Kwayedza

‘Inini kuchengeta mwana, waani?’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MURUME wekuendesw­a kudare neaimbove mukadzi wake nenyaya yemendenen­zi akatsika madziro achiti haakwanise kuchengeta mwana waanofungi­dzira kuti haasi wake, kunyangwe zvazvo mari yekumuriri­tira ainawo.

Ta l e n t Ma n d i g o akamhan’arira aimbove murume wake, Emmanuel Muzuva, kuHarare Civil Court achida mari yekuchenge­ta mwana wavakaita vose.

“Ndauya kuno kudare kuti murume uyu andibatsir­ewo kuchengeta mwana watakaita tose,” anodaro Mandigo.

Akati anoda $140 nekuti iye basa raanoita harimupe mari yakawanda.

“Kuti ndichenget­e mwana uyu zvakanaka ndinoda $140 nekuti ini kuwana mari kwangu panenge patoita munhu anenge achida kubatsirwa basa, zvino akashaikwa handina kwandinoiw­ana,” anodaro Mandigo.

Muzuva anoti haakwanise kubhadhara mendenenzi yemwana waari kufungidzi­ra kuti haasi wake.

“Changamire, ini mwana wangu handitadze kuchengeta asi uyu handifunge kuti ndewangu. Ndiko kusaka ndisiri kupa amai ava mari yekuchenge­ta mwana,” anodaro Muzuva.

Anoenderer­a mberi achiti aigona kupa Mandigo $20 yekuti abatsirika­newo.

“Ndingatong­obatsirawo amai ava nemwana wavo ne$ 20 zvichitong­obvawo mutsitsi dzangu.”

Muzuva akaudza dare kuti anoda kuenda kunoitwa ongororo yeDNA kuti aone kuti mwana uyu ndewake here kana kuti kwete.

Mandigo haana kupikisana nekuti vanoongoro­rwa kuti zvionekwe kuti mwana uyu ndewani.

“Handina chandinova­nza ini, kana achida kuita izvozvo ngaaite. Chandinozi­va ndechekuti mwana ndewake,” anodaro Mandigo.

Mutongi Manassa Musiiwa akati Muzuva afanobhadh­ara $30 pamwedzi achimirira zvichabuda muongororo yeDNA.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe