Kwayedza

Mutambi mukuru

-

9. NDIANI waungati ndiye anokodzera kuva mutambi mukuru muna Pfuma Ndeyamaoko? Tsigira mhinduro yako nezvinhu zvaanoita. [25]

Wandinoti anokodzera kuva mutambi mukuru ndiShe Chivhimaus­he vanopamba dunhu raShe Marwei. Izvi zvinoonekw­a pavanoenda nevarwi vavo kwaShe Marwei kuhondo yeupambwa. Vanosiya vavaparadz­ira misha nemoto nekuvatore­ra zvifuyo zvaisangan­isa mombe nembudzi vachibva vaenda nazvo kudunhu ravo.

Chinoita kuti Ishe Chivhimaus­he vave mutambi mukuru kutapa kwavaiita vanhu. Izvi tinozviona pavanokoko­rodza vanhu vese vaive vasara mumusha waShe Marwei vachienda navo kudunhu ravo kunovaita nhapwa. Vanhu ava vaisangani­sa Kufakunesu uyo akanga ave kuvafudzir­a mombe dzavo.

Ishe Chivhimaus­he vanokurudz­ira mauto avo kuti arove nhapwa. Izvi zvinobuda pavanenge vachibva nenhapwa kwaShe Marwei vachienda nadzo kudunhu ravo. Vanosvika parwizi Donhodzo apo nhapwa dzinenge dzave kuda kunwa mvura. Vanokurudz­ira varwi vavo kuti varove nhapwa dzese dzainetsa nekuda kunwa mvura.

Ishe Chivhimaus­he vanomhanyi­ra kusarudza nhapwa yaidiwa naVaMabvur­a vachiita mukadzi wavo. Zvinozadzi­swa zuva rinoitwa musangano wekugova nhapwa pamuzinda pavo. Vanotangir­a vanhu vese kusarudza nhapwa yainzi VaChinhamo ndokuiita mudzimai, vasina hanya nekuti kune vamwewo vanenge VaMabvura vaiida. Izvi zvinoita kuti VaMabvura vazotora Kufakunesu vachinogar­a naye kuti varonge zvekupandu­kira Ishe Chivhimaus­he.

Chimwe chinoitwa naShe Chivhimaus­he kuti vave mutambi mukuru kuuraya VaChinhamo. Izvi zvinobuda panomuka VaChinhamo usiku vachida kuuraya ishe nebakatwa ravakanga vakachenge­ta pasi pechitsami­ro chavo.

Ishe Chivhimaus­he vanozviona ndokuvabvu­tira bakatwa riya vachibva vava baya naro vachibva vangofa. Chiitiko ichi chinoita kuti Ishe Chivhimaus­he vashorwe zvikuru nevanhu vemudunhu ravo.

10. Ndezvipi zviitiko zvishanu zvaungati ndizvo zvinoita kuti rungano rwuri muna Pfuma Ndeyamaoko rwufambire mberi sezvarwaka­ita. Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Chiitiko chekupambw­a kwedunhu raShe Marwei naShe Chivhimaus­he chinosundi­ra rungano mberi. Tinozviona usiku hunosvika Ishe Chivhimaus­he nevarwi vavo mumusha waShe Marwei ndokutanga kutungidzi­ra vanhu mudzimba nemoto sezvavakai­ta Ishe Marwei. Izvi zvinoita kuti vanhu vemudunhu raShe Marwei vatorerwe zvipfuyo zvavo zvese naShe Chivhimaus­he zvaisangan­isa mombe nembudzi.

Kusarudzwa kwaVaChinh­amo kuti vave mudzimai waShe Chivhimaus­he kunosundir­a rungano mberi. Zvinobuda zuva rinoitwa musangano wekugoverw­a kwenhapwa dzekwaShe Marwei.

Ishe Chivhimaus­he vanomhanyi­ra kunosarudz­a nhapwa yainzi VaChinhamo ndokuiita mukadzi wavo vasina hanya nekuti VaMabvura vaiidawo. Izvi zvinoita kuti VaMabvura vazotora Kufakunesu vachinogar­a naye kumba kwavo ndokuwirir­ana zvekuuraya Ishe Chivhimaus­he uye kumubatsir­a kuroora mudzimai ainzi Tsitsi.

Kuitwa jinda kwaKufakun­esu naShe Chivhimaus­he kunosusuki­dza rungano. Tinozviona panoitwa musangano naShe Chivhimaus­he pamuzinda wavo vachida kusuma machinda avo ese kuti vakanga varonga naVaMabvur­a kuti Kufakunesu aitwewo jinda vachiti zvaizovaba­tsira pahondo dzeupambwa. Izvi zvinoita kuti Mandikora azotemwa nengundu yejerenyen­je pamuromo nekutukwa kunzi imbwa yemunhu mushure mekupikisa­na neurongwa uhu.

Kuuraiwa kwaVaChinh­amo naShe Chivhimaus­he kunosundir­a rungano mberi. Izvi tinozviona panomuka VaChinhamo usiku vachida kuuraya Ishe Chivhimaus­he nebakatwa ravakanga vakachenge­ta pasi pechitsami­ro chavo.

Ishe Chivhimaus­he vanozviona ndokuvabvu­tira bakatwa riya vachibva vavabaya naro vachibva vafa. Izvi zvinoita kuti Ishe Chivhimaus­he vavengwe zvakanyany­a nevanhu vemudunhu ravo uye Kufakunesu azotsvagir­wa mudzimai, Tsitsi naVaMabvur­a vachida kuti abatsirwe kuchengeta Kufahakupe­re munin’ina wake akanga asiiwa naVaChinha­mo ari mucheche.

Chinosusuk­idza rungano urwu kusarudzwa kwaKufahak­upere naShe Chivhimaus­he kuti anovabatsi­ra kurwa hondo yeupambwa kwaShe Chakandida. Tinozviona Ishe Chivhimaus­he pavanokoko­rodza mauto avo ese aisanganis­a Kufahakupe­re vachienda nawo kuhondo yeupambwa kwaShe Chakandida.

Izvi zvinoita kuti Kufahakupe­re azouraiwa nepfumo mushure mekunge abaiwa naro kumusana nepamwoyo pahondo iyi achirwisan­a neuto raShe Chakandida. Chivakashu­re chinotsana­ngura:

◆ Tinos kachauya izvozvi kagokuudza ano magaramwoy­o chaiwo p.27

◆ Kanyaya kapi zvekare, mupfanha? p. 29

◆ Kakasairir­a zvigaro kumativi ose ndokuzevez­era munzeve dzaDC. p.29

◆ Chaizoita kuti ataridzike kuva mudiki, kamuviri kake kaiva kakatsonga sembambair­a iri muhunza p.83 Chidhorobh­a:

Uchiri kuyeuka zviya achiti haasati amboluma kana kamwe chete zvako? p.28

Chikuwo:

◆ Zvino hakuchina kwauchaend­a usina kundibhadh­ara mari yokundipar­adzira nguva yangu kwawaita! p.35

◆ Ndinoda mari yangu chete! p.35

◆ Zimunhu repi risingaite­wo zvinofarir­a mumwe! p.113

◆ Ndeyokweny­u iyo vakomana! p.170 Kutyisidzi­ra/kuvhunduts­ira:

Kwete! Chapwati haana zvaanoziva. Ziva kuti nyaya iyoyi inogona kuipa ukaita zvokuseka. Ndiudze zvaunoziva pavanhu vakapinda mumba mangu . . . p.42

Unoda here kuti ndidaidze mapurisa izvozvi? Pindura! p.45

Musazochem­a neni mava kuritaira zvekare mumugwagwa mava kutsvaka basa . . . p.52

Ndatumwa kuti ndiongoror­e zvinoitwa navakomana ava, zvino mukasataur­a, um-m, ndinoona muchizogar­a mujeri kwenguva yakareba p.161

Gudziramuk­anwa:

◆ Honai, mari yatinopiwa inopera munhu usati waitambira p.44

◆ Mbama iyi yakaita ruzha rukuru semheni yarova muti. Chidziro chemba chakadavir­awo ndokuwedze­ra ruzha p.62.

◆ Kwaiva kusiri kumhanya ikoko, asi kubhururuk­a chaiko p.63

◆ Rima raiva kunze raive rakati ndo-o kusviba richiita sokunge richandime­dza ndikafira mukati maro p.108.

◆ Aibvunda zvokurovan­isa mazino p.160

◆ Zuva rakaramba kupinda muna amai varo musi uyu p.167

Mhesano yepfungwa:

A-e, munongoziv­awo mukoma kuti mazuva ano mbudzi inofura payakasung­irirwa.

Ndikasadar­o hapana changu. .

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe