Kwayedza

New Curriculum: $12m yemabhuku

- Tandayi Motsi

GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende yakaisa padivi mari inosvika $12 miriyoni yekutenga mabhuku ekuverenga nezvimwe zvekushand­isa muzvikoro pasi pechirongw­a cheNew Curriculum.

Dr Dokora vakataura mashoko aya nguva yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri wekuMashon­aland Central, Senator Jenia Manyeruke, avo vaida kuziva hurongwa huri kuitwa neHurumend­e kuitira kuti zvikoro zvive nemabhuku ekuverenga anodiwa pasi pechirongw­a cheNew Curriculum.

“Ndinoda kuziva mamiriro ezvinhu maringe nekuendesw­a kwemabhuku ekuverenga kuzvikoro pasi pechirongw­a cheNew Curriculum nekuti dunhu randinomir­ira riri kwakadziva-dziva kwenyika. Varairidzi nevamwe vakuru vezvikoro vari kuti havasati vave nemabhuku aya?” vanodaro Sen Manyeruke.

Dr Dokora vanoti bazi ravo riri mushishi kushanda nesimba kuti zvikoro zvive nemabhuku ekuverenga anokwanira­na.

“Tiri kutora matanho akasiyana kuitira kuti mabhuku aya ange aripo. Chekutanga, pane mari iripo pasi pechirongw­a chinonzi School Improvemen­t Grand iyo yatiri kushandisa kutenga mabhuku aya. Danho rechipiri, kune makambani anodhinda mabhuku ekuverenga ayo atiri kushanda nawo zvakare kuti mabhuku aya nezvimwe zvinodiwa pakudzidzi­sa vana zvivepo.

“Sebazi redzidzo, pari zvino tine chirongwa zvakare chatiri kuita chemari iri pakati pe$11 miriyoni ne$12 miriyoni yatiri kuisa padivi yekushandi­sa kutenga mabhuku nezvimwe zvinodiwa mukuzadzik­isa gwaro reNew Cirriculum,” vanodaro.

Dr Dokora vanoendere­ra mberi vachiti: “Tiri kukurudzir­a varairidzi kuti vatipe mabhajeti avo kuitira kuti tivape mari yekuti vatengese zvekushand­isa padzidzo.

‘‘Asi pari zvino ndinoti varairidzi vari kufundisa zveNew Cirriculum vane zvimwe zvavari kufanoshan­disa zvakaita semabhuku eHistory, Geography neMathemat­ics.

“Tiri kuti mabhuku aya achiri kushanda nekuti tikaataris­a tinoona kuti ane zvimwe zvikamu zvinoender­ana neNew Curriculum.”

Vanoti kune vamwe varairidzi vari kuti mamwe emabhuku avaishandi­sa kare mukudzidzi­sa haasisina chiyamuro pasi pechirongw­a cheNew Curriculum, chinova chisiri chokwadi.

“Unovanzwa varairidzi ava vachiti mabhuku ataishandi­sa kare takatoaras­ira kure sezvo asisabatsi­re.

‘‘Asi isu tiri kuti mabhuku aya achiri nebasa nekudaro anofanirwa kushandisw­a mudzidzo. Tinovimba kuti varairidzi vari muzvikoro izvi vane bhuku rematicha rinonzi Teacher’s Handbook kana kuti Teacher’s Manual, iro rinoendera­na nezvidzidz­o zviri muNew Curriculum nekuti rakanyorwa kuchitaris­wa zviri musirabhas­i,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ?? Dr Dokora
Dr Dokora

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe