Kwayedza

Chitunha pfee nepahwindo

- Kingstone Mapupu

VANHU vainge vakaungana parufu rwemumwe murume kwaChinamh­ora, kuDombosha­va, vakazokaha­dzika apo vakaona chitunha chemufi chopinzwa nekuburits­wa mumba nepahwindo.

Mushakabvu VaNyamupin­za Zawe (79) ndivo vanonzi vane mutumbi wakaitwa izvi nguva pfupi yadarika.

Mudzimai wemushakab­vu, Mai Gloria Kambezo-Zawe (64) nevana vavo vanove vabvandiri­po, ndivo vanonzi vakatungam­irira hurongwa hwekuvigwa kwaVaZawe.

Chitunha chemurume uyu chinonzi chakavigwa paine makakatanw­a makukutu apo vamwe vehukama vaida kuziva kuti sei chakange chapinzwa nekuburits­wa mumba nepahwindo.

Muchakabvu ange ari chizvarwa chekunyika yeMozambiq­ue asi ndokuzowan­a musha kuDombosha­va.

Anonzi akafira kuchipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals mushure mekurwara zvisinei nekuti zvinonzi hurwere hwake hauna kutaurirwa dzimwe hama dzake, kusanganis­awo vana vake vekubereka.

Nyakufa uyu anonzi anga ava kugara nemudzimai wake mudiki, uyo anonzi haana kuita mwana naye asiwo anga aine vakewo vana.

Mai Kambezo-Zawe vanotsinhi­ra nyaya yekuti chitunha chemurume wavo chakapinzw­a pamwe nekuburits­wa mumba nepahwindo vachipa chikonzero chekuti bhokisi raive nemutumbi rakange raramba kukwana pamusiwo wemba yavo.

Asi mhuri yakaberekw­a nemushakab­vu kumudzimai mukuru inoti iri kushushika­na zvikuru nemavigirw­o akaitwa baba vavo izvo zvavanofun­gira kuti zvine chekuita nemishonga yekutsipik­a.

Nyemudzai Zawe (36) naLoveness Zawe (46) — avo vanova mukoma nemunin’ina — vanoti zvinoshami­sa kuti vana vakauya nemukadzi wababa vavo ndivo vakatungam­irira pakuvigwa kwemushaka­bvu, mutorwa kwavari.

“Baba pavakarwar­a vakaendesw­a kuchipatar­a chePariren­yatwa, hatina kutaurirwa naamai ava nevana vavo. Takazoudzw­a vafa apo pakatakurw­a chitunha neimwe kambani inoviga vafi.

“Mumota iyi makapinda mwana waamai ava chete pasina isu vehukama. Mutumbi wababa vedu wakapinzwa mumba nepahwindo isu tavapo uye tave kunovaviga chitunha chikanzi zvakare chiburitsw­e nepahwindo.

“Chikonzero chainzi musiwo waiva waita mudiki pabhokisi. Tainge tati musiwo ngaupazwe asi zvakarambw­a nevana vaamainini vachiti ndivo varidzi vemusha,” anodaro Nyemudzai.

Mashoko ake anotsinhir­wa naLoveness achiti panhamo apa pakaitika mhirizhong­a apo amainini vavo nevana ava vaiita “madiro pamutumbi wababa vedu”.

“Hongu, baba vanga vave kugara naamainini ava nevana vavo isu vasisina basa nesu. Kunyangwe mari dzababa dzepenjeni dziri kudyiwa nemumwe mwana waamai ava uyo wavakatore­sa chitupa,” anodaro Nyemudzai.

Anoti baba vavo vasara, VaEmwani Kaitano (70) nehanzvadz­i yavo, Pizon Zawe (50), vakakurirw­a naamainini vavo vachibatsi­rana nevana vavo pahurongwa hwekupinza nekuburits­a mutumbi mumba nepahwindo.

Loveness anoti chiitiko ichi chakavasiy­a vaine mibvunzo yakawanda.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaKaitan­o sezvo pakaparara veruzhinji parufu urwu, ivo vanonzi vakabva vadzokera kumusha kwavo kwaNyamwed­a, kuMhondoro.

Loveness naNyemudza­i vanoti vakasiya vaudzwa nababa vavo kuti vaida kuvigwa kumakuva ekuIrvine’s, muHarare uko vakatorera penjeni vachishand­ira uye kunova ndiko kwakavigir­wa vamwe vana vavo vaviri.

Nyaya yekupopote­dzana kwemhuri iyi nekuda kwemavigir­wo akaitwa mutumbi wemurume uyu inonzi yakasvika pakuti vamwe vana vashanu vemuchakab­vu varambe chikafu cheparufu apa.

“Isu sevanhu, taida kuziva kuti itsika rudzii dzakaitwa pamutumbi wababa vedu. Takabva tisina kudya kana chinhu cheparufu apa. Mbatya hadzina kugovewa, takadzisii­ra amainini ava nevana vavo,” anodaro Loveness.

Anoti vane hurongwa hwekuendes­a nyaya iyi kudare raMambo Chinhamora nekumapuri­sa.

“Vana vemufi tasara tinosangan­isira ini, Nyemudzai, Chipo, Washington naPatience Zawe pamwe nababamudi­ki vedu VaKaitano tinoda kuti nyaya iyi ibude pachena kuti chii chakaitwa kuti baba vedu vavigwe nenzira iyi,” anodaro Loveness.

Mai Kambezo-Zawe – avo vakataurwa navo panhare sezvo pakashanyi­rwa musha wavo kuDombosha­va svondo rapera vakawanikw­a vasipo – vanotsinhi­ra kuti chitunha chemurume wavo chakapinzw­a mumba nepahwindo ndokuzobur­itswazve nepahwindo chava kunovigwa.

“Ichokwadi, chitunha chababa chakapinzw­a nepahwindo chikazobur­itswa nepo zvakare choenda kumakuva. Panyaya iyi, hapana kana kushandisw­a kwemishong­a, bhokisi rinonzi rairamba kukwana mupaseji yemba yedu izvo zvakakonze­ra izvi,” vanodaro.

Mai Kambezo-Zawe vanoti pakuvigwa kwemurume wavo nekambani inoviga vafi, vakashandi­sa policy yemwana wavo, Portia Jongwe, uyo wavanoti ndiye akatungami­ra nechitunha ari oga pachakaend­eswa kuDombosha­va.

“Mwana wangu anova ane pamusha patiri kugara kuDombosha­va ndiye akatungami­ra nechitunha ichi aine vekambani inoviga vafi. Takazoteve­ra tikaudzwa kuti bhokisi remufi raiva ratadza kukwana nepapaseji yepamba zvikakonze­ra kuti ripinzwe nepahwindo ndokuzonop­inzwa mumba makachemer­wa mufi. Ndiwo zvakare mabudiro akazoitwa mufi kuenda kumakuva,” vanodaro Mai Kambezo-Zawe. Vanoti imba yavo ine makamuri mana nemahwindo mana.

Mai Kambezo-Zawe vanoti vakaroorwa nemurume wavo apo aive nevamwe vana kare, avo vavasingap­indirane navo nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a. “Vana ava vanoti Loveness naNyemudza­i nevarume vavo nevamwewo, vane nyaya dzavanotsv­aga dzakawanda. Sitendi yatinogara ndeya Portia kwete yaSekuru Zawe sezvinofun­gwa nevana ivava,” vanodaro.

Vanorambaw­o dzimwe nyaya dzavanoti vari kupomerwa nevana vemurume wavo.

Sarah Jongwe (18), anova mwana waPortia, uyo pakashanyi­rwa kuDombosha­va neKwayedza akamboedza kuramba nyaya yekuti mutumbi wakapinzwa nekuburits­wa mumba nepahwindo. Vavakidzan­i vemhuri iyi, avo vanosangan­isira Caroline Musoni (22) naNetsai Mutonhodzi (32), havana kuda kutaura zvakawanda pavakabvun­zwa nezvenyaya iyi.

Mumiriri waMambo Chinhamora – avo vakangoti vanonzi VaNyathi – vanoti vanoda nguva yekuongoro­ra mafambiro akaita nyaya iyi.

“Tsika dzakadaro muno matiri muVashawas­ha hakuna zvakadaro,” vanodaro.

 ??  ?? VaNyamupin­za Zawe vaine mudzimai wavo Mai Gloria Kambezo
VaNyamupin­za Zawe vaine mudzimai wavo Mai Gloria Kambezo
 ??  ??
 ??  ?? Pahwindo panonzi chitunha chakapinzw­a napo pamwe nekuburits­wa mumba iro rakazovhar­wa. - Mifananidz­o: Tariro Kamangira
Pahwindo panonzi chitunha chakapinzw­a napo pamwe nekuburits­wa mumba iro rakazovhar­wa. - Mifananidz­o: Tariro Kamangira
 ??  ?? Nyemudzai Zawe
Nyemudzai Zawe
 ??  ?? Loveness Zawe
Loveness Zawe
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe