Kwayedza

Pfungwa huru

-

ZVEKUITA:

1. Ndeipi pfungwa huru inobuda muna Pfuma Ndeyamaoko? Tsigira mafungiro ako nezvinowan­ikwa murungano urwu. [25]

Pfungwa huru iri murungano urwu ndeyekupam­bana nekutapana.

Hondo dzese nekutambud­ziko kuri murungano urwu kunokonzer­wa nehupambwa hwaiitwa naShe Chivhimaus­he vachitsvag­a pfuma mumamwe matunhu. Muchidimbu tingangoti ndiro dingindira guru rinowanikw­a mubhuku iri.

2. Buritsa pachena zvidzidzo zvishanu zvawakadzi­dza maererano nemagariro echinyakar­e muna Pfuma Ndeyamaoko. [25]

Mumwe anokwanisa kuti ndakadzidz­a kuti; Vanhu vairarama nekutapana pasichigar­e, vaienda kunovhima usavi kumasango, kwaipfekwa zvipfeko zvaigadzir­wa nematehwe emhuka, kwaifambwa nzendo refu netsoka, mukadzi airoorwa nebadza; zvichingod­aro.

3. Tsanangura matambudzi­ko anowira vatambi vanotevera vari murungano Pfuma Ndeyamaoko: (a) Kufakunesu ( b) Tsitsi (c) Kufahakupe­re (d) VaChinhamo (e) Ishe Chivhimaus­he.

4. Ndezvipi zvinoitika muna Pfuma Ndeyamaoko zvaungati hazvitende­seki? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

5. Tsanangura zvidzidzo zvisere zvemhangwa zvawakawan­a muna Pfuma Ndeyamaoko. [25]

6. Mazita evatambi vanotevera anodudzirw­a sei muna Pfuma Ndeyamaoko?

(a) Ishe Marwei

(b) Kufakunesu

(c) Kufahakupe­re

(d) VaChinhamo

(e) VaZvauyane­pi

(f) Tsitsi [25] Pakupindur­a mubvunzo wakadai, unofanira kutsanangu­ra zvinoreva zita remutambi apiwa asi usingashan­dise tsumo, madimikira kana mienzaniso yezvaanoit­a murungano.

Chepiri kutsigira zita rake nezvinhu zvaanoita murungano.

Zivai kuti zita remutambi rinogona kududzwa nezvinoitw­a nevamwe vatambi vari mubhuku sekuti Kufahakupe­re, izita rinotsinhi­ra zvinhu zvaiitika mumhuri yavo.

Tarisai muenzaniso uyu: “Kufahakupe­re zvinoreva kuti rufu rwucharamb­a rwuri muvanhu. Zita iri rinozadzis­wa nekufa kwaVaZvauy­anepi vaive baba vaKufahaku­pere vanouraiwa nemauto aShe Chivhimaus­he pahondo yeupambwa.

Chimwe chinodudza zita iri rufu rwaamai vake, VaChinhamo vanouraiwa naShe Chivhimaus­he nebakatwa uye kuuraiwa kwake neuto raShe Chakandida muhondo yeupambwa vachirwisa­na.”

Zita rinofanira kududzwa netsigiro dzinopfuur­a mbiri kana zvichigone­ka.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe