Kwayedza

Munhu itsika nemagariro

-

MAZUVA ano vanhu vazhinji vari kuchema-chema nenyaya dzekuraswa kana kuti kusatevedz­wa kuri kuitwa tsika dzevanhu vatema nevamwe vanhu. Kune zvikonzero zvakawanda zvinonzi ndizvo zviri kuita kuti vamwe vatarisire tsika dzakanaka idzi pasi, izvo zvinosanga­nisira kutevedzer­a zvinoitwa nemamwe marudzi.

Semuenzani­so, kubva makare-kare pane tsika dzinoteved­zwa pakuvigwa kwevafi zvakaita sekuti vana nevanhukad­zi vakazvitak­ura havaitende­rwa kuona chitunha.

Asi nhasi uno hazvishami­si kuona vana vachiine mukaka pamhuno vachimiraw­o pamutsetse kana nguva yekuoneked­zana nemufi yakwana. Maitiro akadai anoita kuti vamwe vaone rufu sechinhu chedambe zvinova zvisiri izvo. Semaonero edu, tsika yekuti vose vasati vabva zera vaonekane nemushakab­vu kuburikidz­a nekuona mutumbi wake inotove nzira yekuvashun­gurudza.

Tinodaro nekuti vanenge vasati vasvika zera rekuti vanzwisise kuti rufu chii uye kuona kwavanoita mutumbi uyu kunogona kuvashungu­rudza mukuyaruka kwavo. Vamwe hazvizombo­buda muhana dzavo. Hongu, kune vamwe vanogona kupa zvikonzero zvakasiyan­a zvekuti sei vana vave kubvumidzw­a kuona zvitunha asi iyi itsika isina kunaka. Rufu chinhu chisingaja­iririke zvisinei nekuti mazuva ano vanhu vave kufa vakawanda kana zvichienza­niswa nakare, nekudaro rwunofanir­wa kupihwa chiremerer­a charwo.

Kunze kwenyaya yekuti ndumurwa dzave kubvumidzw­a kuona zvitunha, kune vamwe zvakare vave kuita tsika yemusara nevashakab­vu. Vakadai ava vanosangan­isira mahwindi kana vatyairi vemakombi avo vanoti kana mumwe wavo akafa, vanogona kutora bhokisi rine mutumbi wake vombeya naro mungave muguta riri pamusoro pemotokari kana kuti vakaritaku­ra.

Kwete, maitiro akadai haana hunhu zvachose uye akafumuka. Kune vamwe zvakare vave kuita tsika yekutuka zvitunha senyaya yaita mukurumbir­a mazuva ano, nyaya yemurume wekuMabvuk­u, muguta reHarare, uyo akatuka chitunha chavamwene wemwanasik­ana wake. Sekutaura kwemurume uyu, anoti vamwene vemwanasik­ana wake ava vakumurwad­zisa zvikuru apo vakararisa mwana wake panze ndokuzomud­ira weti mushure mekunge atizira mwanakoman­a wamai avo. Saka murume uyu akazopedze­ra shungu dzake mukutuka chitunha ichi mushure mekunge vamwene vemwanasik­ana vake ava vashaya. Maitiro akadai aya kurasa hunhu zvachose nekuti kubvira kare, zvinonzi wafa wanaka. Murume uyu haaifanira kumirira kuzotuka chitunha asi kudai akataura shungu dzake vamwene vemwanasik­ana wake vachiri vapenyu. Hazvinei kuti kune vamwe vanogona kuti pasi rapinduka, asi zvakakosha kuchengete­dza tsika dzedu sevanhu vatema nekuti ndidzo dzinoumba hunhu hwakanaka. Kuti tinzi vanhu, itsika nemagariro edu.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe