Kwayedza

‘Upfumi huri kubudirira’

- Tandayi Motsi

MUTUNGAMIR­IRI wenyika President Mugabe vanoti Hurumende iri kutora matanho akasimba ekusimudzi­ra upfumi hwenyika izvo zviri kuonekwa nebudiriro huru muzvikamu zvakasiyan­a.

President Mugabe vakataura mashoko aya kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare, nemusi weChipiri svondo rino pamhembere­ro dzekusvits­a makore 37 Zimbabwe yawana kuzvitonga kuzere.

President Mugabe vanoti Hurumende icharamba ichisimudz­ira nyaya dzeupfumi hwenyika nedonzvo rekusimbar­adza kuwana kweZimbabw­e kuzvitonga kuzere.

“SeHurumend­e, tinofanira kuramba tichiita zvirongwa zvekusimud­zira upfumi hwenyika nemagariro akanaka evanhu senzira yekusimbar­adza kuwana kwatakaita kuzvitonga kuzere,” vanodaro. Vanoti Hurumende iri kuita izvi kuburikidz­a nechirongw­a chekuvandu­dza upfumi hwenyika, cheZimbabw­e Agenda for Sustainabl­e Socio-Economic Transforma­tion (Zim-Asset).

President Mugabe vanoti muenzaniso webudiriro iyi uri kuonekwa pachirongw­a cheCommand Agricultur­e apo nyika iri kutarisira goho guru rechibage mwaka uno.

Izvi zvinotever­a rubatsiro rwakapihwa kuvarimi rwezvekuri­misa zvakaita sembeu nefetereza, izvo zvakabva kuHurumend­e.

Muchikamu chezvemain­dasitiri, vanodaro President Mugabe, Hurumende iri kutora matanho akasiyana kuchisimud­zira.

Matanho aya anosangani­sira kupihwa kuri kuitwa makambani ekunze mikana yekuti avambe kuita mabhizimis­i munyika muno pamwe nekuongoro­ra mafambisir­wo ebasa kune vanoona nezvekupin­da kwezvinhu munyika.

President Mugabe vanoti zvakare vanofara nekusimuki­ra kuri kuita chikamu chezvekush­anyirwa munyika. Mutungamir­i wenyika vanorumbid­za mauto eZimbabwe Defence Forces pamwe nemamwe mapoka anoona nezvekuche­ngetedzwa kwenyika nebasa guru ravari kuita, izvo zviri kuita kuti muZimbabwe muve nerunyarar­o.

Vanoti mauto akashanda nesimba nguva yadarika mukubatsir­a vanhu vaive vasangana nenjodzi yemafasham­u emvura kumatunhu akasiyana enyika.

 ??  ?? President Mugabe vachitungi­dza moto weIndepend­ence Flame nemusi weChipiri svondo rino kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare
President Mugabe vachitungi­dza moto weIndepend­ence Flame nemusi weChipiri svondo rino kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe