Kwayedza

‘Mai mwana muri pfambi’

‘Kupiko, une shanje dzinobvira moto’

- Lizzy Mushoriwa

VANHU vaive mudare vakakahadz­ika apo mumwe murume akati aimbova mudzimai wake ainyepa kuti anoda mari yekuchenge­ta vana vavo vatatu asi iye achida kuidya nezvikomba zvake.

Jane Sagwati akashaya pekupinda mudare reHarare Civil Court apo Isaiah Chakwamba akamuti ipfambi yemakoko uye zvimwe zvikomba zvake zvinomufon­era zvichimuud­za kuti anofanira kubvisa mari yemendenen­zi iyi kuitira kuti zvigoidya pamwe chete nemukadzi uyu.

Sagwati akaudza dare kuti anoda $300 pamwedzi yekuchenge­ta vana vavo vatatu.

“Changamire, ndauya pano nechikumbi­ro chekuti baba ava vabhadhare mari yekuchenge­ta vana kubva pane zvekudya, mari yechikoro uye zvekupfeka. Ndinoda $300 pamwedzi,” akadaro Sagwati.

Sagwati akati anoita basa rekutenges­a matomatisi nekudaro mari yaanowana haikwane kuchengeta vana.

“Ini ndinotenge­sa matomatisi, ndinowana $ 30 pamwedzi saka naizvozvo haikwane kuchengeta vana,” anodaro. Chakwamba anoti mari iri kudiwa naSagwati yakawandis­a.

“Ini ndinopikis­ana naamai ava pakuti mari yavari kutaura yakawanda sezvo ndichishan­da mubhucha. Ndinohora $300 pamwedzi uye ndine mukadzi nevamwe vana vaviri,” anodaro Chakwamba.

Chakwamba anoendera mberi achiti Sagwati ipfambi yemakoko.

“Mukadzi uyu ipfambi yemandorok­wati uye chimwe chikomba chake chinondifo­nera chichindit­uka nekundisho­ropodza chichiti vanoda kudya mari iyoyo vose,” anodaro Chakwamba. Sagwati akabva amugamha achiti Chakwamba ane shanje uye iye haaite zvezvikomb­a.

“Murume uyu ane shanje dzinobvira moto, zvezvikomb­a zvaave kutaura izvi ndezvekuny­epa uye imviromvir­o dzekuti asabvise mari yemendenen­zi nekuti akati anoda kundi’fixer’,” anodaro Sagwati.

Mutongi Manassa Masiiwa akati Chakwamba abvise $140 pamwedzi yekuchenge­ta vana vake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe