. . .Chitembwe anoti vari mugwara
MURAIRIDZI weCAPS UNITED - Lloyd Chitembwe - anoti vacharwa semvumba mukuchengetedza mukombe wePremier Soccer League uyo v a k a hwinha mwa k a wadar ika uye vakuru vechikwata ichi va r i mubishi kugadzirisa zvichemo zvevatambi vake izvo zvinosanganisira nyaya dzekubhadharwa mari yemabhonasi yemitambo yegore rapera.
Chitembwe anoti nyaya dzekukakavadzana nevatambi vavo dzakagara dzinoitika nguva nenguva, vazvijaira uye vanotarisira kuti zvichagadzirika.
Apo zvimwe zvikwata zvakaita seNgezi Platinum Stars neFC Platinum zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura, Chitembwe anoti hapana chekumbotya.
Mumitambo yeKep e - k e p e yay a t amba mwaka uno yePSL, yakaita mangange wekutanga neShabanie 0- 0 ndokuzokunda Harare City 2-1 wechipiri.
Asi svondo radarika, yakakundwa 1- 0 neDynamos mumutambo weIndependence Cup semi- fainari.
Ngezi Platinum yahwina mitambo yayo yese mitatu yayatamba isina kumbonwiswa kozoti FC Platinum yakatamba miviri ndokuhwina yese.
Zvisinei, Chitembwe anoti kutungamira hakurevi kuti zvikwata izvi zvichahwina mukombe wePSL mwaka uno.
“Ligi r ichangotanga saka hatingatange kutaura zvekuhwina mukombe wePSL nekuti tichangotanga. Isu tinoziva zvatiri kushandira mwaka uno, takahwina gore radarika izvo zviri kutituma kuti tirambe tichishanda nesimba mwaka uno tihwine zvakare,” anodaro.
Anoendera mber i achit i, “Izvo zvikwata zviri kutungamira ngazvitungamire hazvo tichazvibata hedu tinozviziva, kutungamira kwetirakita chete.”
Vatambi veKepe- kepe nguva yadarika vange vachiramba kuita gadziriro dzavo vachiti vanoda kutanga vabhadharwa mar i dz avo dzebhonasi dzemitambo yavakahwinha gore radarika.
Panguva iyo Kepekepe inotarisirwa kunge i chi rwi ra kuchengetedza mukombe wayo wePremier Soccer League pamwe nekutanga gadziriro dzemitambo yeChampions League, chikwata ichi chiri mushishi kuedza kugadzirisana nevatambi vacho avo vari kumbosendeka shangu dzavo dzenhabvu vachiti vanoda kubhadharwa.
Zv i noi t a se k u ng e manyepo kuti kuchikwata ichi zvinhu hazvina kugadzikana sezvo mwedzi mishanu yadarika mhuri yeKepe- kepe yainge yakagara mudenga rechinomwe z v i chi t e ver a kusimudza kwayakaita mukombe wePSL.
Kozoti mimwe mwedzi yakatevera, chikwata i ch i cha ipembe r e r a kupinda mumagroup- stages eChampions League mushure mekunge chaburitsa TP Mazembe yekuDemocratic Republic of Congo.
“Nyaya yekuti vatambi vedu vanomboramba kuita gadzi r i ro dzavo nekuti vanoda kutanga vabhadharwa, hapana chinoshami sa nekut i tatozvijaira zvinogara zvichingoitika kanguva kadiki- diki.
“Zvinhu zvinowanikwa munhabvu asi tinovimba kuti varidzi vechikwata vari kumhanya kuzvigadzi r isa kuit i ra kut i tisanyanyosara murwendo rwekurwira mukombe wePSL,” anodaro Chitembwe.