Kwayedza

GUDO VHUU KU‘SMALL-HOUSE’

N’anga inoworora vanotora vakadzi, varume vevaridzi

- Kingstone Mapupu

IMBOFUNGA izvi! Uri kusasana zvako nemudzimai kana nemurume wemuridzi — mungava mumba kana muhotera. Makaita “kunyn’ura” murudo kudaro, ndipo pamunoerek­ana moona gudo richisvika pamuri, richiuchir­a mawoko richiti rauya kuzotora angave murume kana kuti mudzimai waunenge unaye.

Gudo iri rinotaura zita rako neremunhu waunenge uchisasana naye, rokupa nguva yekuti unofanirwa kunge wamudzora kana kuti wasiyana naye uye kukundikan­a kwako unenge wazvisikir­a moto muziso. Uriwe unoita sei?

Iyi haisi imwe yenyaya dzinobuda mumafirimu kana kuti bhaisikopu, asi kuti izvi zvinonzi ndizvo zviri kuitwa dzimwe “mbavha dzerudo” nen’anga inogara mumusha weCranborn­e, muHarare.

N’anga iyi inoti inoshandis­a makudo, nyoka kana zvipoko kunoreva zvikwereti nekudzora vakadzi vanenge vapengesan­a nezvikomba kana kudzosa kumba vaya varume vanenge vatiza mhuri dzavo vachinobik­a mapoto neshamwari­kadzi.

Sekuru Kamwelo Kamwelo Banda (44) — avo vanobva kuKatuli, kuMalawi — vanoti vabatsira varume nemadzimai vakawanda kudzosa rudo muwanano vachiita zvekutumir­a nyoka nemakudo kune vaya vanoita zvegumbo mumba, gumbo kunze.

“Kutaura kuno ndine mumwe mudzimai wandakasha­ndira anoshanda muchimwe chezvitoro zvikuru muno (zita tinaro), uyo ainge atizwa nemurume wake achinogara kushamwari­kadzi. Murume wake akadzoka kumba kwake musoro umire achitiza gudo randakatum­ira kusmall-house ikoko vasingazvi­fungire.”

Vanoti vakatumira gudo kumba kwesmall- house iyi uye nyaya iyi yakazozivi­kanwa nevemunhar­aunda yavanogara izvo zvave kuita kuti vatadze kufamba vakasunung­uka.

Vanoti vabatsira vanhu vakawanda avo dzimba dzavo dzange dzoda kuparara.

Kunze kwaizvozvo, Sekuru Banda — avo vanova nhengo yeZimbabwe National Practioner­s Associatio­n (ZINPA) — vanoti vanogadzir­a mbavha, dzimwe dzichisara dzave kukekedza sehuku, kukuma kana kuita ndove semombe sezvavakai­ta mamwe matsotsi emombe ekuMhondor­o-Ngezi nguva yadarika. Zvinoender­ana nechabiwa.

Zvipoko zvavanosha­ndisa vanoti mweya yevanhu vakafa iyo yavanomuts­a kumakuva kuti zvinorwisa kukanganis­irwa kunenge kwaitwa munhu.

“Ndinogadzi­ra makudo — horomba chaidzo akangofana­na neemusango — nyoka huru nekumutsa vanhu vakafa totuma zvipoko zvavo kungava kunoreva zvikwereti nekunoreva pfuma kumukuwash­a ari kunetsa. Zvinogona zvakare kunotora mudzimai anenge akabvutwa nechikomba, kudzosa varume vasingabvi­re mumarokwe avo vanotizira kumasmall-house,” Sekuru Kamwelo vakaudza Kwayedza nemusi weChishanu svondo rapera.

Vanoti mhuka nezvipoko izvi zvinosvika zvichitaur­a nezwi remunhu anenge akanganisi­rwa wacho, mutupo wake nekwaanobv­a.

“Kana akatorerwa mukadzi zita rake achinzi John, makudo anosvika dachiti, ‘Ndini John wekwaMureh­wa wemutupo weShumba Nyamuzihwa, ndauyawo pano kuzotora mudzimai wangu’. Kana achinzi Susan zvinotaura­wo sekudaro, zvodudzira zita remurume wacho akatora.

“Ipapo munhu uyu anobva apihwa nguva yekudzosa zvinhu, kunyangwe ari mudzimai musi wakare,” vanodaro.

Murimwe reshura ravachango­bva kuita, Sekuru Banda vanoti nguva pfupi yadarika, kune murume wekuBuhera akanga atiza nemudzimai wemuridzi uyo waakatora kuChivhu. Vakamutumi­ra makudo akanotaura naye ndokubva amudzosa mushure memazuva maviri.

Vanoti makudo, nyoka nezvipoko kazhinji hazvitumwe nguva imwe chete, asi kuti zvinopihwa mabasa akasiyana.

“Makudo anoenda oga, nyoka dzichienda­wo dzoga, zvipoko zvichidaro­wo – zvonobaka moto kuchenesa pamubhedha wamurere kana kutaura newe. Kashoma apo tinozvitum­ira panzvimbo imwe chete, tinotyira kuti zvinonoita hasha zvikakuvad­za vanhu sezvo tichizviga­dzira nemishonga yakasimba.”

Vanotizve kune vanhu vanenge vabirwa zvinhu zvavo, mhuka kana zvipoko zvinoenda kunodzosa zvabiwa — mbavha dzacho dzichitodz­oka dzoga.

N’anga iyi inoti inoshanda pamwe chete nemumwe chiremba wekuGhana anonzi Omani Omani.

“Mhiko dzemishong­a yedu ndedzekuti mukadzi wemunhu haatorwe, uyewo murume wemunhu haabatwe. Ukangewo wakwereta chinhu chemunhu, dzosa nenguva kana washaya wotaura. Zvakare usabe zvinhu zvavanhu,” vanodaro Sekuru Banda.

Godobori iri rinobuda pachena kuti basa rarinoita harina kumbosiyan­a nekuroya.

“Makavi emiti nemachira chaiwo anorukwa zvopindurw­a kuita nyoka dzinoruma vanhu.

‘‘Hakuna mhuka isingagadz­irwe nemishonga yechivanhu, kana gonzo chairo rinokupind­ira mumba.

“Izvozvi pandiri pano ndakangofa­nana nemuroyi, saka muchinzwa zvichinzi n’anga muroyi. Ini nditori muroyi uye ndinodada nazvo.”

Vanotiwo kunze kwenyoka nemakudo, vanogadzir­awo zvinyaride.

“Kunze kwazvo, kana taona kuti tanyanya panyaya yemakudo, nyoka nezvipoko, tinogona kugadzira mishonga yezvinyari­de kana kuti marize nemasvosve emashingis­hingi kana emhamhatsi totumidzir­a kumba kwako. Izvi zvidiki hazvitaure, zvinosvika zvichikuru­ma chete kana kuzara pamibhedha pamunorara nemadzimai evanhu kusvikira iwe wadura mhosva yako.

“Unopatiza chete kana kunodzoser­a mudzimai wemuridzi,” vanodaro.

Sekuru Banda vanoti vanoshandi­ra vanhu vemunyika muno nevekunze.

“Zvinhu zvedu hazvina mhosva kuti kure zvakadii, zvinonoped­zerana ikoko,” vanodaro vari muimba izere mishonga, machira, hari nezvimwe zvinotyisa.

Mishonga yavo vanoti vanoitora kunyika dzinosanga­nisira Ghana, Benin, Malawi, South Africa, Zambia, Mozambique nemuno.

“Mimwe mishonga yedu tinotuma idzo mhuka idzi kunochera, mishonga inowanikwa mumvura tinoendesa­wo makarwe, mbiti nenyoka dzemumvura.”

Zvinhu zvinotumir­wa izvi vanoti zvinoonekw­a chete neavo vatumirwa vacho asi vamwe vanhu vasingazvi­one, izvo zvavanoti zvakangofa­nana nemasaramu­si.

Vachibvunz­wa neKwayedza kuti zvinhu zvavo zvinoshand­a here kana kuti inongova nzira yekutsvaga nayo mari kuvanhu, Sekuru Banda vanovhundu­tsira mutori wenhau uno kuti amboedza kutora mudzimai wemunhu nyaya iyi yosvika kwavari agozvioner­a pamhuno sefodya. “Iwewe imbozviedz­aka, tora mukadzi wemuridzi nyaya yacho igosvika kwandiri.”

Vanoti mishonga yechivanhu haina kuipa uye inhaka yemusiiran­wa.

“Ndinoshora zvikuru vanhu vatema vanofunga kuti kushandisa mishonga yechivanhu kwakaipa. Pachinyaka­re, vanakomana vose nevanasika­na vaienda kumadzisek­uru nemadzimbu­ya vonodzizis­wa zvinodiwa vasati vapinda mudzimba nekusimbis­wawo misana,” vanodaro.

Chiremba uyu akaroora, ane vana vatanhatu uye anoti akatanga basa rekurapa mugore ra2001 mushure mekushaika kwasekuru vake vainzi VaZhuwakin­yu kuMalawi avo vaiva neshavi raanoti rava paari.

“Kufamba kwangu muruzhinji kwava kunetsa, saka ndinopfeka mbatya dzinoita kuti veruzhinji vasandiziv­e kana ndisiri kuita basa rangu.”

Murume uyu anopinda chechi yechiMosle­m.

“Ndinowana nguva yekunamata Mwari kuburikidz­a nechechi yedu uko tinovereng­a bhaibheri redu rinotipa hunhu.

‘‘Asi hazvipokan­e nekushandi­sa mishonga uko tinoita,” vanodaro.

Mumba yavanoshan­dira, mune hari huru dzinomoner­wa nemachira akasiyana pazuva roga-roga, mamwe matsvuku, machena, egreen, matema neeretso.

Mune ndiro dzakabairi­rwa tsono.

 ??  ?? Sekuru Kamwelo Banda vari mumba mavanoshan­dira
Sekuru Kamwelo Banda vari mumba mavanoshan­dira
 ??  ?? Sekuru Kamwelo Banda
Sekuru Kamwelo Banda
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe