Kwayedza

$5 yekuchenge­ta mwana

- Lizzy Mushoriwa

MUMWE murume akashamisa vanhu vaive mudare apo akati anokwanisa kubhadhara mendenenzi ye$5 pamwedzi yekuchenge­ta mwana.

Samson Matora akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naSekesai Nyamutsega achida kuti abhadhare mari yekuchenge­ta mwana wavo.

“Vakuru vedare, ndaunzawo baba ava nenyaya yekuti vachengete mwana watakaita tose. Ndiri kuda $90 yekuririti­ra mwana kuti awanewo chekudya nechekupfe­ka sezvo achiri mudiki zvakanyany­a.

“Mwana ane mwedzi misere azvarwa, ini wacho handina kubasa kwandinoen­da. Ndozviziva kuti ane mukadzi nevamwe vana vatatu, asi pamwedzi anowana mari inosvika $200 nekuti anoita zvekugera vanhu misoro. Zvekuti ane vana vashanu zvaave kutaura muno mudare kwava kunyepa, kuda kuti mari yaanondipa iite shoma,” akadaro Nyamutseng­a.

Matora akapikisan­a naNyamutse­nga achiti haawane mari inosvika $200 pamwedzi kubva mukugera vanhu misoro.

“Ndinokwani­sa kubhadhara $5 nekuti upenyu hwangu hausisina kumira zvakanaka sezvaanozi­va. Pari zvino ndava kugara kumusha uko kwatiri kupona nechikafu chekushand­ira.

“Handichait­i zvekugera vanhu misoro nekuti mukadzi iyeyu ndiye akaita kuti ndikuvare ruwoko paakatumir­a mamonya akandirova ndikasara ndakuvara zvakaipisi­sa. Mukadzi wangu wandiri kugara naye pari zvino ndiye ari kutoshandi­ra mhuri kuti tiwane zvekudya.

“Ari kuti ndine vana vatatu asi hazvisiriz­vo, vana vandinavo vashanu nemukadzi wandiri kugara naye,” akadaro Matora.

Mutongi Manasa Musiiwa akati Matora abhadhare $25 pamwedzi yekuchenge­ta mwana wake.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe