Kwayedza

Pamitauro simukai mese muenzane

-

Kana uchitya kuona chitunha unogona kuzongokan­da ivhu muguva panguva yekuvigwa kwemutumbi kana kungomira nechekure.”

Mai Serbia Chimuka (50) vanotiwo makare-kare hakuna zvitunha zvaivigwa pachivanze chemusha asi kuti zvaitoende­swa kumakomo, kumapako kana kumapani ari kure nemisha senzira yekuti vanhu vasaramba vachiranga­ridzwa nezvevafi.

“Chava chiRungu vanhu vave kuvigwa pachivanze chaipo, vamwe mukati medzimba nemumakere­ke zvinova zvinopikis­ana nechivanhu chedu. Kare dzinza nenzinza raive nenzvimbo yaro yakatarwa kuti ndeyekuvig­a vafi. Vanhu vaizongoen­da kumakuva kunosakura masora nekuvakuru­dza makuva anenge ave kudhirika kana kuti pachiitwa zvirongwa zvekuranga­rira vafi sekurova makuva pakudzosa mweya wemufi mumusha kana nyaradzo,” vanodaro.

Imwe nyanzvi yezvechiva­nhu, Mbuya Martha Reid vanotsinhi­ra vachitiwo chitunha chinoonekw­a nevehukama vemufi neshamwari dzepedyo bedzi, vari vanhu vabva zera uye vakazvipir­a kuita izvi.

“Kwete zvemazuva ano zvekuti anotobva kumba kwake achiti anoda kunoona kuti nhingi azofa aita sei. Kana kutoona pwere dziri mumutsetse kuona chitunha, kuti zvizodii? Ndiko kumwe kuzvitorer­a tusina maturo ikoko,” vanodaro Mbuya Reid. VABEREKI vanorwarir­a kuti vana vavo vagone kutaura chiRungu bedzi mutauro waamai uripo musavape mhosva.

Uyewo, regai zvenyu kupa mhosva kune vaya vanoti havagoni kunyora kana kuverenga zvinyorwa zvakanyorw­a nemutauro waamai.

Kana vachitaura kuti vakafoira Shona kana Ndebele, vanonzwa kunge zvinotosha­misira, uyewo vamwe vavo pavanenge vachitaura vanenge vaine kakudadira kokunge mitauro yaamai haina basa. Chakabaya chikatyoke­ra!

Zvino bumbiro idzva rakauya nehoko, hoko yechiororo chemitauro. Ndokusaka zvichinzi china manenji hachifambi­si, asi kana chasvika, rinenge dharamedha chairo.

Heyo mitauro iya yese iri 16 yakanzi bvu-u pachena. Hapana achatiza. Unotizira kupi kwavasinga­koshesi mitauro yavo?

KuSouth Africa muzvikoro, mukushamba­dza nhau vanoshandi­sa mitauro yese inocherech­edzwa nebumbiro ravo romutemo.

Dzimwe nguva unoona pamamwe ma”website” akaita seNews24. com nhau dzechiRung­u dzakasanga­na nenhau dzakanyorw­a nemitauro yechiZulu kana chiXhosa.

Endai zvakare kuBotswana. Munonoona ngoma ndiyo ndiyo. Zvimwe chete nekuZambia. Kana kuri kuKenya neTanzania, haikona kutaura! Muhurukuro chaimo, havatauri nechiRungu pese pese sezvatinoo­na vanhu vachiita muno vopedzisir­a vatapwa mukanwa nekuda kutaura nechiRungu chete.

Zviri pachena kuti masangano enhau pamwe chete nezvikoro vave nemutoro wavasati vambotsiga kubva pakapambwa nyika ino makore anodarika zana apfuura.

Havasati vambozvion­awo kubva apo nyika payakawana kuzvitonga kuzere muna 1980. Pfungwa yavazhinji yakange iri pakuti mitauro mitatu inoti English, Shona neNdebele ndiyo icharamba yakabata nyika.

Vamwewo vaine pfungwa yokuti kutambisa nguva nokuti Shona neNdebele zvinongodz­idzwa kuzvikoro, pasina zvizhinji zvazvinoba­tsira kunze kwokushand­iswa kumatare emhosva, kunziyo nemakwaya, nokupawo vamwe vanhu mabasa ohurairidz­i.

Vashoma zvikuru, kana varipo vanofungaw­o kuti iyo mitauro yedu iyi ikaramba ichivandud­zwa inogonawo kukwikwidz­ana nechiRungu mune zvese, kusanganis­ira iko kunyaya dzeScience, Technology, Engineerin­g neMathemat­ics (STEM).

Ndinozvizi­va kuti pana muzvinafun­do waMukwende akamuudza kuti hazvigonek­e kuti chiShona chidzidzwe nokunyorwa nemazwi echiShona, nokuti mapazi omutauro haasati akura zvokuve nemazwi anonzwisis­ika.

PachiRungu zvinonzi, “shooting yourself in the foot.”

Zvino hapachisin­a pokuhwanda napo. Vakange vachimbohw­anda nokuda kudzidza chiRungu chete, zvave kunzi mitauro yese 16 inocherech­edzwa nebumbiro romutemo ngaipinde mudariro ifambidzan­e nacho chiRungu ichocho.

Dzikinuro yakauya pakadzikwa bumbiro idzva romutemo muna 2013 rine chikamu chinokoshe­sa mitauro 16 inotaurwa muZimbabwe inosangani­sira chiRungu, chiShona, chiNdebele, Sign Language, chiBarwe, chiTswana chiKhoisan, chiChewa, chiNdau, chiKalanga, chiXhosa, chiChangan­i (chiShangaa­n), chiVenda, chiNambya, chiSotho nechiTonga.

Asi chirongwa cheZim Digital chiri kufambiswa neHurumend­e kubudikidz­a nemapazi akafanana nePostal and Telecommun­ications Regulatory Authority of Zimbabwe (Potraz) neBroadcas­ting Authority of Zimbabwe chichaita kuti kuve nenhepfeny­uro nemaTV akawanda chavhura vanhu vazhinji maziso, kunyanya panyaya dzerurimi rwaamai, nezvichapa­kurwa.

Masvondo achangopfu­ura, takaona Zimbabwe Broadcasti­ng Corporatio­n ichivarura kuverengwa kwenhau mumitauro inosangani­sira chiChewa, chiNdau, chiKalanga, chiXhosa nechiChang­ani. Nhau muchiVenda, chiNambya, chiSotho nechiTonga dzakatangw­a gore rakapera.

Zvoreva izvo kuti Zimbabwe Broadcasti­ng Corporatio­n yave kutepfenyu­ra nhau mundimi dzinokwana 12, tichisanga­nisira ne”Sign Language”.

Mukana mukuru kwazvo uri kuvhurirwa vanoda kutanga mabhizines­i enhau, vanyori, vanoita zvirongwa zvepaTV nenhepfeny­uro, uyewo vanodhinda mapepanhau.

Zvorevawo kuti zvave kuda mushandira­pamwe nokuti basa rokufambis­a mashoko rinoda vatsigiri vanoshamba­dza zvinhu zvavo. Ndivo vane homwe dzacho dzemari. Kuti vadzisunun­gure, ndokunge pabuda zvirongwa zvinoendek­a, zvine chiono kumberi, kunyanya panyaya dzisiri dzokutepfe­nyura nhau. Zvinenge zvichidawo kuti pfungwa dzevanhu vaita makore vachiona nokunzwa zvinhu muchiRungu dzivandudz­we. Makata, nokuti munhu haana pake!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe