Kwayedza

Akangomuka ava bofu ‘Uku kuroyiwa kwepamusor­o’

- Kingstone Mapupu Munyori weKwayedza

MURUME wechidiki wekwaNyash­anu, kuBuhera, ashaya zano rekuita zvichiteve­ra kungofuma kwaakaita ava bofu, maziso ake asina kana kumbomurwa­dza.

Knowledge Vambe ( 35), uyo anogara mubhuku raHazvinav­arwi, anoti akangofuma asisaone.

“Ndakabva kubasa kuGweru zvakanaka, ndichitoon­a pasina dambudziko, ndikatosvi­kota mabasa epamusha. Ndakanorar­a nevamwe pasina kana dambudziko uye ndagara ndisina dambudziko remaziso.

“Mangwana acho, ndakashami­sika kumeso rangova rima. Pakutanga ndakamboti zvichida aiva mabori ndokumboba­ta-bata maziso acho ndichiti achavhurik­a asi zvakaramba. Ndakasheve­dza vamwe vaivapo ndokutoona kuti upenyu hwakanga hwasanduka, ndatova bofu,” anodaro.

Murume uyu anoti vehama vaivepo musi uyu, kusanganis­ira mudzimai wake, havana kutendesek­a nenyaya iyi sezvo vakazoedza kumuendesa kuchipatar­a, kumaporofi­ta nekun’anga asi hapana zvakasandu­ka.

“Vanhu vakanga vandiona ndichisvik­a kumba kubva kuGweru kwandaisha­ndira sagadhi vakashamis­wa nazvo, kunzwa kuti ndava bofu. Zvakavanet­sa vamwe vakati mabasa aMwari here kana kuti huroyi,” anodaro Vambe.

Mudzimai wake nevana, anodaro Vambe, vakazomboe­nda kubasa kwake kuGweru vachinokum­bira kuvakuru vake kuti apihwe nguva asati adzoka kubasa, iyo akapihwa asi yakazodari­kidza kudzimara aburitswa basa.

“VaRungu vaona kuti denda rangu raisarapik­a, vakazomira kunditambi­risa mari. Basa rakabva rapera zvikaita kuti titange kutambura semhuri. Vana vangu vanodya nhoko dzezvirond­a nekudaro ndinokumbi­rawo rubatsiro,” anodaro Vambe achipisisa tsitsi.

Murume uyu anoti kwose kwaanofamb­a nemhuri yake - kungava kumaporofi­ta kana kun’anga - anoudzwa kuti akaroyiwa nevanhu vemunharau­nda yeBuhera avo vane godo naye.

“Ndiri nherera, baba naamai vose vakashaika ndisati ndava nedambudzi­ko iri. Vanotaura vanoti musi wandakasvi­ka kumusha ndichibva kuGweru uyu, pamba pedu pakauya chikwata chevaroyi vakaita mhiko dzavo vachibva vavhara maziso angu.

“Mhuri yangu yaiyemurik­a pandaiva kubasa izvo zvaiita kuti vamwe vanhu varwadziwe neni.”

Vambe anoti haaone kana nepadiki zvapo uye anotungami­rirwa kwose kwaanoenda, kunyangwe kuchimbuzi.

“Hongu, hupofu huriko asi kwete sehwangu. Vamwe vatinoziva vanotanga zvishoma nezvishoma maziso achirwadza kusvikira vasisaone. Ndinoti kune akandiroya kana pane zvandakamu­tadzira ngaandisun­ungure ndigomurip­a ndikwanise kushandira mhuri yangu,” anodaro Vambe.

Kune vanokwanis­a kubatsira murume uyu vanogona kumubata panhamba dzinoti 0785 006 769 kana 0718 190 004. MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti Vambe akaroyiwa.

“Pane kuroya kweshavi, koita zvimwe zvekupfidz­isa uchinzi unodada kana kuti kuonererwa kana totaura zvemazuva ano. Vanhu vakaroya murume uyu vaida kutomuuray­a ipapo asi vakazvitad­za,” vanodaro.

Madzibaba Elias Gomwe vechechi yeJohane Masowe kuChitungw­iza vanotsinhi­ra vachiti aya mabasa ehuroyi. “Uku kuroyiwa kuri pachena uye kwakasimba nekuti hakuna munhu anongoerek­ana asisaone, kuita seapfurwa nepfuti. Baba ava ngavafambe mhepo dziri pavari dzibviswe uye dzimwe nguva denga rinovadavi­ra,” vanodaro.

Sekuru Friday Chisanyu vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practition­ers vanoti dambudziko rina Vambe rinogona kupera kana akabatsirw­a nezvitopot­a zven’anga.

 ??  ?? Knowledge Vambe
Knowledge Vambe
 ??  ?? VaFriday Chisanyu
VaFriday Chisanyu
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe