Akangomuka ava bofu ‘Uku kuroyiwa kwepamusoro’
MURUME wechidiki wekwaNyashanu, kuBuhera, ashaya zano rekuita zvichitevera kungofuma kwaakaita ava bofu, maziso ake asina kana kumbomurwadza.
Knowledge Vambe ( 35), uyo anogara mubhuku raHazvinavarwi, anoti akangofuma asisaone.
“Ndakabva kubasa kuGweru zvakanaka, ndichitoona pasina dambudziko, ndikatosvikota mabasa epamusha. Ndakanorara nevamwe pasina kana dambudziko uye ndagara ndisina dambudziko remaziso.
“Mangwana acho, ndakashamisika kumeso rangova rima. Pakutanga ndakamboti zvichida aiva mabori ndokumbobata-bata maziso acho ndichiti achavhurika asi zvakaramba. Ndakashevedza vamwe vaivapo ndokutoona kuti upenyu hwakanga hwasanduka, ndatova bofu,” anodaro.
Murume uyu anoti vehama vaivepo musi uyu, kusanganisira mudzimai wake, havana kutendeseka nenyaya iyi sezvo vakazoedza kumuendesa kuchipatara, kumaporofita nekun’anga asi hapana zvakasanduka.
“Vanhu vakanga vandiona ndichisvika kumba kubva kuGweru kwandaishandira sagadhi vakashamiswa nazvo, kunzwa kuti ndava bofu. Zvakavanetsa vamwe vakati mabasa aMwari here kana kuti huroyi,” anodaro Vambe.
Mudzimai wake nevana, anodaro Vambe, vakazomboenda kubasa kwake kuGweru vachinokumbira kuvakuru vake kuti apihwe nguva asati adzoka kubasa, iyo akapihwa asi yakazodarikidza kudzimara aburitswa basa.
“VaRungu vaona kuti denda rangu raisarapika, vakazomira kunditambirisa mari. Basa rakabva rapera zvikaita kuti titange kutambura semhuri. Vana vangu vanodya nhoko dzezvironda nekudaro ndinokumbirawo rubatsiro,” anodaro Vambe achipisisa tsitsi.
Murume uyu anoti kwose kwaanofamba nemhuri yake - kungava kumaporofita kana kun’anga - anoudzwa kuti akaroyiwa nevanhu vemunharaunda yeBuhera avo vane godo naye.
“Ndiri nherera, baba naamai vose vakashaika ndisati ndava nedambudziko iri. Vanotaura vanoti musi wandakasvika kumusha ndichibva kuGweru uyu, pamba pedu pakauya chikwata chevaroyi vakaita mhiko dzavo vachibva vavhara maziso angu.
“Mhuri yangu yaiyemurika pandaiva kubasa izvo zvaiita kuti vamwe vanhu varwadziwe neni.”
Vambe anoti haaone kana nepadiki zvapo uye anotungamirirwa kwose kwaanoenda, kunyangwe kuchimbuzi.
“Hongu, hupofu huriko asi kwete sehwangu. Vamwe vatinoziva vanotanga zvishoma nezvishoma maziso achirwadza kusvikira vasisaone. Ndinoti kune akandiroya kana pane zvandakamutadzira ngaandisunungure ndigomuripa ndikwanise kushandira mhuri yangu,” anodaro Vambe.
Kune vanokwanisa kubatsira murume uyu vanogona kumubata panhamba dzinoti 0785 006 769 kana 0718 190 004. MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti Vambe akaroyiwa.
“Pane kuroya kweshavi, koita zvimwe zvekupfidzisa uchinzi unodada kana kuti kuonererwa kana totaura zvemazuva ano. Vanhu vakaroya murume uyu vaida kutomuuraya ipapo asi vakazvitadza,” vanodaro.
Madzibaba Elias Gomwe vechechi yeJohane Masowe kuChitungwiza vanotsinhira vachiti aya mabasa ehuroyi. “Uku kuroyiwa kuri pachena uye kwakasimba nekuti hakuna munhu anongoerekana asisaone, kuita seapfurwa nepfuti. Baba ava ngavafambe mhepo dziri pavari dzibviswe uye dzimwe nguva denga rinovadavira,” vanodaro.
Sekuru Friday Chisanyu vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners vanoti dambudziko rina Vambe rinogona kupera kana akabatsirwa nezvitopota zven’anga.