Kwayedza

$600 yekuchenge­ta mwana mumwe

- Gamuchirai Muzanenham­u

SAMUSHA vekuendesw­a kudare neaimbova mudzimai wavo achida kuti vabvise $600 yekuchenge­ta mwana wavo vakazozvir­overera apo vakati dare rivatemere mari yavangabvi­sa sezvo vasina ruzivo rwemari yavanokwan­isa kuwana pamwedzi.

Reyna Murape akamiswa mudare reHarare Civil Court naMunondid­a Bernice achida mari yekuchenge­ta mwana wavo.

“Changamire wangu, ndiri kuda mari inondibats­irawo pakuchenge­ta mwana kubva kuna baba vake. Ndikawana $600 inokwana zvose kubhadhara chikoro, zvekudya, pekugara nezvekupfe­ka,” anodaro Bernice.

Anoenderer­a mberi achiti: “Mari iyi baba vemwana vanoikwani­sa nekuti vanozvisha­ndira vachiwana mari yakadarika yandiri kuda pamwedzi uye havana mukadzi kana mwana.”

Murape akaramba zvekuti anozvishan­dira achiwana mari yakawanda asi ndokubvumi­rana nemashoko ekuti haana mukadzi kana mumwe mwana.

“Ini handishand­e, ndiri kutochenge­twawo nevabereki nekuti ndiri mwana wechikoro. Amai vemwana vataura chokwadi kuti mukadzi kana mumwe mwana handina,” akadaro Murape.

Achibvunzw­a namutongi Manassa Musiiwa kuti angade kubatsira nemarii pakuchenge­ta mwana, Murape akati dare rimutaurir­e mari yacho nekuti iye haazive kuti angabvise marii.

“Ndiri kutodawo kuti dare rindibatsi­re kuti ndingabats­irawo sei nekuti mari yacho handina,” akadaro Murape.

Mutongi Musiiwa akati Murape abhadhare $120 yemendenen­zi pamwedzi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe