Makumbe akasendeka zvemutambo wetsiva
MAGUNNERS akarwa kuti ahwine kure nemusha wawo zvichitevera kukunda kwaakaita Middlesbrough 2-1 svondo rino uye ave kutevera Manchester City iyo iri pechina yakaasiya nezvibodzwa zvisere asi isati yatamba mumwe mutambo.
Wenger - uyo akashandisa vatambi vatatu kumashure kekutanga mumakore 20 - akati, “Kwatiri chinhu chimwe chete chatinoda, kuhwina mitambo yedu yese yasara kuti tiwane mukana wekupinda mutop four kutanga nhasi. Dai tisina kuhwina nhasi, mukana wekupinda mutop four ungadai usisipo.
“Tichizvitarisa, zvinogona kuita asi chokwadi ndechekuti zvichange zvakaoma, asi tichazama kusvika patinokwanisa.”
Achitaura pamusoro pekushandura kwaakaita chikwata chake, Wenger akati, “Ndekekutanga mumakore 20 - izvo zvinorakidza kuti nemakore angu pandasvika unogona kushanduka.
“Dzimwe dzenguva kana chikwata chako chisiri kutamba zvakanaka, zvimwe zvinhu zvitsva zvinodiwa kubatsira kuti vatarire mberi.
“Asi nyaya yekuti takanwiswa katatu kuWest Brom uye katatu zvakare kuCrystal Palace, ndakaona kuti panofanirwa kushandurwa chimwe chinhu.
“Ndakaona kuti matambiro atange tichiita mitambo yadarika handiwo saka ndakatsvaga nzira yekupagadzirisa.
“Asi panga pane kakutya kange karipo nekuti kana musiri kuhwina morari inodzikira yozodzoka hayo mbichana-mbichana.” - SportsMail Football SHASHA yakambonetsa mutsiva yechidzimai, Diana Makumbe, akasendeka magirovhosi ake emutambo uyu uye ave kuridza mhanzi mumusambo wembira.
Makumbe - uyo anove mumwe vevatambi vetsiva vanga vaine mukurumbira munyika muno - anoti akasiya tsiva achipinda munyaya dzemimhanzi senzira yekutsvaga pundutso muhupenyu hwake.
Zvisinei, anoti pane mamwe mapuromota ari kumukurudzira kuti arwe mutambo wekupedzisira unove wesendeka magirovhosi ake.
“Ndatora danho rekuchisiya tsiva ndichitsvaga zvimwe zvekuita muhupenyu hwangu.
“Kusiya wangu tsiva inyaya yekuti ndega ndakaona kuti ndofanirwa kutsvaga zvimwe zvinondiraramisa izvo zvakandituma kuvamba chikwata changu chinoridza magitare mumusambo wembira.
“Asi pane vanhu vakawanda vari kundikirudzira kuti ndisamhanye kusiya tsiva vachiti vanoda kuti ndirwe kekupedzisira, zvekuti vakaronga zvikabudirira ndinorwa,” anodaro Makumbe.
Munyaya dzemimhanzi, Makumbe anoti chikwata chake chichange chichizivikanwa seBlack Queen and the Black Survivors.
Parizvino vari kuridza kunharaunda yeDomboshava musi weSvondo rega-rega.
“Chikwata changu chave kutokwenya mbira uye svondo rega-rega tinoridza kuDomboshava inove nzvimbo inogara ichiuya vanhu vakawanda.
“Iye zvino tiri kutsvaga puromota angatibatsire kutsikisa