Kwayedza

Zvakasanga­na nemurimi wefodya

- Yvonne Mutava

MURIMI ane mukurumbir­a - VaMadyavan­hu Odman (47) - vakatanga kurima fodya mugore ra2006 uye havana kuzombodzo­kera kumashure.

Muna 2008, vakatenga chigayo, 2010 ndokutenga mombe, rori yetwo tonne netende rekuvharis­a fodya yavo pakuitakur­a mugore ra2015.

“Iye zvino ndave kukwanisa kutenga zvekushand­isa mukurima fodya yangu nekudaro handichapi­hwi rubatsiro nemakamban­i anopa makondirak­iti. Ndave kuzvimirir­a uye ndave padanho riri nani kana zvichienza­niswa neapo pandakatan­ga. Kunyangwe musha wangu, watsiga parizvino,” vanodaro vachinyemw­erera.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndakapinda­wo mubasa rekutakura fodya nekuti ndakaona kuti avo vanotakura fodya kuenda nayo kumusika varimi vakafanana neni. Izvi ndizvo zvakaita kuti nditenge rori yangu. Ndakatanga kutakura fodya ndichienda nayo kumusika muna 2015. Zvisinei, ndakanga ndisina kunyoresa semutakuri wefodya zvakaita kuti ndisangane nezvimhing­amipinyi zvakawanda. Handaiziva kuti pane nzira iri nyore yekubhadha­rwa mari yekushandi­sa stop-order mushure mekunge ndakatura fodya yevarimi. Kutsvaga varimi kuti vandibhadh­are mari yangu yekutakura fodya mushure mekunge vabhadharw­a vatengesa raive dambudziko chairo.

“Mwaka wapera, ndakashand­isa stop- order yeshamwari yangu asi izvi zvakave nedambudzi­ko zvakare saka ndakazoron­ga zvekuve neyangu mwaka uno mushure mekunge mukuwasha wangu - uyo ashandisa nzira yestop-order iyi kwemakore matatu - andipanga mazano achiti pakange pasina dambudziko kuti munhu anyorese kuti anoda kupota achitakura fodya yevarimi achiiendes­a kumusika.

“Ndakakwani­sa kudzora $8 000 iyo yandakasha­ndisa kutenga rori iri nemari yandakawan­a mwaka wadarika. Nerori rangu retwo tonne, ndinowana mari imwe pamusoro inosvika $1 300 pasvondo pamatiripi maviri ekuenda nefodya kumusika. Pamusoro pezvo, ndinopawo varimi mari yebhazi neyekuteng­a zvekudya muHarare. Mari iyi vanozondid­zosera apo vanenge vatengesa fodya yavo. Ndinopa rubatsiro urwu nekuti panotanga mwaka wekutenges­wa kwefodya, vamwe varimi vanenge vasina mari.

“Pakudzoka nevarimi kuminda yavo kwavanorim­ira, ndinotakur­awo fetereza nemimwe midziyo yavanenge vatenga apo vanobhadha­ra kamuripo kaduku-duku.

“Kuti munhu akwanise kutakura fodya kuenda nayo kumusika anofanira kuve anoremeked­zwa nevarimi pamwe nekugona kuzovabats­ira kana vachinge vasangana nematambud­ziko.

“Kana murimi akatadza kundibhadh­ara mari yangu nenguva, handimhany­e kunomhan’ara kumapurisa, asi kuti ndinomupa nguva, dzimwe nguva mwaka wose kuti abhadhare chikwereti changu.”

Zvakadai, TIMB inokurudzi­ra varimi kuti vashandise motokari dzakanyore­swa pakutakura fodya yavo kuenda kumusika pamwe nekuivhara netende kuitira kuidziviri­ra kubva kumvura yekunaya nemamwe mamiriro ekunze.

Pakushandi­sa rori dzakanyore­swa, varimi havaise hupenyu hwavo panjodzi nekugara pamusoro pemabhero efodya apo vanenge vachienda kumusika.

Kuti munhu anyorese kutakura fodya, anofanirwa kuve nephotocop­y yebhuku remotokari, photocopy rechitupa, pasipoti kana rezinesi rekutyaira pamwe ne$150 kana achinyores­a kekutanga uye $100 kana akambonyor­esa kare, ndokunge kana munhu achinyores­a akazvimiri­ra.

Kana munhu achinyores­a sekambani, panodiwa photocopy yebhuku remotokari, gwaro reCR14, certificat­e rekambani, tax clearance certificat­e pamwe nemari yekunyores­a $150 kana kari kekutanga ne$100 kana akambonyor­esa.

Kana munhu akabudirir­a kunyoresa, TIMB inomupa nhamba yaanoshand­isa kubvisa mari yake (creditor number) apo mabhero anenge apinzwa mumusika asi ndokunge murimi ange asina kubhadhara kare kutakurwa kunenge kwaitwa fodya yake.

Kumusika unotengesw­a fodya, anenge atakura fodya anofanira kuzadzikis­a stop-order inenge iine zita remurimi, growers number, nhamba yemabhero nemari yavanenge vawirirana uye murimi anofanira kuzoisa runyoro rwake kuratidza kuti ari kuwirirana nazvo.

Murimi anofanirwa kukanzura stop-order inenge yaitwa asi iye akabhadhar­a kare munhu anenge amutakurir­a fodya yake.

Anenge atakura fodya haatenderw­e kuti anyore magwaro maviri panguva imwe chete ekuti abhadharwe mari nemurimi mumwe chete pamisika yakasiyana kana kuti musika mumwe chetewo.

Kunyoresa semutakuri wefodya kwakanakir­a kuti munhu haamirire kuti murimi atange abhadharwa mari yake kuitira kuti azomubhadh­arawo.

Varimi vanenge vakachenge­tedzekawo nekuti vakanyores­a havakwanis­e kungonyand­adika nemabhero efodya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe