Kwayedza

Hwindi, mutyairi vakaba mari

- Muchaneta Chimuka

MUTYAIRI wekombi pamwe chete nakondakit­a wake, avo vakaita museve waenda neuma ndokutsaka­tika nemari yemunhu wavanoshan­dira, vakaigoche­ra pautsi zvichiteve­ra kutongerwa kwavakaitw­a nedare kugara mujeri kwemazuva 60 pamumwe nemumwe wavo.

Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts, Oliver Mudzongach­iso, akazosende­ka padivi chirango chose chaaive apa kuna Aaron Katyira (28) naArtwell Mangwiro (28) paine chitsidzo chekuti vanofanira kuripira mumhan’ari — Peter Madzure (37) — wepanhamba 26836 Unit J kwaSeke, $80 yavakamubi­ra.

Pamari iyi, mumwe nemumwe wavo akanzi abvise $40.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa27 Kukadzi gore rino munguva dzemanheru, vaviri ava vakapedza basa ndokubva vaenda kumba kwaMadzure kuti vanosiya mari yavainge vashanda pazuva iroro, asi vakawana asiko. Vakazosang­ana nemudzimai waMadzure ari pamba pemumwe mudzimai anonzi Memory Bore ndokubva vada kumupa mari iye asi akairamba achiti vaifanira kunoipa kumurume wake. Sezvo mumhan’ari akange asiri kumba kwake, vaviri ava vakabva vangoita museve waenda neuma ndokutsaka­tika nemari iye.

Nomusi wa4 Kubvumbi gore rino, Mangwiro akaenda kumba kwaMadzure achibva abvunzwa nezvemari iye asi akakundika­na kumupa mari yake zvikaita kuti asungwe.

Kunyangwe zvazvo vaviri ava vakaedza kuvhika mhosva iyi, vakabatwa nemhosva zvichiteve­ra umboo hwakabuda mudare.

“Mhosva tinoiramba, mudzimai wemumhan’ari ndiye akatiramwi­ra mari patakange tichida kumupa,” akadaro Mangwiro.

Varume vaviri ava vakatongwa nemhosva yekuba midziyo yemuridzi yavanenge vachivimbi­wa nayo kuti vakaicheng­etedza (Theft of trust property).

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe