Kwayedza

Evidence anoda mari yechikoro

- Kingstone Mapupu

MUSIKANA asingaone uyo anogara kumahosite­ri ekuMatapi, kuMbare, muguta reHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwemari nezvimwe zvekuti akwanise kuenderera mberi nechikoro zvichiteve­ra kusiira kwaakaita fundo panzira nekuda kwekushaya mari.

Evidence Katsa (27) wepaBlock B16 anoti akaregedza chikoro paKapota School of the Blind, kuMasvingo, apo akange ave Form 4 mushure mekushaya mari.

Mus ikana uyu anogara nemukoma wake, Kumbirayi Masarira (40), uye anoti ane shungu dzekuender­era mberi nedzidzo yake.

“Ndaedza zvose zvandinogo­na kuti ndiwanewo mari yekuendere­ra mberi nechikoro asi hapana chiri kufamba. Vabereki vangu vose vakafa, ndinotoche­ngetwa nemukoma wangu pano,” anodaro Katsa.

Masarira anoti ndiye aimbobatsi­ra munin’ina wake nemari yechikoro asi zvinhu zvakazosan­duka paakafirwa nemurume wake.

“Evidence akasiira chikoro muForm 4 tashaya mari yekuti apedzise. Tinoda kuti adzidze mabasa emawoko nekuti zvimwe zvacho anozvikwan­isa zvikuru,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Chirongwa cheBeam chaimbomub­atsira asi akazobvisw­a. Kuchikoro uku aibvisa $350 patemu. Iniwo ndine vana vandinoche­ngeta vandakasii­rwa nemurume nevamwewo vanin’ina vangu,” anodaro.

Katsa anonzi akaberekwa asingaone.

“Kuti Evidence adzokere kuchikoro tinoda $ 3 000 zvichienda mberi. Saka tinokumbir­awo kune vanokwanis­a vatibatsir­e mwana waamai vangu awanewo chekuita muupenyu,” anodaro Masarira.

Kune vanoda kubatsira Evidence vanogona kuridza nhare dzinoti 0773 826 519. Evidence Katsa Mai Kumbirayi Masarira

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe