Kwayedza

Kunhonga vhunze nemuromo kudini?

- Munyaradzi Gunduza

UYU mutambo wakanyorwa uri mururimi rwechiShon­a naBright Chimedza Mashayamom­be ndokutsiki­swa neveZPH mugore ra2015. Bhuku iri rine mapeji 84.

Kupindiran­a kwemusoro webhuku nemutambo:

Musoro webhuku iri uri kubuda zvine hungwaru uye zvinoda hudzamu hwendangar­iro kuti muverengi atange aunzwisisa asati averenga mutambo. Kunhonga vhunze nemuromo kunogona kunge kuri kuita zvinhu zvinoguma zvapinza munhu mumatambud­ziko kana muzvinhu zvinomushu­ngurudza. Kunhonga vhunze nemuromo kunogona kunge kuri kupopota zvekuti munhu anosvika pakutaura mashoko anorwadza nyakuudzwa wacho. Izvi zvinoratid­za kuti musoro webhuku iri unoburitsw­a nenzira dzakasiyan­a-siyana. Hezvinoi zvimwe zvinotsigi­ra musoro webhuku:

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanoudzwa naRuvengo kuti vabatsiran­e kuchengeta Mbuya Haruna naMaggie. Tinonzwa achiudza Ruvengo kuti usandiramb­idze kuti ndinofurwa nemhepo kana kutarisa mubatiro wandinoita amai vako naMaggie. Anoti haasiriye akagomera Maggie uye haana kugomerwa naVaHaruna mushure memashoko aya anobva aridza zvake chikwe- e. Kupopota kunoita Cindy apa achitaura nemurume wake kunoratidz­a kuti anga anhonga vhunze nemuromo nekuti mazwi aakataura anoshaisa Ruvengo mufaro.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanodavir­irwa nhare yake naRuvengo achigeza. Anobuda muimba yekurara achienda mune yekutandar­ira maive naRuvengo ainge abva kudaira foni yake ndokusvika achiridza tsamwa nekupopote­ra murume. Tinonzwa achiti foni yangu usatomboda­ira iwe mbiti yemunhu apa anenge ashatirwa zvikuru. Anoti Ruvengo asambobata foni yake nyangwe irire zvemhando ipi.

Kupera kwehuMembe­r of Parliament hwaRuvengo kunoita kuti agare achinhonge­rwa vhunze nemuromo naCindy. Tinonzwa paanotaura naCindy achiti, “Chii chandakuta­dzira chinguri wabvira kudya nhundurwa? Chiiko chinokupa kutaura neni wakamira kudaro? Ndinodaro nekuti pandaiva Member of Parliament waisadaro, waindipa ruremekedz­o rwese, Cindy.” p.18.

Izvi zvinoratid­za kuti Ruvengo akanga ave kunhongerw­a vhunze nemuromo naCindy sezvo aive asisina mari.

Laiza anonhonga vhunze nemuromo paanoudzwa naZariro kuti upenyu idungamunh­u achidudza chimiro chakanga chiri kuna Cindy. Laiza anobva angonhonga vhunze nemuromo pakarepo achiti, “Usapindire isiri yako, unofira yomumwe. Zvekuti upenyu idungamunh­u ndezvekupe­nga izvozvo. Handidi kuti mwana wangu ashushwe uye ziva kuti muvengi waCindy ndivamwene vake.” Laiza anonhonger­a murume wake, Zariro vhunze nemuromo zvekusvika pakumuudza kuti ainge arutsa kutaura.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanosheve­dza Tsitsi achimuudza kuti haasi kuchenesa muimba yake yekurara. Ruvengo paanoda kupindira nyaya yacho anobva anhongerwa vhunze nemuromo achinzi, “Sunga chiromo chako, handisi kutaura newe. Davira yawasumwa usapindire nedzisiri dzako. Nyaya iyi ichiri kuvanhu, haisati yasvika kumapfeni.” p.24.

Cindy anonhonga vhunze paanoramba kuteerera murume wake, Ruvengo achiti akanga ave kupfeka zvaanoda, kuenda kwaanoda nekuita zvaanoda pasina aimuudzira zvekuita nekuti akanga ave nemari yekuzviiti­ra zvinhu zvake ega. Izvi zvinoita kuti azogumisir­e arambwa naRuvengo.

Tsitsi anonhonga vhunze nemuromo nekurega kutsvaira pamwe chete nekuchenes­a chimbuzi chemuimba yekurara yaCindy naRuvengo asina chikonzero chaigutsa Cindy. Tinonzwa achipopote­rwa naCindy nekuti akanga asiri kuchenesa muimba iyi uye zvinopotsa zvamutemes­a nechiringi­ro.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanoramba kuteerera dzidziso neyambiro yaanopihwa naRegina kuti agare navamwene vake zvakanaka. Kuramba kuteerera kwake kunozoguma kwamurambi­sa naRuvengo pamwe chete nekumusung­isa nemapurisa.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanotanga kuramba kugara navamwene vake achiti ngavadzoke­re kumusha kuDharuwen­i nekuti vairoya. Kuvapumha huroyi kwaaiita kwakazogum­a kwamunhong­esa vhunze nemuromo paanorambw­a naRuvengo.

Tinopedzis­a musoro webhuku svondo rinouya.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe