Kwayedza

New Curriculum makeke: Kateera

- Malven Mugadzikwa

CHIDZIDZO chemutambo mutsva weWoodball – chinova chimwe chezvidzid­zo zvitsva zviri muNew Curriculum – chakaparur­wa nguva pfupi yadarika mudunhu reHarare uye pari zvino vamwe vana vari mushishi kugadzirir­a kuenda kunokwikwi­dza mumutambo uyu kuUganda.

Vachitaura pakuparurw­a kwemutambo uyu, mukuru wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristop­her Kateera, vanoti kuparurwa kwawo muchereche­dzo wekukoshes­a kuri kuita dunhu ravo chirongwa cheNew Curriculum.

“Chinangwa chekuita mutambo uyu kuda kufambiran­a nehurongwa hweNew Curriculum. New Curriculum inokurudzi­ra kuti mwana wegawega anofanira kuvawo nemitambo miviri pamitambo yese inoitwa muzvikoro yaanogona. Mutambo weWoodball ndemumwe wemitambo yatiri kuda kuti itambwe muzvikoro nyika yese asi dunhu reHarare ndiro rakatanga nawo.

“Kubva kunhabvu kusvika kumitambo midiki, mwana anofaniraw­o kuwana mutambo waanogona kutamba. Tinodaro nekuti ndiyo imwe nzira yekutsvaga zvipo zviri muvana uye yekuzvivan­dudza. Zimbabwe ndiyo zvakare nyika yekutanga kuita mutambo uyu panyika dziri mudunhu reSouthern Africa,” vanodaro VaKateera.

VaKateera vanoendere­ra mberi vachiti, “Mutambo weWoodball wakavambwa mugore ra1990 senzira yekuzvivar­aidza asi pari zvino wava kutambwa kunyika dzakawanda pasi rose. MuAfrica, Uganda ndiyo nyika yekutanga kuita mutambo uyu muna 2007.”

VaKateera vanokurudz­ira mamwe matunhu munyika kuti aumbewo makomiti nezvikwata muzvikoro kuti VaChristop­her Kateera VaAnthony Mhene

vazokwikwi­dza mumutambo uyu.

Sachigaro wekomiti yeWoodball mudunhu reHarare, VaAnthony Mhene, vanoti vari kuronga zvikwata zvichanokw­ikwidza kuUganda muna Chikumi gore rino.

“Mutambo uyu takauparur­a muHarare asi tava kutotanga kuita hurongwa hwekuti utekeshere muzvikoro zvose zvemunyika uye tava kugadzira matimu evakuru neevana vechikoro ekuti aende kuUganda, vapinde mumakwikwi ekutanga. Izvi tiri kuzviitira kuti vana vedu vanoenda ikoko vadzidze nezvemutam­bo uyu kwawakatan­gira kwacho muAfrica uye kuti varairidzi vavo vave neruzivo rwakadzama nezvawo,” vanodaro VaMhene .

 ??  ?? Vana vaitamba woodball nguva pfupi yadarika.
Vana vaitamba woodball nguva pfupi yadarika.
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe