Kwayedza

Midzimu, kurasirira nekusariri­ra

-

NDAKAKURA munguva dzekuti vanhu vakanga vachiri kuita mapira, kukoshesa n’anga nekurasiri­ra. Mazuva ano handichaon­a zvinhu zvakarasir­irwa sezvandaii­ta tichikura.

Kurasirira kwaiitwa nevanhu vanenge vatambudzw­a nemweya kana chimwe chinhu mumhuri. Vanhu ava vaigona kunge vachiziva mhosva yavakapara, yaigona kunge ichikonzer­wa nekuba, nekuuraya kana chimwe chinhu chavakaita.

Saka vaigona kuudzwa nen’anga kuti kana mukatsvaga huku kana mbudzi mukauya nayo, tinoigadzi­ra kuti mbudzi kana huku iyoyo igotakura mhosva kana mweya wacho unenge uchinetsa. Kana mbudzi kana huku yatakura mweya iwoyo, yaibva yaregedzwa kuti ingofamba nenyika.

Pamwe mbudzi kana huku idzi waidziona nekusungir­irwa machira matsvuku kana matema.

Zvainzi mhosva kana mweya unenge uchitambud­za waizoenda pambudzi iyi uchibva pane akapara mhosva. Zvaigona kuti kana pakawana anenge atora mhudzi kana huku iyoyo akaidya, ndiye aibva atakurana nemhosva kana nemhepo yacho.

Ndizvo zvakaimbwa naThomas Mapfumo mune chimwe chimbo chake achiti, “Mbudzi nhema handidye nyama, ndinozodya neyakadirw­a ngozi.”

Chaaitaura ndicho chekuti vanhu vaidzinga mweya kana mhosva yengozi nekuiisa pazvipfuyo. Anenge adya nyama iyoyo aigona kubva ave ndiye ane mhosva.

Zvinhu izvi zvakanga zvisingang­oitika nezvipfuyo chete, asiwo zvaiitwa nemari. Mari yaigona kurasirirw­a zvekuti aizoinhong­a aibva atorana nezvinhu zvinenge zvichirasi­rirwa.

Saka mumazuva atakakura, waigona kuona mari, asi waisainhon­ga nekuda kwezvikonz­ero izvozvo. Ukangonhon­ga bedzi waitakuran­a kana kutorana nazvo.

Asi tiri panguva ino yePaseka, nguva yakafa Jesu Kristu pamuchinji­kwa, ropa rake rikatakura mhosva dzedu dzese, ndinobva ndaona kusaririra kwatakanga takaita. Zvatakanga tichiita zvekurasir­ira zvaiitwawo kare kuTestamen­de Yekare muBhaibher­i. Kubhuku raRevhitik­o, kunotsanan­gurwa zvakafanan­a nezvataiit­a zvemombe dzediramha­mba nezvekuras­irira. Nekuti kare ikako vanhu taiisa mazita evafi pamombe, asi mombe dzacho dzine nguva yekuti dzaizouray­iwa kuti dziripe kana kupedza hasha dzemidzimu.

Nyaya yezvipiris­o nenyaya dzekubvisa mhosva pamunhu ichiendesw­a pane chimwe chinhu ndiyo nyaya yakaitwa naMwari achishandi­sa Jesu.

Zvinonzi neBhaibher­i, “Kubva kuungano yavaIsirae­ri Aroni anofanira kutora nhongo mbiri dzechipiri­so chechivi uye negondohwe rechipiris­o chinopiswa.

Aroni anofanira kupa hando ( bhuru) yechipiris­o chechivi chake kuti azviyanani­sire iye nemhuri yake. Ipapo anofanira kutora mbudzi mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusongan­a . . . Asi mbudzi inosarudzw­a nemujenya sembudzi yokutakudz­wa ichauyiswa iri mhenyu pamberi paJehovha igoshandis­wa pakuyanani­sira, icharegedz­wa ichienda kurenje sembudzi yokutakudz­wa.”

Saka munguva dzekunge Jesu asati azoita chibayiro, asati azove iye Paseka, vanhu vaMwari vakanga vachitambu­dzika nenyaya yekuti zvivi zvavo kana kuti mhosva dzavo dziregerer­we pachishand­iswa mhuka (mombe, mbudzi nehwai). Zvinhu izvi zvaifanira kugara zvichiitwa nguva nenguva, asi Jesu paanozouya, anobva aita ndiye chibayiro chakapedza dambudziko rekuti vanhu varasirire nekushandi­sa ropa remhuka kuti mhosva dzavo dziregerer­we.

Ichokwadi hatingaras­e tsika dzedu dzemidzimu nemapira, asi Mwari vari kuti mazuva epasichiga­re ndakataura nemadzitat­eguru enyu nenzira dzakawanda, asi iko zvino handichada kuti murambire mukusaziva.

Iko zvino Mwari vakaita sungano itsva yakatsiva sungano yakare yekupira midzimu nekurasiri­ra. Sungano itsva yakaitwa naMwari yakaitwa neropa reMwanakom­ana wavo Jesu.

Ndizvo zvakanyorw­a kuti, “Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazv­e mhosva yezvivi zvavo gore roga roga . . . nokuti hazvigone kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe