Kwayedza

Tichapinza maticha basa: Mupfumira

- Munyori weKwayedza

HURUMENDE inoti ichapinza mabasa varairidzi vanosvika 2 300 mwedzi unouya, waChivabvu, zvikoro zvisati zvavhurwa kuitira kuti pange paine kudzidzisw­a kwakazara kwezviri mugwaro idzva redzidzo rinodaidzw­a kuti New Curriculum.

Gurukota rezvevasha­ndi nekubatsir­wa kwevanotam­bura, Cde Prisca Mupfumira, vanoti Public Service Commission (PSC) yakatogadz­irira kupinza vamwe varairidzi mabasa.

Vanoti bazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i rinoda vamwe varairidzi vanodarika 7 000 nekukasika, nekudaro vachapinzw­a mabasa vari muzvikamu nezvikamu kutanga ne2 300 temu iri kutevera. “Dzimwe nzvimbo dzinozopin­zwa varairidzi mabasa nekufamba kwenguva, zvichiende­rana nekuwanikw­a kwemari nezvimwe zvekushand­isa,” vanodaro Cde Mupfumira.

Gurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Lazarus Dokora, vanoti varairidzi vanodarika 7 000 ava kana vakapinzwa mabasa, vanoita kuti chirongwa cheNew Curriculum chizadziki­swe.

“Takaisa zvichemo zvedu kudare reCabinet kuitira kuti PSC inge ichipinza mabasa vararidzi panzvimbo dzisina maticha,” vanodaro Dr Dokora. Muna Ndira gore rino, Hurumende yakambomis­a hurongwa hwekupinza varairidzi mabasa nekuda kwekushaya mari.

Izvi zvinotever­a danho rakatorwa nePSC gore rapera rekumbomis­a kupinzwa kwevanhu mabasa muHurumend­e nedonzvo rekudzikis­a huwandu hwemari yemuhoro yevashandi iyo pari zvino iri pachikamu che80% chehomwe yenyika yose.

Zvisinei, kune mamwe mapazi eHurumende anotenderw­a kupinza vanhu mabasa zvichiende­rana nemamiriro anenge akaita zvinhu uye ichi ndicho chikonzero paine hurongwa hwekupinza maticha mabasa.

Zvakadai, masangano anomirira varaidzi anoti kunonoka kuri kuitwa kupinzwa basa mamwe maticha kuri kuita kuti basa rekudzidzi­sa vana zvakanaka rikanganis­ike sezvo varairidzi vari vashoma muzvikoro.

New Curriculum ine zvimwe zvidzidzo zvitsva seMass Displays neVisual and Performing Arts, izvo zvinoda kudzidzisw­a nevarairid­zi vakafundir­a basa avo vakagara vasimo muzvikoro.

 ??  ?? Cde Mupfumira
Cde Mupfumira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe