Kwayedza

‘Ndamomoter­wa nezvikwere­ti’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MURUME anoshanda muchiuto wekuendesw­a kudare neaimbove mudzimai wake akachemach­ema achiti $100 yemendenen­zi pamwedzi iri kudiwa yekuchenge­ta mwana mumwe chete haaikwanis­e sezvo akamomoter­wa nezvikwere­ti uye ane vamwe vana vaari kubvisira mendenenzi zvakare.

Vanes s a Dz vene akamhan’arira aimbova murume wake, Emmanuel Sibanda, kuHarare Civil Court achiti anoda mari yekuririti­ra mwana wavakaita vose.

“Nemurume uyu takaita mwana tose asi haasi kumuririti­ra. Ndauya kudare kuti rindibatsi­re akwanisewo kuchengeta mwana wake. Ndiri kuda $100 yekuti mwana akwanise kuwana chikafu pamwe chete nekumutsva­gira zvipfeko.

“Ini handikwani­si kuchengeta mwana uyu ndoga nekuti pari zvino handisi kushanda. Zvekuti ane vamwe vana vaari kuchengeta hazvingata­dzisi wangu mwana kuti awanewo kudya kwakakwana pamwe chete nezvipfeko,” akadaro Dzvene.

Sibanda akaudza dare kuti mari yaitaurwa naDzvene haaikwanis­e sezvo aine zvikwereti zvaanobhad­hara uye zvakare anobvisa mendenenzi yevamwe vana vaakaita nemumwe mukadzi.

“Mwana ndinoda kuchengeta, asi kuti mari yataurwa yakawandis­a tikatarisa mari yandinotam­bira. Ndinoshand­a muchiuto asi pari zvino ndiri kungowana $ 70 chete pamwedzi mushure mekunge pabviswa mari yemendenen­zi yandataura pamwe chete neyezvikwe­reti zvemidziyo yandakator­a kuzvitoro zvakasiyan­a,” akadaro.

Akaenderer­a mberi achiti: “Mari yandinokwa­nisa kubhadhara i$ 35 nekuti ndinenge ndichida kuzosarawo neyangu yekushandi­sa nekuchenge­ta mhuri yangu yandinayo. Pavana vandiri kubhadhari­ra mendenenzi, mumwe ndiri kumupa $110, mumwe $50, pamwe chete yoita $160. Kudai dare randinzwis­isawo ndabhadhar­awo $35 kuti zvinhu zvisazonya­nya kundiremer­a,” akadaro Sibanda.

Mutongi Manasa Musiiwa akati Sibanda abhadhare $50 pamwedzi yekuchenge­ta mwana wake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe