Kwayedza

Tsotsi dzvi richiba zvipikiri

- Muchaneta Chimuka

MURUME wekwaSeke akanyara mudare zvekushaya pekupinda apo akakonwa nemhosva yekuba zvipikiri nemabhaudh­i izvo zvakange zvakabatis­wa mapuranga edenga remba yaiturikwa kuRiversid­e Park, kuChitungw­iza.

Mutongi wedare reChitungw­i z a Mag i s t rates’ Courts, Oliver Mudzongach­iso, akatemera Stewart Bhasikiti (24) — wemubhuku rekwaChits­vatsva, kwaSeke — chirango chekubhadh­ara faindi ye$20 uye kukundikan­a kwake anozogara mujeri kwemazuva makumi maviri.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti masikati emusi wa4 Kubvumbi gore rino, mumhan’ari Munyaradzi Run’anga ( 34) akange ari pamba pake panhamba 22734 kuRiversid­e.

Run’anga akazosimuk­a achienda kuchimbuzi ndokudzoka achiona Bhasikiti nemumwe wake — uyo asina kudomwa zita rake mudare — vari mushishi kubvisa zvipikiri nemabhaudh­i zvaive zvakabatis­wa mapuranga edenga remba.

Akabva aidaidzira kune veruzhinji vanove vakamubats­ira kutandanis­a vaviri ava apo vakange vave kutiza.

Bha s i k i t i akabatwa asi mumwe wake ndokupunyu­ka.

Zvavakaba — mabhaudhi nezvipikir­i — zvinokosha $20 uye zvakawanik­wa zvose.

Pakumira kwaakaita mudare, Bhasikiti akaedza kunzvenga mhosva yaaipomerw­a asi zvakakona.

“Mhosva iyi ndinoiramb­a nekuti pazuva iri ndakange ndiina mukoma wangu anova akange anditaurir­a kuti ane basa raakange achiita pamba apa rekugadzir­isa denga remba.

‘‘ Saka akange andideedza kuti ndinomubat­sira,” anodaro.

Zvisinei, dare rakabata muchinda uyu nemhosva yekuba nekuda kweumboo hwaivepo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe