Kwayedza

Musashungu­rudze vana: Papa Sodza

-

Abel Ndooka

SHASHA yemusambo weSodza Music, Walter ‘Papa Sodza’ Sonayi, anoti anorwadziw­a zvikuru kuona vana vachishung­urudzwa izvo zvakamutum­a kutsikisa kambo kanonzi Child Abuse.

Papa Sodza - uyo anotungami­rira chikwata cheVibrant Sounds, anoti vana ndivo vatungamir­iri vemangwana nekudaro havafaniri kushunguru­dzwa.

Kambo katsva kakatsikis­wa nemuchinda uyu kari padamberef­u rake idzva - Six Bullets - iro rine dzimwe nziyo dzinosanga­nisira Vachishiri, Ndoita sei, Muroyi, Nyaya yepfuma uye Jesus is the way.

“Ini ndinonzwa kushushika­na chaizvo kana ndichiona kushunguru­dzwa kunoitwa vana nenzira dzakasiyan­a. Izvi ndizvo zvakanditu­ma kutsikisa kambo kanonzi Child Abuse apo ndaiedza kukurudzir­a munhu wese ane nzeve dzekunzwa kuti ngatikoshe­se vana vedu uye tivagadzir­ire ramangwana ravo pane kuvashungu­rudza.

“Vana chipo chinobva kunaMwari saka chitadzo chatinenge tichiita kana tichivashu­ngurudza,” anodaro.

Papa Sodza anoimba misambo yakasiyana iyo inosangani­sira yechitende­ro, jazz, sungura, reggae nepassad izvo anoti ndizvo zvakazomut­uma kuti adaidze mhanzi yake kuti Sodza Music.

Makore adarika, muimbi uyu akambonets­a nekambo kainzi Ejegu ako akaimba naSulumani Chimbetu.

Kamwe kambo kake kakaita mukurumbir­a zvakare ndekanoti Ndakazvibi­kira Mbodza kari padamberef­u rake rekutanga rinonzi Kuumba Magariro.

Papa Sodza anoti ane nziyo dzakawanda chaizvo dzaakanyor­a dzaasati atanga kutsikisa zvekuti akadzitsik­isa anogona kuparura madamberfu anosvika 40.

 ??  ?? Papa Sodza
Papa Sodza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe