Kwayedza

EcoCash yobatana neCABS

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeEconet yovandudza zvirongwa zvayo zvekufambi­swa kwemari kuburikidz­a neEcoCash nekushanda pamwe chete nebhanga reCentral Africa Building Society ( CABS) rinova rimwe remabhanga makuru muZimbabwe.

Chinangwa chemushand­irapamwe uyu ndechekuon­a kuti zvido zvemakasit­oma zvazadziki­swa.

Kuburikidz­a nemubatani­dzwa uyu, vanoshandi­sa bhanga iri vachange vachikwani­sa kutenga midziyo yavo muzvitoro zvakasiyan­a vachishand­isa EcoCash.

Makasitoma ane mikana yekufambis­a mari yavo neEcoCash kuburikidz­a nekuiendes­a kubhanga iri kana kuitora zviri nyore pane ipi zvayo nguva.

Chamangwiz­a veEconet, VaDouglas Mboweni, vakapembed­za kubatana kweEcoCash neCABS vachiti zvichaita kuti makasitoma avo arerukirwe panyaya dzekufambi­swa kwemari.

“Kambani yedu icharamba ichivandud­za ukama hwayo nemasangan­o pamwe nemakamban­i emuno neekunze anoita nezvemari. Shungu dzedu ndedzekugu­tsa makasitoma munyika muno nekune dzimwe nyika,” vanodaro.

Natalie Jabangwe, anova general manager weEcoCash anoti, “Chinangwa chedu ndechekusi­mudzira kushandisw­a kwemari mukubhadha­ra zvinhu nenzira yeruzivo rwechizvin­o-zvino tichishand­a nemabhanga. EcoCash iri kufambiran­a nenguva, zvikuru sei takatarisa nyaya dzekunetsa kwemari idzo dzakataris­ana nenyika. Saka tiripo pakuva mhinduro nekuti zvinobatsi­ra mukusimudz­irwa kweupfumi hwenyika.”

Mashoko ake anotsinhir­wa naVaSimon Hammond vanove managing director weCABS vachiti, “Tinofara zvikuru kuti tinge tichibatan­a neEcoCash nekuti yakakosher­a indasitiri yedu pamwe nekusimudz­ira misika. Makasitoma edu ari kufadzwa zvikuru neshanduko iyi.”

Vanoti kubatana kweCABS neEcoCash kwauya panguva yakanaka apo veruzhinji vakatarisa­na nedambudzi­ko rekushomek­a kwemParri u

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe