Kwayedza

Makumbe akasendeka zvemutambo wetsiva

- Abel Ndooka

MAGUNNERS akarwa kuti ahwine kure nemusha wawo zvichiteve­ra kukunda kwaakaita Middlesbro­ugh 2-1 svondo rino uye ave kutevera Manchester City iyo iri pechina yakaasiya nezvibodzw­a zvisere asi isati yatamba mumwe mutambo.

Wenger - uyo akashandis­a vatambi vatatu kumashure kekutanga mumakore 20 - akati, “Kwatiri chinhu chimwe chete chatinoda, kuhwina mitambo yedu yese yasara kuti tiwane mukana wekupinda mutop four kutanga nhasi. Dai tisina kuhwina nhasi, mukana wekupinda mutop four ungadai usisipo.

“Tichizvita­risa, zvinogona kuita asi chokwadi ndechekuti zvichange zvakaoma, asi tichazama kusvika patinokwan­isa.”

Achitaura pamusoro pekushandu­ra kwaakaita chikwata chake, Wenger akati, “Ndekekutan­ga mumakore 20 - izvo zvinorakid­za kuti nemakore angu pandasvika unogona kushanduka.

“Dzimwe dzenguva kana chikwata chako chisiri kutamba zvakanaka, zvimwe zvinhu zvitsva zvinodiwa kubatsira kuti vatarire mberi.

“Asi nyaya yekuti takanwiswa katatu kuWest Brom uye katatu zvakare kuCrystal Palace, ndakaona kuti panofanirw­a kushandurw­a chimwe chinhu.

“Ndakaona kuti matambiro atange tichiita mitambo yadarika handiwo saka ndakatsvag­a nzira yekupagadz­irisa.

“Asi panga pane kakutya kange karipo nekuti kana musiri kuhwina morari inodzikira yozodzoka hayo mbichana-mbichana.” - SportsMail Football SHASHA yakambonet­sa mutsiva yechidzima­i, Diana Makumbe, akasendeka magirovhos­i ake emutambo uyu uye ave kuridza mhanzi mumusambo wembira.

Makumbe - uyo anove mumwe vevatambi vetsiva vanga vaine mukurumbir­a munyika muno - anoti akasiya tsiva achipinda munyaya dzemimhanz­i senzira yekutsvaga pundutso muhupenyu hwake.

Zvisinei, anoti pane mamwe mapuromota ari kumukurudz­ira kuti arwe mutambo wekupedzis­ira unove wesendeka magirovhos­i ake.

“Ndatora danho rekuchisiy­a tsiva ndichitsva­ga zvimwe zvekuita muhupenyu hwangu.

“Kusiya wangu tsiva inyaya yekuti ndega ndakaona kuti ndofanirwa kutsvaga zvimwe zvinondira­ramisa izvo zvakanditu­ma kuvamba chikwata changu chinoridza magitare mumusambo wembira.

“Asi pane vanhu vakawanda vari kundikirud­zira kuti ndisamhany­e kusiya tsiva vachiti vanoda kuti ndirwe kekupedzis­ira, zvekuti vakaronga zvikabudir­ira ndinorwa,” anodaro Makumbe.

Munyaya dzemimhanz­i, Makumbe anoti chikwata chake chichange chichizivi­kanwa seBlack Queen and the Black Survivors.

Parizvino vari kuridza kunharaund­a yeDombosha­va musi weSvondo rega-rega.

“Chikwata changu chave kutokwenya mbira uye svondo rega-rega tinoridza kuDombosha­va inove nzvimbo inogara ichiuya vanhu vakawanda.

“Iye zvino tiri kutsvaga puromota angatibats­ire kutsikisa

 ??  ?? Arsene Wenger
Arsene Wenger

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe