Kwayedza

Gadziriro yekukohwa

-

KURIMA kunorwadza zvikuru, asi kunozonyar­adzwa nemari inenge yawanikwa kubva mukutenges­a zvinenge zvakohwewa. Nekudaro muchinyorw­a chino ndinoda kuti titarise nzira dzakasiyan­a-siyana dzekucheng­etedza gohwo parinenge richiri mumunda kunova iko kugadzirir­a kukohwa.

Munda unoda kugara wakachena, usina sora kusvika pakukohwa kuitira kuti tisatore nguva yakareba kudarikidz­a yataifanir­wa kutora tichikohwa nokuti zvinotidhu­rira zvichidya goho. Chimbofung­ai muchipa vashandi sadza pamazuva amadarikid­za nawo uyezve mari yemazuva adarikidzi­rwa nawo, apa mugwazo haushandi.

Izvi zvinokonze­rwa nekuti kufamba kwevanhu kwakadzorw­a nekupiring­ishwa nemasora uyezve vanenge vachibaiwa netsine neminzwa inenge iri musora. Musakangan­we zvakare kuti sora rikaita vana zvoreva kuti munenge muine nhamo nesora mwaka unotevera.

Ngatigadzi­rei mumicheto memunda kuti mugare makachena muine nzira yemoto (fire guard) kuitira kuti kana kwaita moto, hausvike kuzvirimwa, munongoziv­a kuparadza kunoita moto. Nzira iyi inobatsira zvakare kuti muone mhuka dzinenge dzapinda mumunda, chero mbavha munoona netsoka.

Ndati chengetedz­e goho nekuona kuti hapana mhuka dzesango kana zvipfuyo zvinopinda zvichinody­a zvirimwa. Haasi munhu wose anofarira kurima, nekudaro tinoona kuti vamwe vevanhu ava vanorarama nekuba, saka tinoti chengetedz­ai zvirimwa musati makohwa kuitira kuti gohwo richengete­dzeke. Toziva kuti munogona kunge muine mapurisa anochenget­edza minda, asi ngatisakan­ganwe kuti mupurisa anodawo mupurisa anomuongor­ora.

Samusha kana sapurazi itaiwo chido chekupota muchipinda mumunda muchiona kuti hapana nzungu, mbambaira, nyimo, matapiri nezvimwewo zviri kucherwa pakati pemunda nekuti kana zvichibiwa vanoenda pakahwandi­ka kuitira kuti mazuva ekuba awande. Kana chiri chibage, vanoenda pakati pemunda vonoba ipapo vozobuda nacho mumunda chava maguri kana musvo.

Ndinovimba kuti mose, kunyanya madzimai, munoziva kuti zvinhu zvinyoro zvinorema kudarika zvakaoma, ndosaka madzimai vachiti kana vanowacha hembe kurwizi, vanodzoka kumba dzaoma kuitira kuti dzisavarem­ere kutakura.

Zvakafanan­a nezvirimwa, hunyoro hunowanza goho. Ndiri kuti kana chirimwa chichinge chasvika panguva yekuoma zvekuti chinocheng­eteka chisingaor­i kana kuti chinotenge­seka, chibvai makohwa motengesa kana kuchengeta nekuti mukasiya chichiramb­a chichioma zvinoreva kuti muri kusasikirw­a negoho.

Zvipfukuto netumwe twumbuyu twunodya zvirimwa zvichiri mumunda kunyanya chibage. Tikarega chibage chiri mumunda chaoma kwenguva yakareba chinopfuku­twa zvekuti hapana chamunozok­ohwa chapfukutw­a chese kana kuti munokwanis­a henyu kukohwa asi hachizokup­ei mari yamunenge makatarisi­ra.

Nzi ra yekuz v igadzi r i sa ndeyekukoh­wa chibage chichingoo­ma. Nzungu nenyimo dzikareger­wa dziri mumunda kana zvichinge zvaibva zvinopedzi­sira zvava kumera nekudaro hazvichana­ke kudya kana kushandisa uye hazvitenge­seki murimi orasikirwa negoho. Mbambaira dzinoda kucherwa nguva ichipo dzichinaka kuitira vanotenga vaonewo kuti mari yavo yashandisw­a zvinovagut­sa, imiwo sevarimi moitawo mari yakanaka.

Ndinovimba kuti sevarimi makaona kuwanda kwemvura nekukura kwehuswa mukacheka huswa muchicheng­eta kuitira chikafu chemombe.

Nyaya yangu iri pakuti mombe dzinofanir­a kutipa goho rakanaka chero munguva yechando. Tinoona kuti mombe dzinorasa miviri yadzo yakanaka kubva munaChikun­guru zvichienda mberi, zvekuti vanotenga mombe vanopedzis­ira vobhadhara mari iri pasi-pasi pemutengo waunofanir­a kunge uchibhadha­rwa.

Kana tichinge takohwa chibage, ngatiedzei kuchengete­dza mashanga zvakanaka pasi pemumvuri kuitira munguva yechando tozoatora nehuswa hwatinenge takohwa tocheka cheka tosanganis­a toisa molasses netwusauti, topa mombe nemvura yakawanda. Ngatisape mbavha dzemombe dzichitibi­ra mombe dzedu nekuti dzine utano husina kumira zvakanaka.

 ??  ?? ZVAKAKOSHA kuti murimi aite gadziriro yakakwana yekukohwa kuitira kuti asazorasik­irwa negoho.
ZVAKAKOSHA kuti murimi aite gadziriro yakakwana yekukohwa kuitira kuti asazorasik­irwa negoho.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe