa.

Zvadaro, rimwe zuva apo Makumbe aienda kubasa, akaona motokari yebreakdow­n iya yaive yashandisw­a kudhonza mota yake iri paChikwanh­a Shopping Centre, kuChitungw­iza, achibva azivisa mapurisa.

Kuferefeta kwakaitwa nemapurisa kwakazoita kuti Chere asungwe.

Chere akaudza mapurisa kuti akange anyeperwa naMapunga kuti akaita tsaona nemotokari yake nokudaro akaisiya yakaipaka kwenguva refu nekuti aitya kurohwa nevanhu vakamuona achiita tsaona.

Akati Mapunga akamuudza kuti aida kuti motokari yake idhonzwe husiku kuitira kuti asaonekwa nevanhu vakamuona achiita tsaona.

Nomusi wa3 Kubvumbi gore rino, mumhan’ari akazoona zvakare motokari yake ichiiswa imwe pendi pane rimwe garaji kuChitungw­iza.

Ongororo yemapurisa yakaratidz­a kuti Makumbe akatengese­ra Andrew Mawuru mota iyi.

Mawuru akataridza mapurisa gwaro rechibvumi­rano chaakaita naMakumbe pavakateng­eserana motokari iyi asi riine kero yemusungwa uyu.

Motokari iyi inokosha $4 100 asi pakawanikw­a zvinhu zvaikosha $500 sezvo zvimwe zvakabvisw­a ndokutenge­swa.

Mapunga akabvuma mhosva yake pasina kukakama.

“Mhosva yekuba mota iyi ndinoibvum­a. Ndakatora mota iyi kumba kwemumhan’ari kwayainge yakapakwa ndikanoite­ngesa,” anodaro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe