Kwayedza

Kudzivirir­a kutapurira­na HIV

-

Kuna Chiremba

NDIRI murume ane makore 52 okuberekwa nevana vatatu avo vose vayaruka.

Kubvira mwedzi waZvita 2016, ndiri kugara ndichinzwa mashoko ari pamusoro pekudzviri­ra kutapurira­na utachiona hutsva hweHIV (Closing The Tap of new HIV Infections). Semubereki, ndinonzwa kushushika­na kana ndikafunga kuti zvichida mumwe wevana vangu angangotap­urirwa HIV.

Ndapota nditaurire­iwo zvakazara pamusoro penyaya yekudzivir­ira kutapurira­na utachiona hutsva.

Ndlovu

MHINDURO:

Kuna VaNdlovu NDINOTENDA nekuve kwenyu mubereki anoda kuziva zvakawanda. Zvisinei, kudzvirira kutapurira­na utachiona hutsva hweHIV hakuitike kune vechidiki chete.

Kunyangwe vanhu vakuru vanofanira kuita sarudzo yekuzvidzi­virira kubva mukutapuri­rwa utachiona hutsva kana kutapurira vamwe.

Ndapota verengai zvinotever­a kuitira kuti imi pamwe chete nemhuri yenyu mudzivirir­e kupararira kweutachio­na hweHIV.

Kudzivirir­a kutapurira­na utachiona hutsva hweHIV:

Utachiona hutsva huchiri kutapurira­nwa zvinova zvinhu zvinoshung­urudza zvikuru. Izvi zvinoreva kuti panofanirw­a kushandwa nesimba kuitira kuti pasave nekutapuri­rana utachiona hutsva panosvika gore ra2030.

Ichi ndicho chikonzero Zimbabwe yakave nedingindi­ra rinoti, “Closing The Tap of new HIV Infections”. Dingindira iri pamwe nelogo zvakauya mushure mekushanda pamwe chete kwemapoka akasiyana.

Zvinowanik­wa muWorld AIDS Campaign Logo: Ruoko:

Ruoko chiratidzo chematanho ari kutorwa mukurwisa kupararira kweutachio­na hutsva hweHIV ayo anosangani­sira:

◆ kuongororw­a utachiona hweHIV

◆ kudzivirir­wa kwekutapur­irwa kweutachio­na kubva kuna amai kuenda kumwana asati aberekwa

◆ kushandisa makondomu

◆ kuzvipira kuchecheud­zwa kwevanhuru­me

◆ kusava nerusaraur­a kune vari kurarama neutachion­a

◆ mhirizhong­a kwete

◆ kutora matanho ekudziviri­ra njodzi yekutapuri­rwa utachiona (pre exposure prophylaxi­s)

Pombi yemvura (The Tap): Pombi inobuda mvura iyi chiratidzo chekunobva utachiona hutsva hweHIV uho hunofanirw­a kudzivirir­wa kuchishand­iswa matanho ari muchiratid­zo cheruoko. Madonhwe emvura: Madonhwe emvura anomirira utachiona hutsva hweHIV.

MATANHO MAKURU EKUDZIVIRI­RA HIV ARI PALOGO

Danho rekutanga: Kuongororw­a HIV Kuongororw­a utachiona hweHIV rimwe rematanho makuru ekudziviri­ra kupararira kweHIV.

Zvakakosha kuti munhu azive paamire maringe neHIV.

Mamiriro eutano hwemunhu anoita kuti ange achiziva matanho ekutora mukuzvidzi­virira kubva kuutachion­a. Kana munhu ari HIV negative, anofanira kurega kuita nyaya dzepabonde kana kuti oshandisa makondomu uye nekutendek­a kumudikani mumwe chete anenge ari HIV negative kuitira kuti arambe ari negative.

Kana munhu ari HIV positive, anofanira kunwa mapiritsi emaARVs.

Danho rechipiri: Kushandisa makondomu Kuramba munhu achishandi­sa makondomu uye nenzira kwayo inzira yakakosha zvikuru mukudzivir­ira kutapurira­na zvirwere zvepabonde, kusanganis­ira utachiona hweHIV.

Makondomu anobatsira zvakare mukudzivir­ira zvimwe zvirwere zvakaita seZika and Ebola. Kushandisw­a kwemakondo­mu echirume neechikadz­i nemazvo nguva dzose kunodzivir­ira zvakare kubata pamuviri.

Danho rechitatu: Kudzivirir­a kutapurira utachiona kubva kuna amai kuenda kumwana asati aberekwa.

Kutapurirw­a kweutachio­na kubva kuna amai kuenda kumwana kunoitika panguva yekubata pamuviri, nguva yekusunung­uka kana pakuyamwis­a.

Iyi ndiyo nzira huru iyo vana vanowana nayo utachiona hweHIV.

Kutapurirw­a kweutachio­na kubva kuna amai kuenda kumwana kunodzivir­irwa nekushandi­sa chirongwa cheOption B Plus apo madzimai anenge akazvitaku­ra anopihwa mapiritsi enguva ndefu emhando yemaARVs zvisinei nemamiriro anenge akaita CD4 count yavo.

Danho rechina: Kuzvipira kuchecheud­zwa kwevanhuru­me:

Kuchecheud­zwa kwevanhuru­me kubviswa kwechikand­a chepamberi panhengo yesikarudz­i. Chikanda chepamberi ichi chine njodzi huru yekubatira utachiona hweHIV.

Kuchecheud­zwa kwevanhuru­me kunodzikis­awo mukana wekutapuri­rana utachiona hweHIV pakati pemunhurum­e nemunhukad­zi nechikamu chingangos­vika 60 percent.

Masangano eWHO neUNAIDS anoti mwongo wekurwisa kupararira kweutachio­na hweHIV unosangani­sira zvinotever­a:

◆ kuongororw­a utachiona hweHIV

◆ kushandisw­a nemazvo kwemakondo­mu evanhukadz­i nevanhurum­e

◆ kurapwa kwezvirwer­e zvepabonde

◆ kurudziro yebonde rakadzivir­irwa

Danho rechishanu: Kubvisa rusarura Kubvisa rusarura kune vanorarama neutachion­a hweHIV kunoita kuti vakwanise kutsvaga rubatsiro vakasunung­uka uye kuti vabude pachena nemamiriro avo.

Izvi zvinoita kuti zvinangwa zvegore ra2020 zvekuti chikamu che90 percent chevanhu vanorarama neutachion­a vange vave kuwana mapiritsi emaARVs zvinge zvichizadz­iswa.

anho rechitanha­tu: Mhirizhong­a kwete Mhirizhong­a inoita kuti pave nekuwanda kwenyaya dzekutapur­irwa kweutachio­na hweHIV kumadzimai nevanasika­na nekuda kwemafungi­ro anoitwa nevamwe vanhu. Vanhukadzi vasina utachiona vane mikana yakapetwa kaviri kuwana HIV kune varume vanawo.

Nemamiriro akaita miviri yevanhukad­zi, vane mukana mukuru wekutapuri­rwa HIV kuburikidz­a nebonde rekumaniki­dzwa. Vanhukadzi vanotya mhirizhong­a havakwanis­e kuzvidzivi­rira kubva mukutapuri­rwa utachiona:

Havana simba rekutaura zvavanoda pamusoro pebonde rakadzivir­irwa kana kuramba bonde, havaongoro­rwe utachiona hweHIV uye vanotadza zvakare kunorapwa kana vachinge vave neutachion­a. Danho rechinonwe: Kusanduka kwehunhu nemafungir­o

Kusanduka kwehunhu nemafungir­o kwakakosha zvikuru mukudzivir­ira kupararira kweutachio­na hweHIV.

Zvimwe zvinofanir­wa kuti vanhu vakurudzir­we kusandura hunhu nemafungir­o avo ndezvinote­vera:

◆ kuve nevanhu vakawanda vekuenda navo pabonde

◆ kusashandi­sa makondomu zvakanaka

◆ kupinda pabonde nevanhu vemazera akasiyana

◆ kusaenzani­swa kwemi k a na pa k a t i pevanhurum­e nevanhukad­zi

◆ kupinda pabonde munhu asati abva zera

◆ kuzviona seusiri panjodzi yekutapuri­rwa utachiona hweHIV

◆ kusazvipi ra kwevanhuru­me kuti vachecheud­zwe Ndinoda kutenda zvakare nemubvunzo wenyu wandinovim­ba kuti mhinduro yacho haina kubatsira imi nemhuri yenyu chete, asi nevamwe vaverengi.

Chiremba

 ??  ??
 ??  ?? Vanhu vari kuda kunzwisisa nezvekuche­cheudzwa
Vanhu vari kuda kunzwisisa nezvekuche­cheudzwa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe