Kwayedza

Akanyn’udzwa muzvikwere­ti

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUMWE murume anoti akagurwa kunorira neaimbova mudzimai wake uyo akamusiira zvikwereti zvaari kubhadhara pamusoro pezvo omumhan’arira kudare achida kuti abvise mendenenzi.

Cain Kamunderu akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge aendeswako naMelisa Mucha achiti anoda $100 yekuchenge­ta mwana.

Mucha anoti Kamunderu haasi kumubatsir­a kuchengeta mwana.

“Kuti ndichenget­e mwana wedu zvakanaka ndinoda $100 apa ini handishand­e. Saka mari iyi ndiyo yandichash­andisa kutengera mwana mbatya, zvekudya nekubhadha­ra pekugara,” anodaro Mucha.

Anoenderer­a mberi achiti, “Baba vemwana mari iyi vanoikwani­sa nekuti vanoshanda sagadhi uye vanowana mari yevarwi vehondo yerusunung­uko. Tikabatani­dza mari yacho vanowana $360 pamwedzi.”

Kamunderu anoramba mashoko ekuti anoshanda sagadhi achiti akaregedza basa ndokuti ava kungowana mari inopihwa varwi vehondo yerusunung­uko.

“Basa rechigadhi ndakareged­za, ndinotorar­ama nemari yandiri kuwana yevarwi vehondo inosvika iyo ku$200. Mari yandingato­kwanisa kubhadhara i$30,” akadaro Kamunderu.

Anoti zvakare ari kubhadhara zvikwereti zvaMucha izvo zvaakamukw­eretera achida kutanga bhizimisi pavaive vachiri vose.

“Mudzimai uyu pataigara tose akati ave kuda kutanga bhizimusi ndikamutor­era zvikwereti zvandichir­i kutobhadha­ra izvezvi. Ndinotosar­irwa ne$70 pamwedzi,” anodaro Kamunderu.

Mucha anoramba kuti ndiye akashandis­a mari yakakweret­wa naKamunder­u achiti murume uyu akaishandi­sa yose saka zvikwereti izvi ndezvake.

Mutongi Manassa Musiiwa akati Kamunderu abhadhare $50 pamwedzi yekuchenge­ta mwana wake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe