Kwayedza

Rudo rwedandemu­tande rwune njodzi muhupenyu

- Tadiwa Nyatanga-Pfupa (Communicat­ions Officer for NAC)

NYAYA dzekupinda murudo nevadiwa vakasiyana kana kuti rudo rwedandemu­tande dzinosanga­nisira vanhu vakawanda vanenge vachipanan­a bonde nemunhu mumwe chete panguva imwe chete.

Rudo rwemhando iyi rwunoita kuti utachiona hweHIV hunge huchiparar­ira nekukasika kuvanhu vakawanda.

Vanhu vazhinji vari murudo rwedandemu­tande vamwe vacho vanenge vachiziva asi vamwewo vasingazvi­zivi.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanhu vari murudo rwedandemu­tande urwu ndivo vari pamberi mukugona kuparadzir­a utachiona hweHIV.

Mubvunzo yaunofanir­a kuzvibvunz­a inoti:

- Ndiri murudo rwedandemu­tande here?

- Ndine vadikani vangani vandinosan­gana navo pabonde?

- Mudikani wangu ane vamwe vadikani vangani vaanosanga­na navo pabonde?

Zvinhu zvinorema kuti unge uchiziva kuti mudikani wako ane vadikani vangani kana iye kuti azivewo kuti iwe une vamwe vangani. Ipfungwa inosarira imi vaverengi kufuga kana kuwarira.

Vamwe vakadzi vechidiki vanowanikw­a vari murudo rwedandemu­tande nevarume vemazera akasiyana sekuti vachidanan­a nevarume vakuru kwazvo kupinda ivo. Vamwe vanopinda murudo rwemhando iyi nechinangw­a chekuti vange vachiwana zvakasiyan­a zvakaita semari. Izvi zvine njodzi huru kuva murudo rwedandemu­tande rwemhando iyi nekuti vasikana vakaita hushamwari hwepabonde nevarume vakurusa kwavari, vanodazve vakomana vezera ravo kuti vazorooran­a. Avavo mai vechikuru varikumba kwababa ava vanenge vatopindaw­o mudandemut­ande asi ivo vakavimbik­a kumurume wavo mumwe chete.

Vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo kuti vawane mari ndivo vamwe vari panyatwa yekutapuri­rwa utachiona hweHIV, zvikuru sei vasikana nemadzimai echidiki.

Madzimai echidiki anokundika­na kuwana simba rekuti vashandise dziviriro yekondomu nevarume vakuru kwavari, zvikuru sei kana riri bonde rinozoda kubhadharw­a.

Makondomu anofanira kushandisw­a kunyangwe muwanano asi nekuda kwetsika nemagariro evanhu, mamwe madzimai anowanikwa achikundik­ana kuti vange vachizvidz­ivirira nekuti vakakura vachidzidz­iswa kumba nekuchechi kuti vazviise pasi pevarume vavo. Bonde rakadzivir­irwa ikodzero yemunhu wese, angava murume kana mukadzi, ari muwanano kana asiri.

Vechidiki vanokurudz­irwa kuti vanonoke kupinda munyaya dzepabonde uye kune vari kupanana bonde, zvakakosha kuti vashandise dziviriro yekondomu nguva nenguva.

Ngatiedzei nepatinogo­na napo kudzivirir­a kupinda mudandemut­ande repabonde.

Izvi zvinogonek­a kana tikaita mudikani mumwechete wepabonde akavimbika.

Tikasadaro tinogona kuzoona kuti munhu anogona kunge ari mudandemut­ande rimwe chete namai Mufundisi vake kana ambuya vake chaivo!

Zvakakosha zvakare kuti vanhu vange vachinovhe­nekwa utachiona hweHIV vazive pavamire kuti vakwanise kurapwa kana vachinge vaonekwa kuti vanahwo uye kuti vashandise dziviriro yekondomu kana vave kupinda pabonde. Avo varikumwa mishonga yemaARV vanokurudz­irwa kuinwa sekurairwa kwavakaitw­a navanamazv­ikokota vezveutano.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe