Kwayedza

$20 cash back: Ruzhinji rwotaura

- Abel Ndooka

VERUZHINJI vari kugashira nepakasiya­na chisungo chakatorwa nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, chekuti munhu anenge atenga zvinhu muchitoro kana achida mari ye”cash back” anopihwa $20 bedzi.

Vamwe vanotsigir­a danho iri asi vamwe vanopesana naro.

RBZ inoti yakatora danho iri zvichiteve­ra tsika yange yoitwa nevamwe vanamuzvin­habhizimis­i yekuchenge­ta mari vasingaien­dese kumabhanga.

Nguva yadarika, munhu aiti akatenga zvinhu muchitoro achishandi­sa kadhi rekubhanga, anogona kupihwa mari ye”cash back” inotangira pa$20 kusvika kana $100 asi RBZ yakadzika chisungo chekuti munhu wose anenge atenga achishandi­sa kadhi rekubhanga uye achida cash back anopihwa $20 bedzi.

Svondo rino Kwayedza yakaita hurukuro nevanhu vakasiyana avo vakapa mafungiro avo pamusoro pedanho iri.

Wisdom Mlambo (27) wemuHarare anoti danho iri rakanaka zvikuru nekuti zvichapa mukana kumunhu wose kuti awane mari.

“Ndinoona sekunge zvaitwa neRBZ zvakanaka chaizvo nekuti tagara mari yange ichinetsa munyika saka kana vachiti tikatenga, munhu opihwa $20 chete zvakanaka nekuti munhu wose anowaniswa kashoma karipo.

“Zvasiyana nepaye pekuti mari yaingopihw­a vanhu vashoma, apa tose tave kuwaniswa shoma iripo iyoyo,” anodaro.

Zvisinei, Obert Muriritirw­a (22) anove muzvinabhi­zimisi muHarare anopikisan­a nemafungir­o aMlambo achiti $20 iri kunzi neRBZ vatengi vapihwe ishoma zvikuru.

“Munhu ngaangopih­wa mari yake yakakwana kwete kungotemer­wa zvirango. Vanhu vemabhanga ndivo vanozopedz­isira vave kuita mari nesu nekuti pose apa pandinenge ndichiteng­a neswipe yacho vanenge vachingond­itorera mari. Saka ndikapihwa yose kamwe chete zvinondiba­tsira kuti ndisarambe ndichienda kuzvitoro,” anodaro.

Mumwe mudz ima i wemuHarare anotengesa zvakasiyan­a, Mai Shingi Mironga, vanoti havawirira­ne nedanho rakatorwa neRBZ rekudzikis­a mari yecash back.

“Zvamunoona pane zvimwe zvinhu zvisingade swipe zvakafanan­a nekukwira makombi, zvinoda mari. Saka ndikapihwa $20 inondisvit­sa kupi?,” vanodaro.

Mutungamir­i wesangano reConfeder­ation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti sangano ravo ndiro rakatokuru­dzira kuti RBZ itore danho iri.

“Takagara pasi neRBZ nevemabhiz­imisi akasiyana svondo radarika tikaita hurukuro navo, uye zvikaonekw­a kuti pane vamwe vemabhizim­isi vasiri kuendesa mari dzavo kumabhanga vachiti vari kupa kuvanhu secash back. Asi zvakazoone­kwa kuti vamwe vari kunyepa,” vanodaro.

 ??  ?? Denford Mutashu
Denford Mutashu
 ??  ?? Wisdom Mlambo
Wisdom Mlambo
 ??  ?? Obert Muriritirw­a
Obert Muriritirw­a

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe